×

Surah Al-Mumtahanah in Shona

Quran Shona ⮕ Surah Mumtahina

Translation of the Meanings of Surah Mumtahina in Shona - الشونا

The Quran in Shona - Surah Mumtahina translated into Shona, Surah Al-Mumtahanah in Shona. We provide accurate translation of Surah Mumtahina in Shona - الشونا, Verses 13 - Surah Number 60 - Page 549.

بسم الله الرحمن الرحيم

يَا أَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا لَا تَتَّخِذُوا عَدُوِّي وَعَدُوَّكُمْ أَوْلِيَاءَ تُلْقُونَ إِلَيْهِم بِالْمَوَدَّةِ وَقَدْ كَفَرُوا بِمَا جَاءَكُم مِّنَ الْحَقِّ يُخْرِجُونَ الرَّسُولَ وَإِيَّاكُمْ ۙ أَن تُؤْمِنُوا بِاللَّهِ رَبِّكُمْ إِن كُنتُمْ خَرَجْتُمْ جِهَادًا فِي سَبِيلِي وَابْتِغَاءَ مَرْضَاتِي ۚ تُسِرُّونَ إِلَيْهِم بِالْمَوَدَّةِ وَأَنَا أَعْلَمُ بِمَا أَخْفَيْتُمْ وَمَا أَعْلَنتُمْ ۚ وَمَن يَفْعَلْهُ مِنكُمْ فَقَدْ ضَلَّ سَوَاءَ السَّبِيلِ (1)
Imi vanotenda! Musatora mhandu dzangu nemhandu dzenyu seshamwari, muchidzitaridza rudo, asi vasina kutenda mune izvo zvauya kwamuri muchokwadi (Islaam), uye vachidzinga mutumwa (Muhammad (SAW)) pamwechete nemi (kubva munyika yenyu) nokuda kwekuti munotenda muna Allah, Tenzi venyu! Apo pamunobuda muchirwa munzira (yaAllah) yangu uye muchitsvaga mufaro wangu (musatora avo vasingatendi seshamwari). Munotaridza ushamwari kwavari muchivande, asi ini ndichiziva izvo zvamunovanza uye izvo zvamunoburitsa pachena. Uye uyo anozviita pakati penyu (maMuslim), zvirokwazvo anenge arasika chaizvo kubva munzira tsvene
إِن يَثْقَفُوكُمْ يَكُونُوا لَكُمْ أَعْدَاءً وَيَبْسُطُوا إِلَيْكُمْ أَيْدِيَهُمْ وَأَلْسِنَتَهُم بِالسُّوءِ وَوَدُّوا لَوْ تَكْفُرُونَ (2)
Kana vakakwanisa kuwana mukana pamusoro penyu, vanobva vaita mhandu dzenyu, uye vanobva vatambanudza maoko avo nerurimi rwavo mune zvakaipa, uye vanoshuvira kuti dai mukasatenda
لَن تَنفَعَكُمْ أَرْحَامُكُمْ وَلَا أَوْلَادُكُمْ ۚ يَوْمَ الْقِيَامَةِ يَفْصِلُ بَيْنَكُمْ ۚ وَاللَّهُ بِمَا تَعْمَلُونَ بَصِيرٌ (3)
Hama dzenyu nevana venyu havazokubetserai pazuva reQiyaamah (kumutswa kubva kuvafi). (Allah) vachatonga pakati penyu. Uye Allah vanoona zvose zvamunoita
قَدْ كَانَتْ لَكُمْ أُسْوَةٌ حَسَنَةٌ فِي إِبْرَاهِيمَ وَالَّذِينَ مَعَهُ إِذْ قَالُوا لِقَوْمِهِمْ إِنَّا بُرَآءُ مِنكُمْ وَمِمَّا تَعْبُدُونَ مِن دُونِ اللَّهِ كَفَرْنَا بِكُمْ وَبَدَا بَيْنَنَا وَبَيْنَكُمُ الْعَدَاوَةُ وَالْبَغْضَاءُ أَبَدًا حَتَّىٰ تُؤْمِنُوا بِاللَّهِ وَحْدَهُ إِلَّا قَوْلَ إِبْرَاهِيمَ لِأَبِيهِ لَأَسْتَغْفِرَنَّ لَكَ وَمَا أَمْلِكُ لَكَ مِنَ اللَّهِ مِن شَيْءٍ ۖ رَّبَّنَا عَلَيْكَ تَوَكَّلْنَا وَإِلَيْكَ أَنَبْنَا وَإِلَيْكَ الْمَصِيرُ (4)
Zvirokwazvo, pane muenzaniso wakanaka kwamuri pana Ibrahim (Abrahamu) neavo vakange vainaye, apo pavakati kune vanhu vavo: “Chokwadi, takasununguka kubva kwamuri uye neizvo zvamunonamata zvisiri Allah. Isu takurambai, uye pakati pedu nemi pave neruvengo uye kutsamwirana zvachose kusvikira imi matenda muna Allah mumwechete,” kusara kwemashoko aAbrahamu kuna baba vake: “Chokwadi, ndichakukumbirirai ruregerero (kuna Allah), asi handina simba rekukuitirai chimwe chinhu pamberi paAllah.” “Tenzi vedu! Tinovimba nemi, uye kwamuri ndiko kwatinoreurura, uye kwamuri ndiko kwatichadzokera.”
رَبَّنَا لَا تَجْعَلْنَا فِتْنَةً لِّلَّذِينَ كَفَرُوا وَاغْفِرْ لَنَا رَبَّنَا ۖ إِنَّكَ أَنتَ الْعَزِيزُ الْحَكِيمُ (5)
“Tenzi vedu! Musatiite muedzo weavo vasingatendi, uye tiregerereiwo, Tenzi vedu! Zvirokwazvo imi, imi chete ndimi mukuru, ane huchenjeri hwose.”
لَقَدْ كَانَ لَكُمْ فِيهِمْ أُسْوَةٌ حَسَنَةٌ لِّمَن كَانَ يَرْجُو اللَّهَ وَالْيَوْمَ الْآخِرَ ۚ وَمَن يَتَوَلَّ فَإِنَّ اللَّهَ هُوَ الْغَنِيُّ الْحَمِيدُ (6)
Chokwadi, paive nemuenzaniso wakanaka kwamuri kubva kwavari wekutevedzera, kune avo vanovimba kusanga naAllah uye zuva rekutongwa. Uye uyo anofuratira, zvirokwazvo, Allah ndivo mupfumi (vasina chavanoda), uye vanekodzero yekurumbidzwa chete
۞ عَسَى اللَّهُ أَن يَجْعَلَ بَيْنَكُمْ وَبَيْنَ الَّذِينَ عَادَيْتُم مِّنْهُم مَّوَدَّةً ۚ وَاللَّهُ قَدِيرٌ ۚ وَاللَّهُ غَفُورٌ رَّحِيمٌ (7)
Pamwe Allah vangagadzira hushamwari pakati penyu neavo vamakaita vavengi. Uye Allah vane simba (pamusoro pezvinhu zvese), uye Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji
لَّا يَنْهَاكُمُ اللَّهُ عَنِ الَّذِينَ لَمْ يُقَاتِلُوكُمْ فِي الدِّينِ وَلَمْ يُخْرِجُوكُم مِّن دِيَارِكُمْ أَن تَبَرُّوهُمْ وَتُقْسِطُوا إِلَيْهِمْ ۚ إِنَّ اللَّهَ يُحِبُّ الْمُقْسِطِينَ (8)
Allah havakurambidzii kushanda (zvakafanira uye zvakanaka) neavo vasinga kurwisei maererano nechitendero kana kukudzingai mudzimba dzenyu. Zvirokwazvo, Allah vanoda avo vanoshanda zvakafanira uye zvakanaka
إِنَّمَا يَنْهَاكُمُ اللَّهُ عَنِ الَّذِينَ قَاتَلُوكُمْ فِي الدِّينِ وَأَخْرَجُوكُم مِّن دِيَارِكُمْ وَظَاهَرُوا عَلَىٰ إِخْرَاجِكُمْ أَن تَوَلَّوْهُمْ ۚ وَمَن يَتَوَلَّهُمْ فَأُولَٰئِكَ هُمُ الظَّالِمُونَ (9)
Zvirokwazvo, Allah vanokurambidzai kune avo vakakurwisai muchitendero uye vakakudzingai mudzimba dzenyu, uye vakabetsera kukudzingai, Allah vanokurambidzai kuita ushamwari navo. Asi uyo anoita ushamwari navo, vanhu vakadaro ndivo vatadzi (vasingateereri Allah)
يَا أَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا إِذَا جَاءَكُمُ الْمُؤْمِنَاتُ مُهَاجِرَاتٍ فَامْتَحِنُوهُنَّ ۖ اللَّهُ أَعْلَمُ بِإِيمَانِهِنَّ ۖ فَإِنْ عَلِمْتُمُوهُنَّ مُؤْمِنَاتٍ فَلَا تَرْجِعُوهُنَّ إِلَى الْكُفَّارِ ۖ لَا هُنَّ حِلٌّ لَّهُمْ وَلَا هُمْ يَحِلُّونَ لَهُنَّ ۖ وَآتُوهُم مَّا أَنفَقُوا ۚ وَلَا جُنَاحَ عَلَيْكُمْ أَن تَنكِحُوهُنَّ إِذَا آتَيْتُمُوهُنَّ أُجُورَهُنَّ ۚ وَلَا تُمْسِكُوا بِعِصَمِ الْكَوَافِرِ وَاسْأَلُوا مَا أَنفَقْتُمْ وَلْيَسْأَلُوا مَا أَنفَقُوا ۚ ذَٰلِكُمْ حُكْمُ اللَّهِ ۖ يَحْكُمُ بَيْنَكُمْ ۚ وَاللَّهُ عَلِيمٌ حَكِيمٌ (10)
Imi vanotenda! Kana vatendi vechikadzi vauya kwamuri sevatami, vaedzei, asi Allah vanoziva kutenda kwavo. Kana mukaona kutenda mavari, musavadzosera kune vasingatendi. Havabvumidzwi kwavari kana ivo kubvumidzwa kwavari (kuroorana). Uye vapei (vasingatendi) zvavakashandisa (Mahr – Mari inobviswa nemurume achipa mudzimai wake pazuva remuchato). Uye hapana mhaka kwamuri kana imi mukavaroora kana mukavapa mugove wavo (Mahr). Uye musarambe mune vakadzi vasingatendi sevakadzi venyu, uye mobvunza zvamakashandisa (kudzorerwa Mahr) uye ivo (vasingatendi) ngavabunzewo zvavakashandisa. Uku ndiko kutonga kwaAllah, vanotonga pakati penyu. Uye Allah vanoziva zvese, vane huchenjeri hwese
وَإِن فَاتَكُمْ شَيْءٌ مِّنْ أَزْوَاجِكُمْ إِلَى الْكُفَّارِ فَعَاقَبْتُمْ فَآتُوا الَّذِينَ ذَهَبَتْ أَزْوَاجُهُم مِّثْلَ مَا أَنفَقُوا ۚ وَاتَّقُوا اللَّهَ الَّذِي أَنتُم بِهِ مُؤْمِنُونَ (11)
Uye kana mumwe wevakadzi venyu akaenda kune avo vasingatendi achibva kwamuri (asiya chitendero, uye avo vasingatendi voramba kukudzorerai zvamakashandisa (Mahr), uye mukavarwisa movatorera hupfumi), chibhadharai (kubva muhupfumi iwowo) avo vane vakadzi vakaenda zvakangofanana nezvavakashandisa (Mahr). Uye ityai Allah avo vamunotenda mavari
يَا أَيُّهَا النَّبِيُّ إِذَا جَاءَكَ الْمُؤْمِنَاتُ يُبَايِعْنَكَ عَلَىٰ أَن لَّا يُشْرِكْنَ بِاللَّهِ شَيْئًا وَلَا يَسْرِقْنَ وَلَا يَزْنِينَ وَلَا يَقْتُلْنَ أَوْلَادَهُنَّ وَلَا يَأْتِينَ بِبُهْتَانٍ يَفْتَرِينَهُ بَيْنَ أَيْدِيهِنَّ وَأَرْجُلِهِنَّ وَلَا يَعْصِينَكَ فِي مَعْرُوفٍ ۙ فَبَايِعْهُنَّ وَاسْتَغْفِرْ لَهُنَّ اللَّهَ ۖ إِنَّ اللَّهَ غَفُورٌ رَّحِيمٌ (12)
Iwe muporofita! Kana vakadzi vanotenda vauya kwauri vachikupa Bai’ah (Mhiko), kuti havasi kuzosanganisa chimwe chinhu naAllah, havasi kuzoba, uye kuti havasi kuzoita cheupombwe, uye kuti havasi kuzouraya vana vavo, uye kuti havasi kuzombotaura manyepo vachinyepa kuti vana vavainavo ndevevarume vavo, uye kuti havasi kuzorega kukuteerera pane izvo zvakana (Islaam), chitambira Mhiko (Bai’ah) dzavo kwauri, uye vokumbira Allah kuti vavaregerere. Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzakanyanya
يَا أَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا لَا تَتَوَلَّوْا قَوْمًا غَضِبَ اللَّهُ عَلَيْهِمْ قَدْ يَئِسُوا مِنَ الْآخِرَةِ كَمَا يَئِسَ الْكُفَّارُ مِنْ أَصْحَابِ الْقُبُورِ (13)
Imi vanotenda! Musashamwaridzana nevanhu vakatsamwirwa naAllah (maJudha). Chokwadi, havana tarisiro yehupenyu hwemangwana (kuti vachawana zvakanaka), sekushaiwa tarisiro kweavo vasingatendi kune avo vari kumakuva (kuti vachamuka pazuva rekutongwa)
❮ Previous Next ❯

Surahs from Quran :

1- Fatiha2- Baqarah
3- Al Imran4- Nisa
5- Maidah6- Anam
7- Araf8- Anfal
9- Tawbah10- Yunus
11- Hud12- Yusuf
13- Raad14- Ibrahim
15- Hijr16- Nahl
17- Al Isra18- Kahf
19- Maryam20- TaHa
21- Anbiya22- Hajj
23- Muminun24- An Nur
25- Furqan26- Shuara
27- Naml28- Qasas
29- Ankabut30- Rum
31- Luqman32- Sajdah
33- Ahzab34- Saba
35- Fatir36- Yasin
37- Assaaffat38- Sad
39- Zumar40- Ghafir
41- Fussilat42- shura
43- Zukhruf44- Ad Dukhaan
45- Jathiyah46- Ahqaf
47- Muhammad48- Al Fath
49- Hujurat50- Qaf
51- zariyat52- Tur
53- Najm54- Al Qamar
55- Rahman56- Waqiah
57- Hadid58- Mujadilah
59- Al Hashr60- Mumtahina
61- Saff62- Jumuah
63- Munafiqun64- Taghabun
65- Talaq66- Tahrim
67- Mulk68- Qalam
69- Al-Haqqah70- Maarij
71- Nuh72- Jinn
73- Muzammil74- Muddathir
75- Qiyamah76- Insan
77- Mursalat78- An Naba
79- Naziat80- Abasa
81- Takwir82- Infitar
83- Mutaffifin84- Inshiqaq
85- Buruj86- Tariq
87- Al Ala88- Ghashiya
89- Fajr90- Al Balad
91- Shams92- Lail
93- Duha94- Sharh
95- Tin96- Al Alaq
97- Qadr98- Bayyinah
99- Zalzalah100- Adiyat
101- Qariah102- Takathur
103- Al Asr104- Humazah
105- Al Fil106- Quraysh
107- Maun108- Kawthar
109- Kafirun110- Nasr
111- Masad112- Ikhlas
113- Falaq114- An Nas