×

Surah At-Takwir in Shona

Quran Shona ⮕ Surah Takwir

Translation of the Meanings of Surah Takwir in Shona - الشونا

The Quran in Shona - Surah Takwir translated into Shona, Surah At-Takwir in Shona. We provide accurate translation of Surah Takwir in Shona - الشونا, Verses 29 - Surah Number 81 - Page 586.

بسم الله الرحمن الرحيم

إِذَا الشَّمْسُ كُوِّرَتْ (1)
Apo zuva parichaputirwa, uye chiedza charo chobva
وَإِذَا النُّجُومُ انكَدَرَتْ (2)
Uye apo nyeredzi padzichadonha
وَإِذَا الْجِبَالُ سُيِّرَتْ (3)
Uye apo makomo paachaitwa kuti afambe (achibva panzvimbo dzawo)
وَإِذَا الْعِشَارُ عُطِّلَتْ (4)
Uye apo ngamera dzakazvitakura dzichasiiwa dzisina muchengeti
وَإِذَا الْوُحُوشُ حُشِرَتْ (5)
Uye apo zvikara zvesango pazvichaunganidzwa
وَإِذَا الْبِحَارُ سُجِّرَتْ (6)
Uye apo makungwa paachatungidzwa ova moto (kana paachapfachukira)
وَإِذَا النُّفُوسُ زُوِّجَتْ (7)
Uye apo mweya ichabatanidzwa nemitumbi yayo (yakanaka neyakanaka uye yakaipa neyakaipa)
وَإِذَا الْمَوْءُودَةُ سُئِلَتْ (8)
Uye apo mwanasikana akavigwa ari mupenyu (sezvaiitwa nemaArabhu vasati vave maMuslim) paachabvunzwa
بِأَيِّ ذَنبٍ قُتِلَتْ (9)
Kuti chitadzo chei chaakaurairwa
وَإِذَا الصُّحُفُ نُشِرَتْ (10)
Uye apo mabhuku (emabasa akanaka neakaipa) achavhurwa
وَإِذَا السَّمَاءُ كُشِطَتْ (11)
Uye denga richasiiwa pachena robviswa panzvimbo paro
وَإِذَا الْجَحِيمُ سُعِّرَتْ (12)
Uye apo Gehena richatungidzwa
وَإِذَا الْجَنَّةُ أُزْلِفَتْ (13)
Uye apo Paradhiso richaiswa pedyo
عَلِمَتْ نَفْسٌ مَّا أَحْضَرَتْ (14)
Munhu wese achaziva zvaakatungamidza (mabasa akanaka neakaipa)
فَلَا أُقْسِمُ بِالْخُنَّسِ (15)
Naizvozvo, ndinopika nepasi pose panotaramuka (zvisikwa zvomudenga zvinonyangarika masikati zvobudikira usiku)
الْجَوَارِ الْكُنَّسِ (16)
Uyezve (ndinopika) nepasi pose panofamba nekukurumidza nekuzvihwandisa
وَاللَّيْلِ إِذَا عَسْعَسَ (17)
Uye neusiku paunoenda
وَالصُّبْحِ إِذَا تَنَفَّسَ (18)
Uyezve nemambakwedza pakunochena
إِنَّهُ لَقَوْلُ رَسُولٍ كَرِيمٍ (19)
Zvirokwazvo, iri (Qur’aan) ishoko (rakaunzwa) nemutumwa anoremekedzeka (Gabriel, kubva kuna Allah richienda kuna Mutumwa Muhammad (SAW)
ذِي قُوَّةٍ عِندَ ذِي الْعَرْشِ مَكِينٍ (20)
Anemasimba kuna (Allah), Tenzi vechigaro (chepamusoro)
مُّطَاعٍ ثَمَّ أَمِينٍ (21)
Anoteererwa (nengirozi kudenga) uye akavimbika
وَمَا صَاحِبُكُم بِمَجْنُونٍ (22)
Uye (Imi vanhu) mumwe wenyu (Muhammad (SAW)) haapengi
وَلَقَدْ رَآهُ بِالْأُفُقِ الْمُبِينِ (23)
Uye zvirokwazvo iye (Muhammad (SAW)) akamuona (Jibreel – Gabriel (AS)) mudenga makachena (kumabhazuva)
وَمَا هُوَ عَلَى الْغَيْبِ بِضَنِينٍ (24)
Uye iye (Muhammad (SAW)) haavigi ruzivo rwezvakavanzika
وَمَا هُوَ بِقَوْلِ شَيْطَانٍ رَّجِيمٍ (25)
Uye iri (Qur’aan) harisi shoko raShaitwaan (satani) akarasirirwa
فَأَيْنَ تَذْهَبُونَ (26)
Naizvozvo murikunanga kupi
إِنْ هُوَ إِلَّا ذِكْرٌ لِّلْعَالَمِينَ (27)
Zvirokwazvo, harisi chimwe chinhu kunze kweyeuchidzo kunyika dzose (Vanhu nemaJinn)
لِمَن شَاءَ مِنكُمْ أَن يَسْتَقِيمَ (28)
Kune wese kwamuri anoshuvira kutora nzira yakatwasuka
وَمَا تَشَاءُونَ إِلَّا أَن يَشَاءَ اللَّهُ رَبُّ الْعَالَمِينَ (29)
Uye hapana chamunoshuvira kusara kweizvo zvinoshuvirwa naAllah, Tenzi venyika dzose
❮ Previous Next ❯

Surahs from Quran :

1- Fatiha2- Baqarah
3- Al Imran4- Nisa
5- Maidah6- Anam
7- Araf8- Anfal
9- Tawbah10- Yunus
11- Hud12- Yusuf
13- Raad14- Ibrahim
15- Hijr16- Nahl
17- Al Isra18- Kahf
19- Maryam20- TaHa
21- Anbiya22- Hajj
23- Muminun24- An Nur
25- Furqan26- Shuara
27- Naml28- Qasas
29- Ankabut30- Rum
31- Luqman32- Sajdah
33- Ahzab34- Saba
35- Fatir36- Yasin
37- Assaaffat38- Sad
39- Zumar40- Ghafir
41- Fussilat42- shura
43- Zukhruf44- Ad Dukhaan
45- Jathiyah46- Ahqaf
47- Muhammad48- Al Fath
49- Hujurat50- Qaf
51- zariyat52- Tur
53- Najm54- Al Qamar
55- Rahman56- Waqiah
57- Hadid58- Mujadilah
59- Al Hashr60- Mumtahina
61- Saff62- Jumuah
63- Munafiqun64- Taghabun
65- Talaq66- Tahrim
67- Mulk68- Qalam
69- Al-Haqqah70- Maarij
71- Nuh72- Jinn
73- Muzammil74- Muddathir
75- Qiyamah76- Insan
77- Mursalat78- An Naba
79- Naziat80- Abasa
81- Takwir82- Infitar
83- Mutaffifin84- Inshiqaq
85- Buruj86- Tariq
87- Al Ala88- Ghashiya
89- Fajr90- Al Balad
91- Shams92- Lail
93- Duha94- Sharh
95- Tin96- Al Alaq
97- Qadr98- Bayyinah
99- Zalzalah100- Adiyat
101- Qariah102- Takathur
103- Al Asr104- Humazah
105- Al Fil106- Quraysh
107- Maun108- Kawthar
109- Kafirun110- Nasr
111- Masad112- Ikhlas
113- Falaq114- An Nas