| لَا أُقْسِمُ بِيَوْمِ الْقِيَامَةِ (1) Ndinopika nezuva rokumutswa
 | 
| وَلَا أُقْسِمُ بِالنَّفْسِ اللَّوَّامَةِ (2) Zvekare ndinopika nemoyo unozvipomera mhaka (mutendi)
 | 
| أَيَحْسَبُ الْإِنسَانُ أَلَّن نَّجْمَعَ عِظَامَهُ (3) Asi munhu (asingatendi) anofunga kuti hatizounganidza mapfupa ake
 | 
| بَلَىٰ قَادِرِينَ عَلَىٰ أَن نُّسَوِّيَ بَنَانَهُ (4) Hongu. Tinokwanisa kuunganidza minwe yake zvakarongeka
 | 
| بَلْ يُرِيدُ الْإِنسَانُ لِيَفْجُرَ أَمَامَهُ (5) Asi munhu (anoramba chiito chokumutswa kubva kuvafi nekutongwa saka naizvozvo) anoshuwira kuramba achiita zvitadzo
 | 
| يَسْأَلُ أَيَّانَ يَوْمُ الْقِيَامَةِ (6) Anobvunza: “Zuva iri rokumutswa richave rinhiko?”
 | 
| فَإِذَا بَرِقَ الْبَصَرُ (7) Saka naizvozvo apo maziso paachabatwa nechipapadzungu (paachavhiringidzwa)
 | 
| وَخَسَفَ الْقَمَرُ (8) Zvekare mwedzi pauchadzikatidza (uchaora)
 | 
| وَجُمِعَ الشَّمْسُ وَالْقَمَرُ (9) Uye apo pachabatanidzwa zuva nemwedzi (pazvichapindana)
 | 
| يَقُولُ الْإِنسَانُ يَوْمَئِذٍ أَيْنَ الْمَفَرُّ (10) Pazuva iroro munhu achati: “Ko ndekupiko kwekutizira?”
 | 
| كَلَّا لَا وَزَرَ (11) Kwete! Hakuna kwekuhwanda
 | 
| إِلَىٰ رَبِّكَ يَوْمَئِذٍ الْمُسْتَقَرُّ (12) Kuna Tenzi vako pazuva iroro ndiko kuchange kune nzvimbo yekuzororera
 | 
| يُنَبَّأُ الْإِنسَانُ يَوْمَئِذٍ بِمَا قَدَّمَ وَأَخَّرَ (13) Pazuva iroro munhu acharondedzerwa (achaudzwa) maererano nezvaakaita zvaakatungamidza (zvakanaka nezvakaipa), zvekare nezvaakasiya (zvakanaka nezvakaipa)
 | 
| بَلِ الْإِنسَانُ عَلَىٰ نَفْسِهِ بَصِيرَةٌ (14) Asi munhu achazvipupurira (sezvo nhengo dzomuviri wake (maoko, makumbo, ganda nezvimwewo) zvichitaura maererano nemabasa ake
 | 
| وَلَوْ أَلْقَىٰ مَعَاذِيرَهُ (15) Nyangwe zvazvo anenge achipa maboterero (mirangariro)
 | 
| لَا تُحَرِّكْ بِهِ لِسَانَكَ لِتَعْجَلَ بِهِ (16) Usatombofambisa rurimi rwako hako nayo (Qur’aan iwe Muhammad (SAW)) kuti rikurumidze kuuya kwauri
 | 
| إِنَّ عَلَيْنَا جَمْعَهُ وَقُرْآنَهُ (17) Zvirokwazvo, zviri kwatiri isusu zvekuriunganidza uyezve nekukupa (iwe Muhammad (SAW)) masimba ekuriverenga (Qur’aan)
 | 
| فَإِذَا قَرَأْنَاهُ فَاتَّبِعْ قُرْآنَهُ (18) Naizvozvo kana tichinge takuverengera (Qur’aan iwe Muhammad (SAW)) kuburikidza naJibreel (Gabriel (AS)) saka tevedzera maverengero aro (Qur’aan)
 | 
| ثُمَّ إِنَّ عَلَيْنَا بَيَانَهُ (19) Pedzezvo, zvirokwazvo zviri kwatiri isu kuti tinyatsoritsetsenura (tiri jekese) kwauri
 | 
| كَلَّا بَلْ تُحِبُّونَ الْعَاجِلَةَ (20) Kwete! (Semafungiro enyu, kuti imi (vanhu) hamuzomutswe kubva kuvafi uyezve nekutongwa pamwe nekupihwa mibairo yemabasa enyu), asi kuti munoda hupenyu hwepasi pano
 | 
| وَتَذَرُونَ الْآخِرَةَ (21) Zvekare, munokanganwa hupenyu hwekuAakhirah (hwamangwana)
 | 
| وُجُوهٌ يَوْمَئِذٍ نَّاضِرَةٌ (22) Zvimwe zviso pazuva iroro zvichange zviri Naadirah (Zvichipenyerera)
 | 
| إِلَىٰ رَبِّهَا نَاظِرَةٌ (23) Zvakatarisa kuna Tenzi vazvo (zviso izvozvo)
 | 
| وَوُجُوهٌ يَوْمَئِذٍ بَاسِرَةٌ (24) Zvekare zvimwe zviso pazuva iroro zvichange zviri Baasirah (zvakafinyama, zvakatsamwa kwete zvokutamba zviya, zvakasvibirira)
 | 
| تَظُنُّ أَن يُفْعَلَ بِهَا فَاقِرَةٌ (25) (Zviso izvi) zvichange zvichifunga kuti nhamo yavakuda kuzviwira
 | 
| كَلَّا إِذَا بَلَغَتِ التَّرَاقِيَ (26) Kwete! Kana (mweya womunhu) uchinge wasvika pabondo (mapfupa ari pedyo nehuro)
 | 
| وَقِيلَ مَنْ ۜ رَاقٍ (27) Zvekare zvichanzi: “Ndiani angamurape (uyezve nekumubatsira kubva kurufu)?”
 | 
| وَظَنَّ أَنَّهُ الْفِرَاقُ (28) Uyezve iye (uyo avakuda kufa) achatenda kuti yave nguva yekusiyana (rufu)
 | 
| وَالْتَفَّتِ السَّاقُ بِالسَّاقِ (29) Zvekare rimwe gumbo richabatanidzwa nerimwe (aputirwa mumicheka yeKAFAN)
 | 
| إِلَىٰ رَبِّكَ يَوْمَئِذٍ الْمَسَاقُ (30) Pazuva iroro svudzo (kutinhirwa kwevanhu vese vakananga kuna Allah) inenge iri, kuna Tenzi vako (Allah)
 | 
| فَلَا صَدَّقَ وَلَا صَلَّىٰ (31) Saka naizvozvo, (uyo asingatendi) haana kutenda (muQur’aan neshoko raMuhammad (SAW)) kana kunamata
 | 
| وَلَٰكِن كَذَّبَ وَتَوَلَّىٰ (32) Asi akaramba (Qur’aan neshoko raMuhammad (SAW)) pamwe nekufuratira
 | 
| ثُمَّ ذَهَبَ إِلَىٰ أَهْلِهِ يَتَمَطَّىٰ (33) Pedzezvo ndokuenda kune mhuri yake achizvikudza (achizvida chose)
 | 
| أَوْلَىٰ لَكَ فَأَوْلَىٰ (34) Yambiro kwauri (iwe usingatendi)! Uyezve (zvekare) yambiro kwauri
 | 
| ثُمَّ أَوْلَىٰ لَكَ فَأَوْلَىٰ (35) Pedzezvo yambiro kwauri (iwe usingatendi)! Uyezve (zvekare) yambiro kwauri
 | 
| أَيَحْسَبُ الْإِنسَانُ أَن يُتْرَكَ سُدًى (36) Asi munhu anofunga here kuti achangosiiwa (asina kutongeswa kana kuti asina kurangwa pamwe nekupihwa mibairo yake yezvaaiita naTenzi vake Allah)
 | 
| أَلَمْ يَكُ نُطْفَةً مِّن مَّنِيٍّ يُمْنَىٰ (37) Akanga asiri Nutfah (urete hwababa naamai) here hwehurete hwakaburitswa
 | 
| ثُمَّ كَانَ عَلَقَةً فَخَلَقَ فَسَوَّىٰ (38) Pedzezvo akava Alaqah (kagovo – karopa kakagwamba). Naizvozvo (Allah) ndokuzomuumba nekumunatsurudza zvakaenzana
 | 
| فَجَعَلَ مِنْهُ الزَّوْجَيْنِ الذَّكَرَ وَالْأُنثَىٰ (39) Naizvozvo kubva maari (Allah) vakagadzira zvisikwa zviviri (mhando mbiri), chirume nechikadzi
 | 
| أَلَيْسَ ذَٰلِكَ بِقَادِرٍ عَلَىٰ أَن يُحْيِيَ الْمَوْتَىٰ (40) Havasirivo here (Allah avo) vane simba rokupa hupenyu kuvafi? (Hongu! Allah vane masimba ekuita zvose)
 |