×

Surah As-Saff in Shona

Quran Shona ⮕ Surah Saff

Translation of the Meanings of Surah Saff in Shona - الشونا

The Quran in Shona - Surah Saff translated into Shona, Surah As-Saff in Shona. We provide accurate translation of Surah Saff in Shona - الشونا, Verses 14 - Surah Number 61 - Page 551.

بسم الله الرحمن الرحيم

سَبَّحَ لِلَّهِ مَا فِي السَّمَاوَاتِ وَمَا فِي الْأَرْضِ ۖ وَهُوَ الْعَزِيزُ الْحَكِيمُ (1)
Zvose zviri kumatenga nepanyika zvinorumbidza Allah. Uye ndivo mukuru, vane huchenjeri hwese
يَا أَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا لِمَ تَقُولُونَ مَا لَا تَفْعَلُونَ (2)
Imi vanotenda! Sei muchitaura izvo zvamusingaiti
كَبُرَ مَقْتًا عِندَ اللَّهِ أَن تَقُولُوا مَا لَا تَفْعَلُونَ (3)
Zvakanyanya kuvengwa pamberi paAllah ndezvekutaura izvo zvamusingaiti
إِنَّ اللَّهَ يُحِبُّ الَّذِينَ يُقَاتِلُونَ فِي سَبِيلِهِ صَفًّا كَأَنَّهُم بُنْيَانٌ مَّرْصُوصٌ (4)
Zvirokwazvo, Allah vanoda avo vanorwa munzira yavo vari pamitsara sokunge mudhuri wakasimba
وَإِذْ قَالَ مُوسَىٰ لِقَوْمِهِ يَا قَوْمِ لِمَ تُؤْذُونَنِي وَقَد تَّعْلَمُونَ أَنِّي رَسُولُ اللَّهِ إِلَيْكُمْ ۖ فَلَمَّا زَاغُوا أَزَاغَ اللَّهُ قُلُوبَهُمْ ۚ وَاللَّهُ لَا يَهْدِي الْقَوْمَ الْفَاسِقِينَ (5)
Uye rangarirai apo Musa akati kuvanhu vake: “Imi vanhu vangu! Nemhaka yei imi muchindirwadzisa asi imi muchiziva muchokwadi kuti ini ndiri mutumwa waAllah kwamuri?” Saka pavakafuratira, Allah vakaita kuti moyo yavo ifuratire (nzira yakanaka). Uye Allah havatungamiri vanhu vasingateereri
وَإِذْ قَالَ عِيسَى ابْنُ مَرْيَمَ يَا بَنِي إِسْرَائِيلَ إِنِّي رَسُولُ اللَّهِ إِلَيْكُم مُّصَدِّقًا لِّمَا بَيْنَ يَدَيَّ مِنَ التَّوْرَاةِ وَمُبَشِّرًا بِرَسُولٍ يَأْتِي مِن بَعْدِي اسْمُهُ أَحْمَدُ ۖ فَلَمَّا جَاءَهُم بِالْبَيِّنَاتِ قَالُوا هَٰذَا سِحْرٌ مُّبِينٌ (6)
Uye rangarirai apo Isa (Jesu) mwana wa Mariya akati: “Imi vana vaIzrairi! Ini ndiri mutumwa waAllah kwamuri, kuzodudzira izvo zvakauya pamberi pangu zviri muTorah, uye kupa mashoko akanaka emutumwa achauya mushure mangu, zita rake anonzi Ahmad (zita rimwe raMuhammad (SAW)).” Asi paakauya (Ahmad (SAW)) kwavari nehumboo huri pachena, vakati: “Aya masaramusi ari pachena.”
وَمَنْ أَظْلَمُ مِمَّنِ افْتَرَىٰ عَلَى اللَّهِ الْكَذِبَ وَهُوَ يُدْعَىٰ إِلَى الْإِسْلَامِ ۚ وَاللَّهُ لَا يَهْدِي الْقَوْمَ الظَّالِمِينَ (7)
Uye ndiani anotadza zvikuru kudarika uyo anonyepera Allah, asi iye achidaidzirwa kuIslaam? Uye Allah havatungamiriri vanhu vanotadza
يُرِيدُونَ لِيُطْفِئُوا نُورَ اللَّهِ بِأَفْوَاهِهِمْ وَاللَّهُ مُتِمُّ نُورِهِ وَلَوْ كَرِهَ الْكَافِرُونَ (8)
Vanoshuvira kudzima mwenje waAllah (Islaam) nemiromo yavo, asi Allah vachadzadzikisa mwenje wavo kunyangwe zvazvo vasingatendi vachizvivenga
هُوَ الَّذِي أَرْسَلَ رَسُولَهُ بِالْهُدَىٰ وَدِينِ الْحَقِّ لِيُظْهِرَهُ عَلَى الدِّينِ كُلِّهِ وَلَوْ كَرِهَ الْمُشْرِكُونَ (9)
Ndivo vakatuma mutumwa wavo (Muhammad (SAW)) nenungamiro uye chitendero chechokwadi (Islaam) kuti chigokunda zvitendero zvose kunyangwe zvazvo maMushrikoon (Vasingatendi nevanonamata vana mwari vakawanda) vachizvivenga
يَا أَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا هَلْ أَدُلُّكُمْ عَلَىٰ تِجَارَةٍ تُنجِيكُم مِّنْ عَذَابٍ أَلِيمٍ (10)
Imi vanotenda! Ndingakutungamirai here kune bhizimusi richakununurai kubva kumurango unorwadza
تُؤْمِنُونَ بِاللَّهِ وَرَسُولِهِ وَتُجَاهِدُونَ فِي سَبِيلِ اللَّهِ بِأَمْوَالِكُمْ وَأَنفُسِكُمْ ۚ ذَٰلِكُمْ خَيْرٌ لَّكُمْ إِن كُنتُمْ تَعْلَمُونَ (11)
Kuti imi mutende kuna Allah uye mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye moshinga nekurwa munzira yaAllah nehupfumi hwenyu uye nehupenyu hwenyu. Izvozvo ndizvo zvakanaka kwamuri kana muchiziva
يَغْفِرْ لَكُمْ ذُنُوبَكُمْ وَيُدْخِلْكُمْ جَنَّاتٍ تَجْرِي مِن تَحْتِهَا الْأَنْهَارُ وَمَسَاكِنَ طَيِّبَةً فِي جَنَّاتِ عَدْنٍ ۚ ذَٰلِكَ الْفَوْزُ الْعَظِيمُ (12)
(Allah) vachakuregererai zvitadzo zvenyu, uye vachakupinzai muParadhiso iro pasi paro panoerera nzizi, uyedzimba dzakanaka muEden, Paradhiso. Zvirokwazvo, ikoko ndiko kubudirira kukuru
وَأُخْرَىٰ تُحِبُّونَهَا ۖ نَصْرٌ مِّنَ اللَّهِ وَفَتْحٌ قَرِيبٌ ۗ وَبَشِّرِ الْمُؤْمِنِينَ (13)
Nezvimwe zvamunoda kubva kuna Allah (vachakupai), rubatsiro kubva kuna Allah nekukunda kuri pedyo. Uye ipa mashoko akanaka (Muhammad (SAW)) kune vatendi
يَا أَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا كُونُوا أَنصَارَ اللَّهِ كَمَا قَالَ عِيسَى ابْنُ مَرْيَمَ لِلْحَوَارِيِّينَ مَنْ أَنصَارِي إِلَى اللَّهِ ۖ قَالَ الْحَوَارِيُّونَ نَحْنُ أَنصَارُ اللَّهِ ۖ فَآمَنَت طَّائِفَةٌ مِّن بَنِي إِسْرَائِيلَ وَكَفَرَت طَّائِفَةٌ ۖ فَأَيَّدْنَا الَّذِينَ آمَنُوا عَلَىٰ عَدُوِّهِمْ فَأَصْبَحُوا ظَاهِرِينَ (14)
Imi vanotenda! Ivai vabetseri vaAllah sokutaura kwakaita Isa (Jesu) mwana waMariya kuvadzidzi vake (achiti): “Ndivanaani vachandibetsera kuna Allah?” Vadzidzi vakataura kuti: “Isu tiri vabetseri vaAllah!” Naizvozvo chikwata chevana veIzrairi chakatenda uye chikwata chimwe hachina kutenda. Naizvozvo takapa simba kune avo vakatenda pamusoro pemhandu dzavo, uye vakabva vakunda
❮ Previous Next ❯

Surahs from Quran :

1- Fatiha2- Baqarah
3- Al Imran4- Nisa
5- Maidah6- Anam
7- Araf8- Anfal
9- Tawbah10- Yunus
11- Hud12- Yusuf
13- Raad14- Ibrahim
15- Hijr16- Nahl
17- Al Isra18- Kahf
19- Maryam20- TaHa
21- Anbiya22- Hajj
23- Muminun24- An Nur
25- Furqan26- Shuara
27- Naml28- Qasas
29- Ankabut30- Rum
31- Luqman32- Sajdah
33- Ahzab34- Saba
35- Fatir36- Yasin
37- Assaaffat38- Sad
39- Zumar40- Ghafir
41- Fussilat42- shura
43- Zukhruf44- Ad Dukhaan
45- Jathiyah46- Ahqaf
47- Muhammad48- Al Fath
49- Hujurat50- Qaf
51- zariyat52- Tur
53- Najm54- Al Qamar
55- Rahman56- Waqiah
57- Hadid58- Mujadilah
59- Al Hashr60- Mumtahina
61- Saff62- Jumuah
63- Munafiqun64- Taghabun
65- Talaq66- Tahrim
67- Mulk68- Qalam
69- Al-Haqqah70- Maarij
71- Nuh72- Jinn
73- Muzammil74- Muddathir
75- Qiyamah76- Insan
77- Mursalat78- An Naba
79- Naziat80- Abasa
81- Takwir82- Infitar
83- Mutaffifin84- Inshiqaq
85- Buruj86- Tariq
87- Al Ala88- Ghashiya
89- Fajr90- Al Balad
91- Shams92- Lail
93- Duha94- Sharh
95- Tin96- Al Alaq
97- Qadr98- Bayyinah
99- Zalzalah100- Adiyat
101- Qariah102- Takathur
103- Al Asr104- Humazah
105- Al Fil106- Quraysh
107- Maun108- Kawthar
109- Kafirun110- Nasr
111- Masad112- Ikhlas
113- Falaq114- An Nas