×

Surah Al-Muzzammil in Shona

Quran Shona ⮕ Surah Muzammil

Translation of the Meanings of Surah Muzammil in Shona - الشونا

The Quran in Shona - Surah Muzammil translated into Shona, Surah Al-Muzzammil in Shona. We provide accurate translation of Surah Muzammil in Shona - الشونا, Verses 20 - Surah Number 73 - Page 574.

بسم الله الرحمن الرحيم

يَا أَيُّهَا الْمُزَّمِّلُ (1)
Iwe wakaputirwa mumachira (Mutumwa Muhammad (SAW)
قُمِ اللَّيْلَ إِلَّا قَلِيلًا (2)
Muka (mira) unamate usiku hwose kusiya kwekachidimbu (kehusiku) Tahajjud
نِّصْفَهُ أَوِ انقُصْ مِنْهُ قَلِيلًا (3)
Chidimbu chepakati nepakati kana chishoma pane izvozvo
أَوْ زِدْ عَلَيْهِ وَرَتِّلِ الْقُرْآنَ تَرْتِيلًا (4)
Kana kuti owedzera zvishoma (kubva pakati nepakati). Uyezve verenga Qur’aan (uchisheedzesa) zvinyoro-nyoro, (nezwi rinoyevedza) uchinyatsokukwenenzvera
إِنَّا سَنُلْقِي عَلَيْكَ قَوْلًا ثَقِيلًا (5)
Muzvirokwazvo, tichaburutsa kwauri mashoko ane hudzamu (huremu) (mitemo, zvinhu zvakakomekedzwa)
إِنَّ نَاشِئَةَ اللَّيْلِ هِيَ أَشَدُّ وَطْئًا وَأَقْوَمُ قِيلًا (6)
Zvirokwazvo, kumuka pakati pehusiku (uchinamata/uchimukira munamato weTahajjud) chinhu chakaoma chinonetsa, uye chinobatsira zvikuru (chiguro), uye chakanaka pakuzvichengetedza, uye ndicho chinonyatsoita kuti munhu anyatsonzwisisa shoko (raAllah)
إِنَّ لَكَ فِي النَّهَارِ سَبْحًا طَوِيلًا (7)
Zvirokwazvo, muswero wezuva unenge uine mabasa (akasiyana siyana akawanda) emazuva ose
وَاذْكُرِ اسْمَ رَبِّكَ وَتَبَتَّلْ إِلَيْهِ تَبْتِيلًا (8)
Uyezve rangarira zita raTenzi vako (Allah) wova unozvipira kwavari nemoyo wese (wakaperera)
رَّبُّ الْمَشْرِقِ وَالْمَغْرِبِ لَا إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ فَاتَّخِذْهُ وَكِيلًا (9)
(Ndivo woga) Tenzi vemabvazuva nemadokero (nemavirira); Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna mumwe anofanirwa kunamatwa kunze kwavo – Allah). Naizvozvo, tora ivo voga semuriritiri (vanokwanisa kumiririra mumabasa ako Muhammad (SAW)
وَاصْبِرْ عَلَىٰ مَا يَقُولُونَ وَاهْجُرْهُمْ هَجْرًا جَمِيلًا (10)
Uye, iwe chitsungirira (Muhammad (SAW)) mune zvose zvavanotaura (maKuffaar), uye wogara kure navo mune zvakanaka (usinganetsane navo)
وَذَرْنِي وَالْمُكَذِّبِينَ أُولِي النَّعْمَةِ وَمَهِّلْهُمْ قَلِيلًا (11)
Uyezve chindisiya (ini Allah) ndega ndipedzerane neavo maKuffaar (avo vanoramba zviratidzo zvangu), avo vane zvakanyatsonaka zveupenyu (hupfumi). Zvekare (iwe Muhammad (SAW)) chimbovasiya kwechinguvana
إِنَّ لَدَيْنَا أَنكَالًا وَجَحِيمًا (12)
Muzvirokwazvo, tine ngetani (dzekuvasungisa), uyezve nemoto (unopisa samare)
وَطَعَامًا ذَا غُصَّةٍ وَعَذَابًا أَلِيمًا (13)
Uyezve (tine) chikafu chinokachidza, zvekare nemutongo unorwadza
يَوْمَ تَرْجُفُ الْأَرْضُ وَالْجِبَالُ وَكَانَتِ الْجِبَالُ كَثِيبًا مَّهِيلًا (14)
Pazuva iro pachandengendeka nyika nemakomo (zvine ukasha mukati), zvekare makomo achave dutu rejecha rakamwararidzwa
إِنَّا أَرْسَلْنَا إِلَيْكُمْ رَسُولًا شَاهِدًا عَلَيْكُمْ كَمَا أَرْسَلْنَا إِلَىٰ فِرْعَوْنَ رَسُولًا (15)
Zvirokwazvo, tave tinokutumirai Mutumwa (Muhammad (SAW)) semupupuri kwamuri, sekutumira mutumwa (Musa kwatakaita) kuna Farawo
فَعَصَىٰ فِرْعَوْنُ الرَّسُولَ فَأَخَذْنَاهُ أَخْذًا وَبِيلًا (16)
Naizvozvo Farawo haana kuteerera Mutumwa (Musa (AS)); naizvozvo takamuranga (takamutora) nemurango (mukuru) wakaoma
فَكَيْفَ تَتَّقُونَ إِن كَفَرْتُمْ يَوْمًا يَجْعَلُ الْوِلْدَانَ شِيبًا (17)
Ko mungadzivirira sei murango kana imi musingatende, pazuva iro (zuva rokutongwa) richaita kuti vana vadiki vamere imvi (kuva nebvudzi rebvumu)
السَّمَاءُ مُنفَطِرٌ بِهِ ۚ كَانَ وَعْدُهُ مَفْعُولًا (18)
(Zuva iro) denga parichatsemuka. Muzvokwadi chivimbiso chavo (Allah) chichazadzikiswa
إِنَّ هَٰذِهِ تَذْكِرَةٌ ۖ فَمَن شَاءَ اتَّخَذَ إِلَىٰ رَبِّهِ سَبِيلًا (19)
Muzvirokwazvo, iyi iyeuchidzo; naizvozvo uyo anenge ada musiyei atore nzira yekuna Tenzi vake
۞ إِنَّ رَبَّكَ يَعْلَمُ أَنَّكَ تَقُومُ أَدْنَىٰ مِن ثُلُثَيِ اللَّيْلِ وَنِصْفَهُ وَثُلُثَهُ وَطَائِفَةٌ مِّنَ الَّذِينَ مَعَكَ ۚ وَاللَّهُ يُقَدِّرُ اللَّيْلَ وَالنَّهَارَ ۚ عَلِمَ أَن لَّن تُحْصُوهُ فَتَابَ عَلَيْكُمْ ۖ فَاقْرَءُوا مَا تَيَسَّرَ مِنَ الْقُرْآنِ ۚ عَلِمَ أَن سَيَكُونُ مِنكُم مَّرْضَىٰ ۙ وَآخَرُونَ يَضْرِبُونَ فِي الْأَرْضِ يَبْتَغُونَ مِن فَضْلِ اللَّهِ ۙ وَآخَرُونَ يُقَاتِلُونَ فِي سَبِيلِ اللَّهِ ۖ فَاقْرَءُوا مَا تَيَسَّرَ مِنْهُ ۚ وَأَقِيمُوا الصَّلَاةَ وَآتُوا الزَّكَاةَ وَأَقْرِضُوا اللَّهَ قَرْضًا حَسَنًا ۚ وَمَا تُقَدِّمُوا لِأَنفُسِكُم مِّنْ خَيْرٍ تَجِدُوهُ عِندَ اللَّهِ هُوَ خَيْرًا وَأَعْظَمَ أَجْرًا ۚ وَاسْتَغْفِرُوا اللَّهَ ۖ إِنَّ اللَّهَ غَفُورٌ رَّحِيمٌ (20)
Zvirokwazvo, Tenzi vako (Allah) vanozviziva kuti unomira (uchinamata usiku) neboka revatevedzeri vako zvishomanana pane zvidimbu zviviri kubva muzvitatu (2/3) dzeusiku, kana kuti chidimbu kubva muzviviri (1/2) dzeusiku, kana kuti chidimbu chimwe kubva muzvitatu (1/3) dzeusiku. Uyezve Allah vanoyera (vanopima) husiku nemasikati. (Allah) vanozviziva kuti haukwanise kunamata husiku hwose, naizvozvo vave vanokuregerera (netsitsi). Naizvozvo chiverenga Qur’aan (zvaunoona) zviri nyore kwauri. (Allah) vanozviziva kuti pakati penyu pane varwere, uyezve vamwe ndivo vanofamba munyika vachitsvaga (makomborero) aAllah, vamwewo ndivo vanorwa munzira yaAllah. Saka naizvozvo verengai kubva mariri (Qur’aan) zvamunokwanisa, zvekare ivai munoita Swalaah (Munamato), mopa Zakaah (Zvipo), mokweretesa Allah kwereteso yakanaka (Moita mabasa akanaka vachakupai mibairo). Uyezve, chingave chii zvacho chamunoita chanaka (Nawaafil Swalaah, Saum, Zakaat, Hajj, Umrah nezvakadarowo), muzvirokwazvo muchazviwana zvina Allah zvitori nani kana kutodarika ipapo pamubairo. Zvekare ivai munokumbira ruregerero kubva kuna Allah. Zvirokwazvo, Allah ndivo muregereri, vane ngoni zhinji
❮ Previous Next ❯

Surahs from Quran :

1- Fatiha2- Baqarah
3- Al Imran4- Nisa
5- Maidah6- Anam
7- Araf8- Anfal
9- Tawbah10- Yunus
11- Hud12- Yusuf
13- Raad14- Ibrahim
15- Hijr16- Nahl
17- Al Isra18- Kahf
19- Maryam20- TaHa
21- Anbiya22- Hajj
23- Muminun24- An Nur
25- Furqan26- Shuara
27- Naml28- Qasas
29- Ankabut30- Rum
31- Luqman32- Sajdah
33- Ahzab34- Saba
35- Fatir36- Yasin
37- Assaaffat38- Sad
39- Zumar40- Ghafir
41- Fussilat42- shura
43- Zukhruf44- Ad Dukhaan
45- Jathiyah46- Ahqaf
47- Muhammad48- Al Fath
49- Hujurat50- Qaf
51- zariyat52- Tur
53- Najm54- Al Qamar
55- Rahman56- Waqiah
57- Hadid58- Mujadilah
59- Al Hashr60- Mumtahina
61- Saff62- Jumuah
63- Munafiqun64- Taghabun
65- Talaq66- Tahrim
67- Mulk68- Qalam
69- Al-Haqqah70- Maarij
71- Nuh72- Jinn
73- Muzammil74- Muddathir
75- Qiyamah76- Insan
77- Mursalat78- An Naba
79- Naziat80- Abasa
81- Takwir82- Infitar
83- Mutaffifin84- Inshiqaq
85- Buruj86- Tariq
87- Al Ala88- Ghashiya
89- Fajr90- Al Balad
91- Shams92- Lail
93- Duha94- Sharh
95- Tin96- Al Alaq
97- Qadr98- Bayyinah
99- Zalzalah100- Adiyat
101- Qariah102- Takathur
103- Al Asr104- Humazah
105- Al Fil106- Quraysh
107- Maun108- Kawthar
109- Kafirun110- Nasr
111- Masad112- Ikhlas
113- Falaq114- An Nas