×

Surah At-Taghabun in Shona

Quran Shona ⮕ Surah Taghabun

Translation of the Meanings of Surah Taghabun in Shona - الشونا

The Quran in Shona - Surah Taghabun translated into Shona, Surah At-Taghabun in Shona. We provide accurate translation of Surah Taghabun in Shona - الشونا, Verses 18 - Surah Number 64 - Page 556.

بسم الله الرحمن الرحيم

يُسَبِّحُ لِلَّهِ مَا فِي السَّمَاوَاتِ وَمَا فِي الْأَرْضِ ۖ لَهُ الْمُلْكُ وَلَهُ الْحَمْدُ ۖ وَهُوَ عَلَىٰ كُلِّ شَيْءٍ قَدِيرٌ (1)
Zvose zviri kumatenga nepanyika zvinorumbidza Allah. Humambo ndehwavo, uye rumbidzo nekutenda kwese ndekwavo, uye (Allah) vane simba pamusoro pezvinhu zvose
هُوَ الَّذِي خَلَقَكُمْ فَمِنكُمْ كَافِرٌ وَمِنكُم مُّؤْمِنٌ ۚ وَاللَّهُ بِمَا تَعْمَلُونَ بَصِيرٌ (2)
Ndivo (Allah) vakakusikai, naizvozvo vamwe venyu havatendi uye vamwe venyu vanotenda. Uye Allah vanoona zvose zvamunoita
خَلَقَ السَّمَاوَاتِ وَالْأَرْضَ بِالْحَقِّ وَصَوَّرَكُمْ فَأَحْسَنَ صُوَرَكُمْ ۖ وَإِلَيْهِ الْمَصِيرُ (3)
Vakasika matenga nenyika muchokwadi, uye vakakuumbai ndokubva vaita maumbirwo enyu kuti ave akanaka. Uye kwavari ndiko kune magumo ekupedzisira
يَعْلَمُ مَا فِي السَّمَاوَاتِ وَالْأَرْضِ وَيَعْلَمُ مَا تُسِرُّونَ وَمَا تُعْلِنُونَ ۚ وَاللَّهُ عَلِيمٌ بِذَاتِ الصُّدُورِ (4)
(Allah) vanoziva zvose zviri kumatenga uye zvose zviri panyika, uye vanoziva zvamunovanza uye izvo zvamunoburitsa pachena. Uye Allah vanoziva zvose zviri muhana
أَلَمْ يَأْتِكُمْ نَبَأُ الَّذِينَ كَفَرُوا مِن قَبْلُ فَذَاقُوا وَبَالَ أَمْرِهِمْ وَلَهُمْ عَذَابٌ أَلِيمٌ (5)
Hadzina kusvika kwamuri here nhau dzeavo vasina kutenda mumashure? Naizvozvo vakaravira magumo emabasa avo akaipa (kusatenda kwavo), uye vachawana mutongo unorwadza
ذَٰلِكَ بِأَنَّهُ كَانَت تَّأْتِيهِمْ رُسُلُهُم بِالْبَيِّنَاتِ فَقَالُوا أَبَشَرٌ يَهْدُونَنَا فَكَفَرُوا وَتَوَلَّوا ۚ وَّاسْتَغْنَى اللَّهُ ۚ وَاللَّهُ غَنِيٌّ حَمِيدٌ (6)
Nokuda kwekuti vatumwa vavo vakauya kwavari nezviratidzo zviri pachena, asi vakati: “Varume zvavo vangatitungamira?” Naizvozvo havana kutenda ndokubva vafuratira (chokwadi). Uye Allah vakanga vasingadi rubetsero rwavo. Uye Allah ndivo mupfumi (hapana chavanoda), muridzi werumbidzo dzese
زَعَمَ الَّذِينَ كَفَرُوا أَن لَّن يُبْعَثُوا ۚ قُلْ بَلَىٰ وَرَبِّي لَتُبْعَثُنَّ ثُمَّ لَتُنَبَّؤُنَّ بِمَا عَمِلْتُمْ ۚ وَذَٰلِكَ عَلَى اللَّهِ يَسِيرٌ (7)
Avo vasingatendi vanofungidzira kuti havasi kuzomutswa. Iti (Muhammad(SAW)): Hongu! Ndinopika naTenzi vangu, kuti zvirokwazvo muchamutswa, uye muchazoudzwa izvo zvamaiita, uye izvozvo zviri nyore kuna Allah
فَآمِنُوا بِاللَّهِ وَرَسُولِهِ وَالنُّورِ الَّذِي أَنزَلْنَا ۚ وَاللَّهُ بِمَا تَعْمَلُونَ خَبِيرٌ (8)
Naizvozvo tendai muna Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye nechiedza chatakatumira (Qur’aan iri). Uye Allah vanoziva zvose zvamunoita
يَوْمَ يَجْمَعُكُمْ لِيَوْمِ الْجَمْعِ ۖ ذَٰلِكَ يَوْمُ التَّغَابُنِ ۗ وَمَن يُؤْمِن بِاللَّهِ وَيَعْمَلْ صَالِحًا يُكَفِّرْ عَنْهُ سَيِّئَاتِهِ وَيُدْخِلْهُ جَنَّاتٍ تَجْرِي مِن تَحْتِهَا الْأَنْهَارُ خَالِدِينَ فِيهَا أَبَدًا ۚ ذَٰلِكَ الْفَوْزُ الْعَظِيمُ (9)
(Rangarirai) Zuva iro (Allah) vachakuunganidzai mose pazuva rekuungana. Ndiro richava zuva rokuwana nekurasikirwa (vatendi vachipinda Paradhiso uye vasingatendi vachipinda Gehena). Uye uyo anotenda muna Allah uye achiita mabasa akanaka, (Allah) vachamukanganwira zvitadzo zvake, uye vachamupinza mumapindu ayo anoerera nzizi pasi pawo, umo vachagara zvachose. Uku ndiko kubudirira kuhombe
وَالَّذِينَ كَفَرُوا وَكَذَّبُوا بِآيَاتِنَا أُولَٰئِكَ أَصْحَابُ النَّارِ خَالِدِينَ فِيهَا ۖ وَبِئْسَ الْمَصِيرُ (10)
Uye avo vasingatendi (muhumwechete waAllah) uye vakaramba zviratidzo zvedu, vanhu vakadaro ndivo vagari vekumoto, umo vachagara zvachose. Uye magumo akadaro ndiwo akashata
مَا أَصَابَ مِن مُّصِيبَةٍ إِلَّا بِإِذْنِ اللَّهِ ۗ وَمَن يُؤْمِن بِاللَّهِ يَهْدِ قَلْبَهُ ۚ وَاللَّهُ بِكُلِّ شَيْءٍ عَلِيمٌ (11)
Hakuna matambudziko anouya asi nokuda kwemvumo yaAllah. Uye wese anotenda kuna Allah, vachatungamira moyo wake (kuchokwadi). Uye Allah vanoziva zvinhu zvose
وَأَطِيعُوا اللَّهَ وَأَطِيعُوا الرَّسُولَ ۚ فَإِن تَوَلَّيْتُمْ فَإِنَّمَا عَلَىٰ رَسُولِنَا الْبَلَاغُ الْمُبِينُ (12)
Uye teererai Allah uye moteerera mutumwa (Muhammad (SAW)); asi kana mukafuratira, zvino zvirokwazvo basa remutumwa wedu kuparidza shoko pachena
اللَّهُ لَا إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ ۚ وَعَلَى اللَّهِ فَلْيَتَوَكَّلِ الْمُؤْمِنُونَ (13)
Allah! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna chimwe chinamatwa kunze kwavo). Uye regai vatendi vavimbe naAllah (vega)
يَا أَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا إِنَّ مِنْ أَزْوَاجِكُمْ وَأَوْلَادِكُمْ عَدُوًّا لَّكُمْ فَاحْذَرُوهُمْ ۚ وَإِن تَعْفُوا وَتَصْفَحُوا وَتَغْفِرُوا فَإِنَّ اللَّهَ غَفُورٌ رَّحِيمٌ (14)
Imi vanotenda! Zvirokwazvo mukati mevakadzi venyu nevana venyu pane mhandu dzenyu (vanokudzivirirai kuteerera Allah), naizvozvo vachenjererei! Asi kana mukavasiya uye kuvakanganwira nekuvaregerera, zvirokwazvo Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji
إِنَّمَا أَمْوَالُكُمْ وَأَوْلَادُكُمْ فِتْنَةٌ ۚ وَاللَّهُ عِندَهُ أَجْرٌ عَظِيمٌ (15)
Zvirokwazvo hupfumi hwenyu nevana venyu miedzo chete, apo Allah vane mubairo mukuru (Paradhiso)
فَاتَّقُوا اللَّهَ مَا اسْتَطَعْتُمْ وَاسْمَعُوا وَأَطِيعُوا وَأَنفِقُوا خَيْرًا لِّأَنفُسِكُمْ ۗ وَمَن يُوقَ شُحَّ نَفْسِهِ فَأُولَٰئِكَ هُمُ الْمُفْلِحُونَ (16)
Naizvozvo ityai Allah sekukwanisa kwamunoita; inzwai uye teererai, uye shandisai (hupfumi hwenyu), zvakanaka kwamuri. Uye uyo anonunurwa kubva mukuomera kwemoyo wake, vanhu vakadaro ndivo vachabudirira
إِن تُقْرِضُوا اللَّهَ قَرْضًا حَسَنًا يُضَاعِفْهُ لَكُمْ وَيَغْفِرْ لَكُمْ ۚ وَاللَّهُ شَكُورٌ حَلِيمٌ (17)
Kana mukapa Allah chikwereti chakanaka (mochishandisa munzira yaAllah), vachachipeta kaviri kwamuri, uye vachakuregererai. Uye Allah vanotenda zvikuru, uye vane moyo munyoro
عَالِمُ الْغَيْبِ وَالشَّهَادَةِ الْعَزِيزُ الْحَكِيمُ (18)
Ndivo muzivi wezvose zvisingaoneki nezvinooneka, mukuru, vane hungwaru wese
❮ Previous Next ❯

Surahs from Quran :

1- Fatiha2- Baqarah
3- Al Imran4- Nisa
5- Maidah6- Anam
7- Araf8- Anfal
9- Tawbah10- Yunus
11- Hud12- Yusuf
13- Raad14- Ibrahim
15- Hijr16- Nahl
17- Al Isra18- Kahf
19- Maryam20- TaHa
21- Anbiya22- Hajj
23- Muminun24- An Nur
25- Furqan26- Shuara
27- Naml28- Qasas
29- Ankabut30- Rum
31- Luqman32- Sajdah
33- Ahzab34- Saba
35- Fatir36- Yasin
37- Assaaffat38- Sad
39- Zumar40- Ghafir
41- Fussilat42- shura
43- Zukhruf44- Ad Dukhaan
45- Jathiyah46- Ahqaf
47- Muhammad48- Al Fath
49- Hujurat50- Qaf
51- zariyat52- Tur
53- Najm54- Al Qamar
55- Rahman56- Waqiah
57- Hadid58- Mujadilah
59- Al Hashr60- Mumtahina
61- Saff62- Jumuah
63- Munafiqun64- Taghabun
65- Talaq66- Tahrim
67- Mulk68- Qalam
69- Al-Haqqah70- Maarij
71- Nuh72- Jinn
73- Muzammil74- Muddathir
75- Qiyamah76- Insan
77- Mursalat78- An Naba
79- Naziat80- Abasa
81- Takwir82- Infitar
83- Mutaffifin84- Inshiqaq
85- Buruj86- Tariq
87- Al Ala88- Ghashiya
89- Fajr90- Al Balad
91- Shams92- Lail
93- Duha94- Sharh
95- Tin96- Al Alaq
97- Qadr98- Bayyinah
99- Zalzalah100- Adiyat
101- Qariah102- Takathur
103- Al Asr104- Humazah
105- Al Fil106- Quraysh
107- Maun108- Kawthar
109- Kafirun110- Nasr
111- Masad112- Ikhlas
113- Falaq114- An Nas