The Quran in Shona - Surah Takathur translated into Shona, Surah At-Takathur in Shona. We provide accurate translation of Surah Takathur in Shona - الشونا, Verses 8 - Surah Number 102 - Page 600.
أَلْهَاكُمُ التَّكَاثُرُ (1) Kuunganidza (zvenyika) kunokuitai kuti murivare |
حَتَّىٰ زُرْتُمُ الْمَقَابِرَ (2) Kusvikira mashanyira makuva (mafa) |
كَلَّا سَوْفَ تَعْلَمُونَ (3) Kwete! Muchasvika pakuziva |
ثُمَّ كَلَّا سَوْفَ تَعْلَمُونَ (4) Zvakare kwete! Muchasvika pakuziva |
كَلَّا لَوْ تَعْلَمُونَ عِلْمَ الْيَقِينِ (5) Kwete! Dai maiziva noruzivo rwechokwadi (magumo ekuunganidza, maisadaro) |
لَتَرَوُنَّ الْجَحِيمَ (6) Zvirokwazvo, muchaona viriri remoto (weGehena) |
ثُمَّ لَتَرَوُنَّهَا عَيْنَ الْيَقِينِ (7) Uye zvakare, muchauona (iwo moto) nemeso akajeka |
ثُمَّ لَتُسْأَلُنَّ يَوْمَئِذٍ عَنِ النَّعِيمِ (8) Uye nezuva iroro zvirokwazvo muchabvunzwa nezvemafaro (zvamaiita panyika) |