×

Surah Al-Jinn in Shona

Quran Shona ⮕ Surah Jinn

Translation of the Meanings of Surah Jinn in Shona - الشونا

The Quran in Shona - Surah Jinn translated into Shona, Surah Al-Jinn in Shona. We provide accurate translation of Surah Jinn in Shona - الشونا, Verses 28 - Surah Number 72 - Page 572.

بسم الله الرحمن الرحيم

قُلْ أُوحِيَ إِلَيَّ أَنَّهُ اسْتَمَعَ نَفَرٌ مِّنَ الْجِنِّ فَقَالُوا إِنَّا سَمِعْنَا قُرْآنًا عَجَبًا (1)
Iti (Muhammad (SAW)): “Zvadzikiswa kwandiri kuti chikwata chemaJinn (Zvisikwa zvakasikwa nemoto) chaiteerera (Qur’aan iri). Vakati: ‘Zvirokwazvo, tanzwa maverengero akanaka anoshamisa (Qur’aan)!’
يَهْدِي إِلَى الرُّشْدِ فَآمَنَّا بِهِ ۖ وَلَن نُّشْرِكَ بِرَبِّنَا أَحَدًا (2)
‘Rinotungamirira mugwara rakanaka, uye tinotenda mariri, uye hatimbosanganise (pakunamata) chipi zvacho naTenzi vedu (Allah).’
وَأَنَّهُ تَعَالَىٰ جَدُّ رَبِّنَا مَا اتَّخَذَ صَاحِبَةً وَلَا وَلَدًا (3)
‘Uye uMambo waTenzi vedu ndewe pamusoro, havana kutora mukadzi kana mwanakomana.’
وَأَنَّهُ كَانَ يَقُولُ سَفِيهُنَا عَلَى اللَّهِ شَطَطًا (4)
‘Uye vasina kukwana pakati pedu vaitaura pamusoro paAllah manyepo makuru.’
وَأَنَّا ظَنَنَّا أَن لَّن تَقُولَ الْإِنسُ وَالْجِنُّ عَلَى اللَّهِ كَذِبًا (5)
‘Uye zvirokwazvo taifunga kuti vanhu nemaJinn (Zvisikwa zvakasikwa nemoto) havatauri manyepo pamusoro paAllah.’
وَأَنَّهُ كَانَ رِجَالٌ مِّنَ الْإِنسِ يَعُوذُونَ بِرِجَالٍ مِّنَ الْجِنِّ فَزَادُوهُمْ رَهَقًا (6)
‘Uye zvirokwazvo, mukati mevanhu maive nevarume vaitsvaga rudziviriro kubva kuvarume pakati pemaJinn, asi vakavawedzera mukutadza nekupfurikidza mwero.’
وَأَنَّهُمْ ظَنُّوا كَمَا ظَنَنتُمْ أَن لَّن يَبْعَثَ اللَّهُ أَحَدًا (7)
‘Uye vaifunga semafungiro enyu kuti Allah havazombotumire mutumwa (kuvanhu nemaJinn).’
وَأَنَّا لَمَسْنَا السَّمَاءَ فَوَجَدْنَاهَا مُلِئَتْ حَرَسًا شَدِيدًا وَشُهُبًا (8)
‘Uye takati tisvike kudenga asi tikawana kwakazara nevachengetedzi vakasimba uye nemoto unobvira.’
وَأَنَّا كُنَّا نَقْعُدُ مِنْهَا مَقَاعِدَ لِلسَّمْعِ ۖ فَمَن يَسْتَمِعِ الْآنَ يَجِدْ لَهُ شِهَابًا رَّصَدًا (9)
‘Uye zvirokwazvo, taiwanzogara ikoko muzvikwata, kuti tinzwe, asi upi zvake anoteerera izvezvi anowana moto uchibvira wakamugaririra.’
وَأَنَّا لَا نَدْرِي أَشَرٌّ أُرِيدَ بِمَن فِي الْأَرْضِ أَمْ أَرَادَ بِهِمْ رَبُّهُمْ رَشَدًا (10)
‘Uye hatizivi kana chakaipa chashuvirwa kune avo vari panyika, kana kuti Tenzi wavo vanovashuvira nzira yakanaka.’
وَأَنَّا مِنَّا الصَّالِحُونَ وَمِنَّا دُونَ ذَٰلِكَ ۖ كُنَّا طَرَائِقَ قِدَدًا (11)
‘Pakati pedu pane vamwe vanoita zvakanaka, uye vamwe vanopikisa. Tiri mapoka ane nzira dzakasiyana.’
وَأَنَّا ظَنَنَّا أَن لَّن نُّعْجِزَ اللَّهَ فِي الْأَرْضِ وَلَن نُّعْجِزَهُ هَرَبًا (12)
‘Uye tinofunga kuti hatipukunyiki (mumarwadzo) kubva kuna Allah panyika, kana kupukunyuka kwavari nekutiza.’
وَأَنَّا لَمَّا سَمِعْنَا الْهُدَىٰ آمَنَّا بِهِ ۖ فَمَن يُؤْمِن بِرَبِّهِ فَلَا يَخَافُ بَخْسًا وَلَا رَهَقًا (13)
‘Uye zvirokwazvo, patakanzwa nhungamiro (Qur’aan) takatenda mairi, uye ani nani anotenda kuna Tenzi vake haazombotyi, kana kudzikisirwa mugove wemabasa ake akanaka, kana kuwedzerwa mutongo wezvitadzo zvake.’
وَأَنَّا مِنَّا الْمُسْلِمُونَ وَمِنَّا الْقَاسِطُونَ ۖ فَمَنْ أَسْلَمَ فَأُولَٰئِكَ تَحَرَّوْا رَشَدًا (14)
Uye pakati pedu vamwe maMuslim (mushure mekunzwa Qur’aan), uye pakati pedu vamwe havasi vatendi. Uye ani nani anopinda muchitendero cheIslaam, vakadaro ndivo vatsvaga nzira yakanaka.”
وَأَمَّا الْقَاسِطُونَ فَكَانُوا لِجَهَنَّمَ حَطَبًا (15)
Uye kune avo vasingatendi, vachange vari huni dzemoto wekuGehena
وَأَن لَّوِ اسْتَقَامُوا عَلَى الطَّرِيقَةِ لَأَسْقَيْنَاهُم مَّاءً غَدَقًا (16)
Dai (vasingatendi) vakatenda muna Allah, uye vakafamba munzira yakanaka (Islaam), chokwadi tingadai takavadzikisira mvura muhuwandu
لِّنَفْتِنَهُمْ فِيهِ ۚ وَمَن يُعْرِضْ عَن ذِكْرِ رَبِّهِ يَسْلُكْهُ عَذَابًا صَعَدًا (17)
Kuti tive tinovaedza naizvozvo. Uye ani nani anobva muyeuchidzo yaTenzi vake (Qur’aan iri), vachamupinza mumarwadzo makuru (Gehena)
وَأَنَّ الْمَسَاجِدَ لِلَّهِ فَلَا تَدْعُوا مَعَ اللَّهِ أَحَدًا (18)
Uye nzvimbo dzekunamatira (maMasjid) ndedzaAllah, saka musava munonamata ani nani naAllah
وَأَنَّهُ لَمَّا قَامَ عَبْدُ اللَّهِ يَدْعُوهُ كَادُوا يَكُونُونَ عَلَيْهِ لِبَدًا (19)
Uye muranda waAllah (Muhammad (SAW)) paakamira achivanamata (Allah) mumunamato, (MaJinn) vakamuunganira sekunge vanga vakanamatirana (kuti vanzwe)
قُلْ إِنَّمَا أَدْعُو رَبِّي وَلَا أُشْرِكُ بِهِ أَحَدًا (20)
Iti (Muhammad (SAW)): “Ndinonamata Tenzi vangu chete, uye handisanganisi vamwe vanhu naivo.”
قُلْ إِنِّي لَا أَمْلِكُ لَكُمْ ضَرًّا وَلَا رَشَدًا (21)
Iti (Muhammad (SAW)): “Harisi simba rangu kukonzera marwadzo kwamuri, kana kukuunzai kunzira yakanaka.”
قُلْ إِنِّي لَن يُجِيرَنِي مِنَ اللَّهِ أَحَدٌ وَلَنْ أَجِدَ مِن دُونِهِ مُلْتَحَدًا (22)
Iti (Muhammad (SAW)): “Hakuna anondidzivirira kubva mumarwadzo aAllah (kana ndikasavateerera), kana kuwana pekuhwanda kunze kwavari.”
إِلَّا بَلَاغًا مِّنَ اللَّهِ وَرِسَالَاتِهِ ۚ وَمَن يَعْصِ اللَّهَ وَرَسُولَهُ فَإِنَّ لَهُ نَارَ جَهَنَّمَ خَالِدِينَ فِيهَا أَبَدًا (23)
“(Changu chete) asi kuparidza chokwadi kubva kunaAllah nemashoko avo. Uye ani nani asingatendi muna Allah uye nemutumwa wavo, zvirokwazvo, kwaari kune moto wekuGehena achagara imomo zvachose.”
حَتَّىٰ إِذَا رَأَوْا مَا يُوعَدُونَ فَسَيَعْلَمُونَ مَنْ أَضْعَفُ نَاصِرًا وَأَقَلُّ عَدَدًا (24)
Kusvikira, vaona izvo zvavakavimbiswa, vachaziva kuti ndeupi akarenda mumubatsiri uye muhushoma muuhwandu
قُلْ إِنْ أَدْرِي أَقَرِيبٌ مَّا تُوعَدُونَ أَمْ يَجْعَلُ لَهُ رَبِّي أَمَدًا (25)
Iti (Muhammad (SAW)): “Handizivi kuti chamakavimbiswa chiri pedyo kana kuti Tenzi vangu achachiita kure.”
عَالِمُ الْغَيْبِ فَلَا يُظْهِرُ عَلَىٰ غَيْبِهِ أَحَدًا (26)
“(Ivo pachavo) vazivi veizvo zvisingaonekwi, uye havazaruriri (havatumiri) ani zvake zvisingaonekwi.”
إِلَّا مَنِ ارْتَضَىٰ مِن رَّسُولٍ فَإِنَّهُ يَسْلُكُ مِن بَيْنِ يَدَيْهِ وَمِنْ خَلْفِهِ رَصَدًا (27)
“Kunze kune uyo vakamusarudza kuva mutumwa, uye zvirokwazvo, vanogadzira chikwata chevatarisi (ngirozi) kuti dzifore mushure uye nemberi kwake.”
لِّيَعْلَمَ أَن قَدْ أَبْلَغُوا رِسَالَاتِ رَبِّهِمْ وَأَحَاطَ بِمَا لَدَيْهِمْ وَأَحْصَىٰ كُلَّ شَيْءٍ عَدَدًا (28)
“Kusvikira vaona kuti vaparidzira mashoko aTenzi wavo (Allah). Uye ivo (Allah) vanoziva zvose zvavanazvo, uye ivo (Allah) vanoziva huwandu wezvinhu zvese.”
❮ Previous Next ❯

Surahs from Quran :

1- Fatiha2- Baqarah
3- Al Imran4- Nisa
5- Maidah6- Anam
7- Araf8- Anfal
9- Tawbah10- Yunus
11- Hud12- Yusuf
13- Raad14- Ibrahim
15- Hijr16- Nahl
17- Al Isra18- Kahf
19- Maryam20- TaHa
21- Anbiya22- Hajj
23- Muminun24- An Nur
25- Furqan26- Shuara
27- Naml28- Qasas
29- Ankabut30- Rum
31- Luqman32- Sajdah
33- Ahzab34- Saba
35- Fatir36- Yasin
37- Assaaffat38- Sad
39- Zumar40- Ghafir
41- Fussilat42- shura
43- Zukhruf44- Ad Dukhaan
45- Jathiyah46- Ahqaf
47- Muhammad48- Al Fath
49- Hujurat50- Qaf
51- zariyat52- Tur
53- Najm54- Al Qamar
55- Rahman56- Waqiah
57- Hadid58- Mujadilah
59- Al Hashr60- Mumtahina
61- Saff62- Jumuah
63- Munafiqun64- Taghabun
65- Talaq66- Tahrim
67- Mulk68- Qalam
69- Al-Haqqah70- Maarij
71- Nuh72- Jinn
73- Muzammil74- Muddathir
75- Qiyamah76- Insan
77- Mursalat78- An Naba
79- Naziat80- Abasa
81- Takwir82- Infitar
83- Mutaffifin84- Inshiqaq
85- Buruj86- Tariq
87- Al Ala88- Ghashiya
89- Fajr90- Al Balad
91- Shams92- Lail
93- Duha94- Sharh
95- Tin96- Al Alaq
97- Qadr98- Bayyinah
99- Zalzalah100- Adiyat
101- Qariah102- Takathur
103- Al Asr104- Humazah
105- Al Fil106- Quraysh
107- Maun108- Kawthar
109- Kafirun110- Nasr
111- Masad112- Ikhlas
113- Falaq114- An Nas