حم (1) Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zvri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah) | 
وَالْكِتَابِ الْمُبِينِ (2) Ndinopika neGwaro riri pachena (Qur’aan rinoburitsa zvinhu pachena) | 
إِنَّا أَنزَلْنَاهُ فِي لَيْلَةٍ مُّبَارَكَةٍ ۚ إِنَّا كُنَّا مُنذِرِينَ (3) Zvirokwazvo, takaridzikisa	(Qur’aan) pausiku hwakakomborerwa (usiku hwe Al-Qadr mumwedzi weRamadhaan). Zvirokwazvo, tiri kuyambira (kuti ticharanga avo vasingatendi) | 
فِيهَا يُفْرَقُ كُلُّ أَمْرٍ حَكِيمٍ (4) Mauri (usiku uhwu) munotarwa nyaya dzose dzakarongwa (ndufu, keberekwa kwemhuka, nezviitiko zvese zvichaitika gore rinotevera) | 
أَمْرًا مِّنْ عِندِنَا ۚ إِنَّا كُنَّا مُرْسِلِينَ (5) Sechikomekedzo (Qur’aan iri kana kutarwa kwezviitiko) kubva kwatiri. Zvirokwazvo, tinotumira (vatumwa) | 
رَحْمَةً مِّن رَّبِّكَ ۚ إِنَّهُ هُوَ السَّمِيعُ الْعَلِيمُ (6) Setsitsi kubva kuna Tenzi vako. Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa, muzivi wezvose | 
رَبِّ السَّمَاوَاتِ وَالْأَرْضِ وَمَا بَيْنَهُمَا ۖ إِن كُنتُم مُّوقِنِينَ (7) Tenzi vematenga nenyika nezvose zviri pakati pawo, kana muine kutenda kwechokwadi (nekusangana naTenzi venyu) | 
لَا إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ يُحْيِي وَيُمِيتُ ۖ رَبُّكُمْ وَرَبُّ آبَائِكُمُ الْأَوَّلِينَ (8) Laa ilaaha illaa huwa (Hakuna mumwe ane kodzero yekunamatwa kunze kwavo). Ndivo vanopa upenyu uye vanokonzera rufu – Tenzi venyu uye Tenzi vemadzibaba enyu | 
بَلْ هُمْ فِي شَكٍّ يَلْعَبُونَ (9) Asi vanotamba vari mukugunun’una | 
فَارْتَقِبْ يَوْمَ تَأْتِي السَّمَاءُ بِدُخَانٍ مُّبِينٍ (10) Naizvozvo mirira zuva iro denga parichaunza chiutsi chiri pachena (chinooneka) | 
يَغْشَى النَّاسَ ۖ هَٰذَا عَذَابٌ أَلِيمٌ (11) Chichafukidza vanhu. Ichi chirango chinorwadza | 
رَّبَّنَا اكْشِفْ عَنَّا الْعَذَابَ إِنَّا مُؤْمِنُونَ (12) (Vachati): “Tenzi vedu! Bvisai mutongo kwatiri, muzvokwadi tichava vatendi!” | 
أَنَّىٰ لَهُمُ الذِّكْرَىٰ وَقَدْ جَاءَهُمْ رَسُولٌ مُّبِينٌ (13) Vangave sei nendangariro (murango wauya kwavari), apo mutumwa ari pachena akauya kwavari (achivajekesera) | 
ثُمَّ تَوَلَّوْا عَنْهُ وَقَالُوا مُعَلَّمٌ مَّجْنُونٌ (14) Naizvozvo vakamufuratira (Muhammad (SAW)) vakati: “Munhu akadzidziswa (nemumwe munhu), uye anopenga!” | 
إِنَّا كَاشِفُو الْعَذَابِ قَلِيلًا ۚ إِنَّكُمْ عَائِدُونَ (15) Zvirokwavo, tichabvisa mutongo kwekanguva. Zvirokwazvo, muchadzokera (mukusatenda) | 
يَوْمَ نَبْطِشُ الْبَطْشَةَ الْكُبْرَىٰ إِنَّا مُنتَقِمُونَ (16) Pazuva iro ratichakutorai nenzira hombe inorwadza. Zvirokwazvo tichadzorera nekupa chirango | 
۞ وَلَقَدْ فَتَنَّا قَبْلَهُمْ قَوْمَ فِرْعَوْنَ وَجَاءَهُمْ رَسُولٌ كَرِيمٌ (17) Uye zvirokwazvo takaedza mushure mavo vanhu vaFarawo, apo mutumwa anoremekedzwa akauya kwavari (Musa (AS) | 
أَنْ أَدُّوا إِلَيَّ عِبَادَ اللَّهِ ۖ إِنِّي لَكُمْ رَسُولٌ أَمِينٌ (18) Achiti: “Ndipei varanda vaAllah (vana vaIzirairi). Zvirokwazvo, ndiri mutumwa anovimbika kwamuri.” | 
وَأَن لَّا تَعْلُوا عَلَى اللَّهِ ۖ إِنِّي آتِيكُم بِسُلْطَانٍ مُّبِينٍ (19) “Uye musava munozvikudza pamusoro paAllah. Zvirokwazvo, ndauya kwamuri nenzira iri pachena (murairo uri pachena).” | 
وَإِنِّي عُذْتُ بِرَبِّي وَرَبِّكُمْ أَن تَرْجُمُونِ (20) “Uye zvirokwazvo ndinokumbira chengetedzo kubva kuna (Allah) Tenzi vangu naTenzi venyu, nekuti munganditeme (kana kunditi ndiri ngan’a kana kundiuraya).” | 
وَإِن لَّمْ تُؤْمِنُوا لِي فَاعْتَزِلُونِ (21) “Asi kana musingatendi mandiri, naizvozvo swederai kure neni mondisiya ndega ndakadaro.” | 
فَدَعَا رَبَّهُ أَنَّ هَٰؤُلَاءِ قَوْمٌ مُّجْرِمُونَ (22) Asi (Musa (AS)) akadana Tenzi vake achiti: “Zvirokwazvo, ava vanhu vanotadza (vatadzi).” | 
فَأَسْرِ بِعِبَادِي لَيْلًا إِنَّكُم مُّتَّبَعُونَ (23) (Allah vakati): “Buda pamwechete nevaranda vangu neusiku. Zvirokwazvo muchateverwa.” | 
وَاتْرُكِ الْبَحْرَ رَهْوًا ۖ إِنَّهُمْ جُندٌ مُّغْرَقُونَ (24) “Uye siya gungwa riri zvariri (rakapatsanuka). Zvirokwazvo vari mauto achanyudzwa.” | 
كَمْ تَرَكُوا مِن جَنَّاتٍ وَعُيُونٍ (25) Mapindu mangani nezvitubu zvavakasiya (vanhu vaFarawo) kumashure | 
وَزُرُوعٍ وَمَقَامٍ كَرِيمٍ (26) Nezvirimwa (minda inoyevedza) nenzvimbo dzakanaka | 
وَنَعْمَةٍ كَانُوا فِيهَا فَاكِهِينَ (27) Uye mutefetefe weupenyu umo mavaiwana mufaro | 
كَذَٰلِكَ ۖ وَأَوْرَثْنَاهَا قَوْمًا آخَرِينَ (28) Zvakaitika kudaro! Naizvozvo, takaita kuti vamwe vanhu vavagare nhaka (Vana vaIzirairi vagare nhaka humambo weku Egypt) | 
فَمَا بَكَتْ عَلَيْهِمُ السَّمَاءُ وَالْأَرْضُ وَمَا كَانُوا مُنظَرِينَ (29) Uye matenga nenyika hazvina kuvachemera, zvakare havana kupihwa nguva (havana kunonotswa) | 
وَلَقَدْ نَجَّيْنَا بَنِي إِسْرَائِيلَ مِنَ الْعَذَابِ الْمُهِينِ (30) Uye zvirokwazvo takanunura vana vaIzirairi kubva kumutongo unonyadzisa wakaomarara | 
مِن فِرْعَوْنَ ۚ إِنَّهُ كَانَ عَالِيًا مِّنَ الْمُسْرِفِينَ (31) Kubva kunaFarawo. Zvirokwazvo, aizvitutumadza uye aive mumwe wemaMusrifoon (avo vanhu vanopfurikidza mitemo yaAllah) | 
وَلَقَدِ اخْتَرْنَاهُمْ عَلَىٰ عِلْمٍ عَلَى الْعَالَمِينَ (32) Uye takavasarudza (vana vaIzirairi) pamusoro pevose (vanhu nemaJinn panguva yaMusa (AS)) neruzivo | 
وَآتَيْنَاهُم مِّنَ الْآيَاتِ مَا فِيهِ بَلَاءٌ مُّبِينٌ (33) Uye tikavapa zviratidzo zvaive nemuyedzo uri pachena | 
إِنَّ هَٰؤُلَاءِ لَيَقُولُونَ (34) Zvirokwazvo, ava (maQuraish) vari kuti | 
إِنْ هِيَ إِلَّا مَوْتَتُنَا الْأُولَىٰ وَمَا نَحْنُ بِمُنشَرِينَ (35) “Hapana chimwe chinhu kunze kwerufu rwedu rwekutanga, uye hatisi kuzomutswa (zvakare)!” | 
فَأْتُوا بِآبَائِنَا إِن كُنتُمْ صَادِقِينَ (36) “Tiunzire madzibaba edu kana uri pachokwadi!” | 
أَهُمْ خَيْرٌ أَمْ قَوْمُ تُبَّعٍ وَالَّذِينَ مِن قَبْلِهِمْ ۚ أَهْلَكْنَاهُمْ ۖ إِنَّهُمْ كَانُوا مُجْرِمِينَ (37) Vari nani here kana kuti vanhu vekuTubba neavo (vaivepo) mushure mavo? Takavaparadza nekuti zvirokwazvo vaive maMujrimoon (vatadzi) | 
وَمَا خَلَقْنَا السَّمَاوَاتِ وَالْأَرْضَ وَمَا بَيْنَهُمَا لَاعِبِينَ (38) Uye hatina kuva tinosika matenga nenyika, nezvose zviri pakati pawo sedambe | 
مَا خَلَقْنَاهُمَا إِلَّا بِالْحَقِّ وَلَٰكِنَّ أَكْثَرَهُمْ لَا يَعْلَمُونَ (39) Hatina kuva tinozvisika kusara kwekuti muchokwadi (kuti tione avo vanoteerera neavo vasingateereri), asi vazhinji vavo havazivi | 
إِنَّ يَوْمَ الْفَصْلِ مِيقَاتُهُمْ أَجْمَعِينَ (40) Zvirokwazvo, zuva rekutongwa inguva yavakatarirwa vose | 
يَوْمَ لَا يُغْنِي مَوْلًى عَن مَّوْلًى شَيْئًا وَلَا هُمْ يُنصَرُونَ (41) Zuva rekuti Maula (hama yepedyo) haikwanisi kubatsira Maula (hama yepedyo) nechimwe chinhu, uye zvakare hapana rubatsiro rwavachawana | 
إِلَّا مَن رَّحِمَ اللَّهُ ۚ إِنَّهُ هُوَ الْعَزِيزُ الرَّحِيمُ (42) Kunze kweuyo Allah wavanoratidza tsitsi. Zvirokwazvo, ndivo samasimba, vazere netsitsi | 
إِنَّ شَجَرَتَ الزَّقُّومِ (43) Zvirokwazvo, muti weZaqqoom (unovava zvikuru) | 
طَعَامُ الْأَثِيمِ (44) Uchava chikafu chevatadzi | 
كَالْمُهْلِ يَغْلِي فِي الْبُطُونِ (45) Semafuta anofashaira, chichafashaira mumatumbu avo | 
كَغَلْيِ الْحَمِيمِ (46) Sekufashaira kunoita mvura inopisa | 
خُذُوهُ فَاعْتِلُوهُ إِلَىٰ سَوَاءِ الْجَحِيمِ (47) (Zvichanzi): “Mutorei momudhonzera pakati pemarimi emoto!” | 
ثُمَّ صُبُّوا فَوْقَ رَأْسِهِ مِنْ عَذَابِ الْحَمِيمِ (48) “Modira mumusoro make mutongo wemvura inofashaira!” | 
ذُقْ إِنَّكَ أَنتَ الْعَزِيزُ الْكَرِيمُ (49) “Ravira (izvi)! Zvirokwazvo waiva (unozviita kunge) wepamusoro anoremekedzwa!” | 
إِنَّ هَٰذَا مَا كُنتُم بِهِ تَمْتَرُونَ (50) “Zvirokwazvo, izvi ndizvo zvamairamba (zvamaigunun’una)!” | 
إِنَّ الْمُتَّقِينَ فِي مَقَامٍ أَمِينٍ (51) Zvirokwazvo, avo vanotya Allah vachange vari munzvimbo yerunyararo (yakachengetedzeka) | 
فِي جَنَّاتٍ وَعُيُونٍ (52) Mumapindu nezvitubu | 
يَلْبَسُونَ مِن سُندُسٍ وَإِسْتَبْرَقٍ مُّتَقَابِلِينَ (53) Vakapfeka siriki yakanaka uye siriki yakakora vachitarisana | 
كَذَٰلِكَ وَزَوَّجْنَاهُم بِحُورٍ عِينٍ (54) Zvichava kudaro! Uye tichavaroodza kumaHouri vane maziso mahombe akanaka (vakadzi vakanaka vekuJannah) | 
يَدْعُونَ فِيهَا بِكُلِّ فَاكِهَةٍ آمِنِينَ (55) Vachadaidzira imomo michero yemhando dzose murunyararo nechengetedzo | 
لَا يَذُوقُونَ فِيهَا الْمَوْتَ إِلَّا الْمَوْتَةَ الْأُولَىٰ ۖ وَوَقَاهُمْ عَذَابَ الْجَحِيمِ (56) Havazomboravira rufu imomo kusara kwerufu rwekutanga (panyika), uye (Allah) vachavanunura kubva kumutongo wekumoto | 
فَضْلًا مِّن رَّبِّكَ ۚ ذَٰلِكَ هُوَ الْفَوْزُ الْعَظِيمُ (57) Semakomborero kubva kuna Tenzi vako! Uku kuchava kubudirira kwepamusoro | 
فَإِنَّمَا يَسَّرْنَاهُ بِلِسَانِكَ لَعَلَّهُمْ يَتَذَكَّرُونَ (58) Zvirokwazvo, takarirerutsa (Qur’aan iri) parurimi rwako, kuti vave vanorangarira | 
فَارْتَقِبْ إِنَّهُم مُّرْتَقِبُونَ (59) Naizvozvo mirira (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo ivo vakamirira (zvekare) |