×

Surah Ar-Rahman in Shona

Quran Shona ⮕ Surah Rahman

Translation of the Meanings of Surah Rahman in Shona - الشونا

The Quran in Shona - Surah Rahman translated into Shona, Surah Ar-Rahman in Shona. We provide accurate translation of Surah Rahman in Shona - الشونا, Verses 78 - Surah Number 55 - Page 531.

بسم الله الرحمن الرحيم

الرَّحْمَٰنُ (1)
Mupi ane tsitsi dzakanyanya (Allah)
عَلَّمَ الْقُرْآنَ (2)
Vakava vanodzidzisa (vanhu) Qur’aan (netsitsi dzavo)
خَلَقَ الْإِنسَانَ (3)
Vakasika munhu
عَلَّمَهُ الْبَيَانَ (4)
Vakava vanomudzidzisa kutaura zvakanaka
الشَّمْسُ وَالْقَمَرُ بِحُسْبَانٍ (5)
Zuva nemwedzi zvinomhanya munzira yadzo yakatarwa yakaerwa zvakanaka
وَالنَّجْمُ وَالشَّجَرُ يَسْجُدَانِ (6)
Uye zvirimwa (kana nyenyedzi) nemiti zvinopfugamira (Allah)
وَالسَّمَاءَ رَفَعَهَا وَوَضَعَ الْمِيزَانَ (7)
Uye matenga: Vakava vanomasimudza mudenga, uye vakava vanogadzirisa chikero
أَلَّا تَطْغَوْا فِي الْمِيزَانِ (8)
Kuti musazove munotsaudzira (kudzikisa) chikero
وَأَقِيمُوا الْوَزْنَ بِالْقِسْطِ وَلَا تُخْسِرُوا الْمِيزَانَ (9)
Uye muve munoera zvakafanira, uye musave munodzikisa chikero pakuera
وَالْأَرْضَ وَضَعَهَا لِلْأَنَامِ (10)
Uye nyika: Vakava vanoiita yezvisikwa
فِيهَا فَاكِهَةٌ وَالنَّخْلُ ذَاتُ الْأَكْمَامِ (11)
Mukati mayo mune michero, uye miti yemadheti inobuditsa mapazi anenzvimbo dzinochengetedza michero
وَالْحَبُّ ذُو الْعَصْفِ وَالرَّيْحَانُ (12)
Uye chibage chine mashizha acho nemashanga sechikafu chezvipfuyo, uye zvirimwa zvinonhuhwirira
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (13)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
خَلَقَ الْإِنسَانَ مِن صَلْصَالٍ كَالْفَخَّارِ (14)
Vakave vanosika munhu (Adam) kubva muivhu rakafanana neivhu rekuumbisa
وَخَلَقَ الْجَانَّ مِن مَّارِجٍ مِّن نَّارٍ (15)
Uye maJinn vakaasika kubva muviriri remoto usina chiutsi
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (16)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
رَبُّ الْمَشْرِقَيْنِ وَرَبُّ الْمَغْرِبَيْنِ (17)
Tenzi vekumabvazuva maviri (munguva yekupisa neyechando) nekumadokero maviri (munguva yekupisa neyechando)
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (18)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
مَرَجَ الْبَحْرَيْنِ يَلْتَقِيَانِ (19)
Vakave vanosiya nzizi mbiri (mvura ine munyu neisina) dzichisangana
بَيْنَهُمَا بَرْزَخٌ لَّا يَبْغِيَانِ (20)
Pakati padzo pane chidziviro chekuti hapana inokwanisa kudarika imwe
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (21)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
يَخْرُجُ مِنْهُمَا اللُّؤْلُؤُ وَالْمَرْجَانُ (22)
Madziri (nzizi) munobuda matombo akakosha (mapera nekora)
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (23)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
وَلَهُ الْجَوَارِ الْمُنشَآتُ فِي الْبَحْرِ كَالْأَعْلَامِ (24)
Uye ngarava ndedzavo dzinoenda nekuuya mumakungwa, semakomo
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (25)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
كُلُّ مَنْ عَلَيْهَا فَانٍ (26)
Zvose zviri pairi (nyika) zvichaparara
وَيَبْقَىٰ وَجْهُ رَبِّكَ ذُو الْجَلَالِ وَالْإِكْرَامِ (27)
Uye kuchasara chiso chaTenzi vako chakazara nehukuru, neruremekedzo
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (28)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
يَسْأَلُهُ مَن فِي السَّمَاوَاتِ وَالْأَرْضِ ۚ كُلَّ يَوْمٍ هُوَ فِي شَأْنٍ (29)
Ani naani ari kumatenga nepanyika vanovakumbira (Allah, rubetsero). Zuva nezuva vanenge vari mune zvimwe (sekupa hupenyu nerufu)
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (30)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
سَنَفْرُغُ لَكُمْ أَيُّهَ الثَّقَلَانِ (31)
Tichauya kwamuri, imi mapoka maviri (vanhu nemaJinn)
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (32)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
يَا مَعْشَرَ الْجِنِّ وَالْإِنسِ إِنِ اسْتَطَعْتُمْ أَن تَنفُذُوا مِنْ أَقْطَارِ السَّمَاوَاتِ وَالْأَرْضِ فَانفُذُوا ۚ لَا تَنفُذُونَ إِلَّا بِسُلْطَانٍ (33)
Imi gungano remaJinn nevanhu! Kana muchikwanisa kupfuura hwaro hwematenga nenyika, pfuurai! Asi hamukwanisi kupfuura kunze kwekuti zvine mvumo (yaAllah)
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (34)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
يُرْسَلُ عَلَيْكُمَا شُوَاظٌ مِّن نَّارٍ وَنُحَاسٌ فَلَا تَنتَصِرَانِ (35)
Kuchatumirwa kwamuri maviriri emoto usina chiutsi uye simbi yakanyunguduka, uye hamuzokwanisi kuzvidzivirira
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (36)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
فَإِذَا انشَقَّتِ السَّمَاءُ فَكَانَتْ وَرْدَةً كَالدِّهَانِ (37)
Zvino apo denga parichaparadzwa, uye robva raita dzvuku semafuta matsvuku
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (38)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
فَيَوْمَئِذٍ لَّا يُسْأَلُ عَن ذَنبِهِ إِنسٌ وَلَا جَانٌّ (39)
Naizvozvo nezuva iroro hakuna mubvunzo uchabvunzwa munhu kana Jinn maererano nezvitadzo zvake (nekuti zvichange zvichizivikanwa nezviso zvavo, vamwe vachipenya (vekuParadhiso) uye vamwe vakasviba (vekuGehena)
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (40)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
يُعْرَفُ الْمُجْرِمُونَ بِسِيمَاهُمْ فَيُؤْخَذُ بِالنَّوَاصِي وَالْأَقْدَامِ (41)
Vatadzi vachazivikananwa nezviratidzo zvavo, uye vachabatwa nebvudzi ravo repamberi uye netsoka dzavo
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (42)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
هَٰذِهِ جَهَنَّمُ الَّتِي يُكَذِّبُ بِهَا الْمُجْرِمُونَ (43)
Iri ndiro Gehena iro vatadzi ravairamba
يَطُوفُونَ بَيْنَهَا وَبَيْنَ حَمِيمٍ آنٍ (44)
Vachaenda pakati paro (Gehena) uye mvura inopisa
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (45)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
وَلِمَنْ خَافَ مَقَامَ رَبِّهِ جَنَّتَانِ (46)
Asi uyo anotya kumira pamberi paTenzi vake (oita mabasa akanaka) achawana mapindu maviri (muParadhiso)
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (47)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
ذَوَاتَا أَفْنَانٍ (48)
Anemapazi anopararira
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (49)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
فِيهِمَا عَيْنَانِ تَجْرِيَانِ (50)
Mukati mawo muchange muine zvitubu zviviri zvinoerera
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (51)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
فِيهِمَا مِن كُلِّ فَاكِهَةٍ زَوْجَانِ (52)
Mukati mawo muchange muine marudzi ose emichero iri miviri miviri
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (53)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
مُتَّكِئِينَ عَلَىٰ فُرُشٍ بَطَائِنُهَا مِنْ إِسْتَبْرَقٍ ۚ وَجَنَى الْجَنَّتَيْنِ دَانٍ (54)
Vachange vakarara pamibhedha yakarukirwa nesiriki, uye michero yemapindu maviri ichange iri padyo
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (55)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
فِيهِنَّ قَاصِرَاتُ الطَّرْفِ لَمْ يَطْمِثْهُنَّ إِنسٌ قَبْلَهُمْ وَلَا جَانٌّ (56)
Mukati mawo muchange muine vakadzi vakatsiga, vasina varume kana maJinn akamborara navo
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (57)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
كَأَنَّهُنَّ الْيَاقُوتُ وَالْمَرْجَانُ (58)
(Runako) Sokunge vari matombo akakosha (masandawana nemakora)
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (59)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
هَلْ جَزَاءُ الْإِحْسَانِ إِلَّا الْإِحْسَانُ (60)
Pane mubairo wezvakanaka here kunze kwezvakanaka
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (61)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
وَمِن دُونِهِمَا جَنَّتَانِ (62)
Uye asiri aya maviri, pane mamwe mapindu maviri (muParadhiso)
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (63)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
مُدْهَامَّتَانِ (64)
Ane ruvara rwakasvibira
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (65)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
فِيهِمَا عَيْنَانِ نَضَّاخَتَانِ (66)
Mukati mawo (mapindu) muchange muine zvitubu zviviri zvinoerera
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (67)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
فِيهِمَا فَاكِهَةٌ وَنَخْلٌ وَرُمَّانٌ (68)
Mukati mawo ose muchange muine michero uye madheti neRummaan (chibage chechirungu)
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (69)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
فِيهِنَّ خَيْرَاتٌ حِسَانٌ (70)
Mukati mawo muchange muine vakadzi vakanaka
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (71)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
حُورٌ مَّقْصُورَاتٌ فِي الْخِيَامِ (72)
Vakadzi vakanaka munzvimbo dzakachengetedzwa
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (73)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
لَمْ يَطْمِثْهُنَّ إِنسٌ قَبْلَهُمْ وَلَا جَانٌّ (74)
Hapana murume akambovabata mushure kana maJinn
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (75)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
مُتَّكِئِينَ عَلَىٰ رَفْرَفٍ خُضْرٍ وَعَبْقَرِيٍّ حِسَانٍ (76)
Vanenge vakazorora pamakusheni akasvibira uye nemametiresi akakosha, akanaka
فَبِأَيِّ آلَاءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ (77)
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
تَبَارَكَ اسْمُ رَبِّكَ ذِي الْجَلَالِ وَالْإِكْرَامِ (78)
Rakakomborerwa zita raTenzi vako, mukuru, uye muridzi weremekedzo
❮ Previous Next ❯

Surahs from Quran :

1- Fatiha2- Baqarah
3- Al Imran4- Nisa
5- Maidah6- Anam
7- Araf8- Anfal
9- Tawbah10- Yunus
11- Hud12- Yusuf
13- Raad14- Ibrahim
15- Hijr16- Nahl
17- Al Isra18- Kahf
19- Maryam20- TaHa
21- Anbiya22- Hajj
23- Muminun24- An Nur
25- Furqan26- Shuara
27- Naml28- Qasas
29- Ankabut30- Rum
31- Luqman32- Sajdah
33- Ahzab34- Saba
35- Fatir36- Yasin
37- Assaaffat38- Sad
39- Zumar40- Ghafir
41- Fussilat42- shura
43- Zukhruf44- Ad Dukhaan
45- Jathiyah46- Ahqaf
47- Muhammad48- Al Fath
49- Hujurat50- Qaf
51- zariyat52- Tur
53- Najm54- Al Qamar
55- Rahman56- Waqiah
57- Hadid58- Mujadilah
59- Al Hashr60- Mumtahina
61- Saff62- Jumuah
63- Munafiqun64- Taghabun
65- Talaq66- Tahrim
67- Mulk68- Qalam
69- Al-Haqqah70- Maarij
71- Nuh72- Jinn
73- Muzammil74- Muddathir
75- Qiyamah76- Insan
77- Mursalat78- An Naba
79- Naziat80- Abasa
81- Takwir82- Infitar
83- Mutaffifin84- Inshiqaq
85- Buruj86- Tariq
87- Al Ala88- Ghashiya
89- Fajr90- Al Balad
91- Shams92- Lail
93- Duha94- Sharh
95- Tin96- Al Alaq
97- Qadr98- Bayyinah
99- Zalzalah100- Adiyat
101- Qariah102- Takathur
103- Al Asr104- Humazah
105- Al Fil106- Quraysh
107- Maun108- Kawthar
109- Kafirun110- Nasr
111- Masad112- Ikhlas
113- Falaq114- An Nas