×

Surah At-Tahreem in Shona

Quran Shona ⮕ Surah Tahrim

Translation of the Meanings of Surah Tahrim in Shona - الشونا

The Quran in Shona - Surah Tahrim translated into Shona, Surah At-Tahreem in Shona. We provide accurate translation of Surah Tahrim in Shona - الشونا, Verses 12 - Surah Number 66 - Page 560.

بسم الله الرحمن الرحيم

يَا أَيُّهَا النَّبِيُّ لِمَ تُحَرِّمُ مَا أَحَلَّ اللَّهُ لَكَ ۖ تَبْتَغِي مَرْضَاتَ أَزْوَاجِكَ ۚ وَاللَّهُ غَفُورٌ رَّحِيمٌ (1)
Iwe muporofita! Nemhaka yei uchirambidza izvo zvakabvumidzwa kwauri naAllah, uchida kufadza vakadzi vako? Uye Allah vanoregerera, vane tsitsi
قَدْ فَرَضَ اللَّهُ لَكُمْ تَحِلَّةَ أَيْمَانِكُمْ ۚ وَاللَّهُ مَوْلَاكُمْ ۖ وَهُوَ الْعَلِيمُ الْحَكِيمُ (2)
Zvirokwazvo Allah vakatokukomekedzai (imi vanhu) kuti musunungure mhiko dzenyu. Uye Allah ndivo muchengeti wenyu, uye ndivo vane ruzivo, uye huchenjeri
وَإِذْ أَسَرَّ النَّبِيُّ إِلَىٰ بَعْضِ أَزْوَاجِهِ حَدِيثًا فَلَمَّا نَبَّأَتْ بِهِ وَأَظْهَرَهُ اللَّهُ عَلَيْهِ عَرَّفَ بَعْضَهُ وَأَعْرَضَ عَن بَعْضٍ ۖ فَلَمَّا نَبَّأَهَا بِهِ قَالَتْ مَنْ أَنبَأَكَ هَٰذَا ۖ قَالَ نَبَّأَنِيَ الْعَلِيمُ الْخَبِيرُ (3)
Uye (rangarirai) apo muporofita (Muhammad (SAW)) akavandudza mashoko kune umwe wevakadzi vake (Hafsah), ndokubva iye (mukadzi) azvitaura (kuna Aishah). Uye Allah vakaita kuti azvizive. Akamuudza chidimbu akasiya chidimbu. Zvino iye (muporofita) paakamuudza nezvazvo akati: “Ndiani akuudza izvozvo?” Iye akati: “Muzivi wazvose, ane ruzivo chairwo (Allah) ndiye andiudza.”
إِن تَتُوبَا إِلَى اللَّهِ فَقَدْ صَغَتْ قُلُوبُكُمَا ۖ وَإِن تَظَاهَرَا عَلَيْهِ فَإِنَّ اللَّهَ هُوَ مَوْلَاهُ وَجِبْرِيلُ وَصَالِحُ الْمُؤْمِنِينَ ۖ وَالْمَلَائِكَةُ بَعْدَ ذَٰلِكَ ظَهِيرٌ (4)
Kana imi muri vaviri (Aishah naHafsah) mukasakumbira ruregerero kuna Allah, zvirokwazvo moyo yenyu inenge yabatana (kupikisa muporofita). Uye kana imi mukabetserana maringe naye (Kupikisana naye), zvirokwazvo Allah ndivo muchengeti wake, naGabriel, uye nevatendi vanoita zvakanaka; uye pamusoro pezvo, nengirozi dzinomubetsera
عَسَىٰ رَبُّهُ إِن طَلَّقَكُنَّ أَن يُبْدِلَهُ أَزْوَاجًا خَيْرًا مِّنكُنَّ مُسْلِمَاتٍ مُّؤْمِنَاتٍ قَانِتَاتٍ تَائِبَاتٍ عَابِدَاتٍ سَائِحَاتٍ ثَيِّبَاتٍ وَأَبْكَارًا (5)
Pamwe Tenzi vake, kana iye akakurambai, vanogona kumupa vamwe vakadzi vasiri imi, vari nani kudarika imi, maMuslim (vanozvipira kuna Allah), vatendi, vanoteerera (Allah), vanokumbira Allah ruregerero, vanonamata Allah nemoyo wese, vanotsanya (kana vakatama munzira yaAllah), vakamboroorwa uye mhandara
يَا أَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا قُوا أَنفُسَكُمْ وَأَهْلِيكُمْ نَارًا وَقُودُهَا النَّاسُ وَالْحِجَارَةُ عَلَيْهَا مَلَائِكَةٌ غِلَاظٌ شِدَادٌ لَّا يَعْصُونَ اللَّهَ مَا أَمَرَهُمْ وَيَفْعَلُونَ مَا يُؤْمَرُونَ (6)
Imi vanotenda! Zvinunurei imi nemhuri dzenyu kubva kumoto uyo huni dzacho vanhu nematombo, pamusoro pawo pane ngirozi dzakasimba dzakakasharara, dzisingaiti zvokusateerera Allah pane izvo zvaanodzikomekedza, uye dzinoita izvo zvinenge zvakomekedzerwa
يَا أَيُّهَا الَّذِينَ كَفَرُوا لَا تَعْتَذِرُوا الْيَوْمَ ۖ إِنَّمَا تُجْزَوْنَ مَا كُنتُمْ تَعْمَلُونَ (7)
Imi vasingatendi (mu Islaam)! Musape kana zvikonzero zuva ranhasi. Zvirokwazo murikupiwa mubairo wezvamakaita
يَا أَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا تُوبُوا إِلَى اللَّهِ تَوْبَةً نَّصُوحًا عَسَىٰ رَبُّكُمْ أَن يُكَفِّرَ عَنكُمْ سَيِّئَاتِكُمْ وَيُدْخِلَكُمْ جَنَّاتٍ تَجْرِي مِن تَحْتِهَا الْأَنْهَارُ يَوْمَ لَا يُخْزِي اللَّهُ النَّبِيَّ وَالَّذِينَ آمَنُوا مَعَهُ ۖ نُورُهُمْ يَسْعَىٰ بَيْنَ أَيْدِيهِمْ وَبِأَيْمَانِهِمْ يَقُولُونَ رَبَّنَا أَتْمِمْ لَنَا نُورَنَا وَاغْفِرْ لَنَا ۖ إِنَّكَ عَلَىٰ كُلِّ شَيْءٍ قَدِيرٌ (8)
Imi vanotenda! Kumbirai ruregerero kuna Allah zvakakwana! Pamwe Tenzi venyu vachakukanganwirai zvitadzo zvenyu, uye vachakupinzai mumapindu ayo pasi pawo pane nzizi dzinoyerera. Zuva iro Allah havazi kuzonyadzisa muporofita (Muhammad (SAW)) neavo vanotenda pamwe naye. Chiedza chavo chichimhanya mberi kwavo uye nekurudyi rwavo. Vachange vachiti: “Tenzi vedu! Zadzikisai chiedza chedu (kusvikira tayambuka As-Siraat (bhiriji riri pamusoro peGehena)) uye tiregerereiwo. Zvirokwazvo imi munokwanisa kuita zvose.”
يَا أَيُّهَا النَّبِيُّ جَاهِدِ الْكُفَّارَ وَالْمُنَافِقِينَ وَاغْلُظْ عَلَيْهِمْ ۚ وَمَأْوَاهُمْ جَهَنَّمُ ۖ وَبِئْسَ الْمَصِيرُ (9)
Iwe muporofita(Muhammad (SAW))! Shinga pamberi pevasingatendi nevanyengedzi, uye wokasharara kwavari; uye kuGehena ndiko kwavachagara, uye zvirokwazvo ndiwo magumo akashata
ضَرَبَ اللَّهُ مَثَلًا لِّلَّذِينَ كَفَرُوا امْرَأَتَ نُوحٍ وَامْرَأَتَ لُوطٍ ۖ كَانَتَا تَحْتَ عَبْدَيْنِ مِنْ عِبَادِنَا صَالِحَيْنِ فَخَانَتَاهُمَا فَلَمْ يُغْنِيَا عَنْهُمَا مِنَ اللَّهِ شَيْئًا وَقِيلَ ادْخُلَا النَّارَ مَعَ الدَّاخِلِينَ (10)
Allah vanopa muenzaniso kune avo vasingatendi: Mukadzi waNowa nemukadzi waLoti. Vakanga vari pasi pevaranda vedu vaviri vatsvene asi vakavabhanya (varume vavo nekuramba chitendero chavo). Uye (Nowa naLoti) havana kukwanisa kuvadzivirira kubva kuna Allah, uye zvakanzi: “Pindai mumoto pamwe nevarikupinda mumoto!”
وَضَرَبَ اللَّهُ مَثَلًا لِّلَّذِينَ آمَنُوا امْرَأَتَ فِرْعَوْنَ إِذْ قَالَتْ رَبِّ ابْنِ لِي عِندَكَ بَيْتًا فِي الْجَنَّةِ وَنَجِّنِي مِن فِرْعَوْنَ وَعَمَلِهِ وَنَجِّنِي مِنَ الْقَوْمِ الظَّالِمِينَ (11)
Uye Allah vakapa mufananidzo kune avo vanotenda: Mukadzi waFarawo apo akati: “Tenzi vangu! Ndivakirei imba kwamuri muParadhiso, uye ndinunurei kubva kuna Farawo nemabasa ake, uyezve ndinunureiwo kubva kune vanhu vanotadza.”
وَمَرْيَمَ ابْنَتَ عِمْرَانَ الَّتِي أَحْصَنَتْ فَرْجَهَا فَنَفَخْنَا فِيهِ مِن رُّوحِنَا وَصَدَّقَتْ بِكَلِمَاتِ رَبِّهَا وَكُتُبِهِ وَكَانَتْ مِنَ الْقَانِتِينَ (12)
Uye naMaria mwanasikana waImraan uyo akachengetedza hunhu hwake. Uye takafemera maari (mumbasha dzaakange akapfeka) kubva mumweya wedu (Gabriel), uye akabvuma mashoko aTenzi vake (akatenda mushoko raAllah rekuti: “Ivapo!” – uye akavapo Jesu mwanakomana waMaria mutumwa waAllah), uye (akabvuma) mabhuku avo, uye akanga ari weavo vanoteerera (Allah)
❮ Previous Next ❯

Surahs from Quran :

1- Fatiha2- Baqarah
3- Al Imran4- Nisa
5- Maidah6- Anam
7- Araf8- Anfal
9- Tawbah10- Yunus
11- Hud12- Yusuf
13- Raad14- Ibrahim
15- Hijr16- Nahl
17- Al Isra18- Kahf
19- Maryam20- TaHa
21- Anbiya22- Hajj
23- Muminun24- An Nur
25- Furqan26- Shuara
27- Naml28- Qasas
29- Ankabut30- Rum
31- Luqman32- Sajdah
33- Ahzab34- Saba
35- Fatir36- Yasin
37- Assaaffat38- Sad
39- Zumar40- Ghafir
41- Fussilat42- shura
43- Zukhruf44- Ad Dukhaan
45- Jathiyah46- Ahqaf
47- Muhammad48- Al Fath
49- Hujurat50- Qaf
51- zariyat52- Tur
53- Najm54- Al Qamar
55- Rahman56- Waqiah
57- Hadid58- Mujadilah
59- Al Hashr60- Mumtahina
61- Saff62- Jumuah
63- Munafiqun64- Taghabun
65- Talaq66- Tahrim
67- Mulk68- Qalam
69- Al-Haqqah70- Maarij
71- Nuh72- Jinn
73- Muzammil74- Muddathir
75- Qiyamah76- Insan
77- Mursalat78- An Naba
79- Naziat80- Abasa
81- Takwir82- Infitar
83- Mutaffifin84- Inshiqaq
85- Buruj86- Tariq
87- Al Ala88- Ghashiya
89- Fajr90- Al Balad
91- Shams92- Lail
93- Duha94- Sharh
95- Tin96- Al Alaq
97- Qadr98- Bayyinah
99- Zalzalah100- Adiyat
101- Qariah102- Takathur
103- Al Asr104- Humazah
105- Al Fil106- Quraysh
107- Maun108- Kawthar
109- Kafirun110- Nasr
111- Masad112- Ikhlas
113- Falaq114- An Nas