The Quran in Shona - Surah Adiyat translated into Shona, Surah Al-Adiyat in Shona. We provide accurate translation of Surah Adiyat in Shona - الشونا, Verses 11 - Surah Number 100 - Page 599.

| وَالْعَادِيَاتِ ضَبْحًا (1) Ndinopika nemabhiza anomhanya achifemereka |
| فَالْمُورِيَاتِ قَدْحًا (2) Achiburitsa zvimvari zvemoto (nemakumbo awo) |
| فَالْمُغِيرَاتِ صُبْحًا (3) Uye achimhanyira kunorwa mambakwedza |
| فَأَثَرْنَ بِهِ نَقْعًا (4) Uye achipfumbura huruva nawo |
| فَوَسَطْنَ بِهِ جَمْعًا (5) Uye achipinda nawo mukati (memuvengi) |
| إِنَّ الْإِنسَانَ لِرَبِّهِ لَكَنُودٌ (6) Zvirokwazvo, munhu haatendi Tenzi vake |
| وَإِنَّهُ عَلَىٰ ذَٰلِكَ لَشَهِيدٌ (7) Uye zvirokwazvo iye ichapupu kune izvozvo (nemabasa ake) |
| وَإِنَّهُ لِحُبِّ الْخَيْرِ لَشَدِيدٌ (8) Uye zvirokwazvo anosimbirira mukuda zvakanaka (hupfumi) |
| ۞ أَفَلَا يَعْلَمُ إِذَا بُعْثِرَ مَا فِي الْقُبُورِ (9) Haazivi here kuti apo zviri mumakuva zvichaburitswa |
| وَحُصِّلَ مَا فِي الصُّدُورِ (10) Uye izvo zviri muzvipfuva pazvichaitwa kuti zvizivikanwe |
| إِنَّ رَبَّهُم بِهِمْ يَوْمَئِذٍ لَّخَبِيرٌ (11) Zvirokwazvo, nezuva iroro Tenzi vavo vachange vachinyatsoziva nezvavo (mabasa avo uye vovapa mubairo wavo) |