×

Surah Muhammad in Shona

Quran Shona ⮕ Surah Muhammad

Translation of the Meanings of Surah Muhammad in Shona - الشونا

The Quran in Shona - Surah Muhammad translated into Shona, Surah Muhammad in Shona. We provide accurate translation of Surah Muhammad in Shona - الشونا, Verses 38 - Surah Number 47 - Page 507.

بسم الله الرحمن الرحيم

الَّذِينَ كَفَرُوا وَصَدُّوا عَن سَبِيلِ اللَّهِ أَضَلَّ أَعْمَالَهُمْ (1)
Avo vasingatendi (muIslaam), uye vanorambidza vanhu kupinda munzira yaAllah, vachaita kuti mabasa avo ave asina maturo
وَالَّذِينَ آمَنُوا وَعَمِلُوا الصَّالِحَاتِ وَآمَنُوا بِمَا نُزِّلَ عَلَىٰ مُحَمَّدٍ وَهُوَ الْحَقُّ مِن رَّبِّهِمْ ۙ كَفَّرَ عَنْهُمْ سَيِّئَاتِهِمْ وَأَصْلَحَ بَالَهُمْ (2)
Uye avo vanotenda uye vachiita mabasa akanaka, uye vachitenda kune zvakatumirwa kuna Muhammad (SAW), icho chiri chokwadi kubva kuna Tenzi vavo, vachavakanganwira zvitadzo zvavo, uyezve vachaita mamiriro avo ave akanaka
ذَٰلِكَ بِأَنَّ الَّذِينَ كَفَرُوا اتَّبَعُوا الْبَاطِلَ وَأَنَّ الَّذِينَ آمَنُوا اتَّبَعُوا الْحَقَّ مِن رَّبِّهِمْ ۚ كَذَٰلِكَ يَضْرِبُ اللَّهُ لِلنَّاسِ أَمْثَالَهُمْ (3)
Nokuda kwekuti avo vasingatendi vanotevera manyepo, uye zvirokwazvo avo vanotenda vanotevera chokwadi kubva kuna Tenzi vavo. Saizvozvo Allah vanoratidza vanhu mienzaniso yavo
فَإِذَا لَقِيتُمُ الَّذِينَ كَفَرُوا فَضَرْبَ الرِّقَابِ حَتَّىٰ إِذَا أَثْخَنتُمُوهُمْ فَشُدُّوا الْوَثَاقَ فَإِمَّا مَنًّا بَعْدُ وَإِمَّا فِدَاءً حَتَّىٰ تَضَعَ الْحَرْبُ أَوْزَارَهَا ۚ ذَٰلِكَ وَلَوْ يَشَاءُ اللَّهُ لَانتَصَرَ مِنْهُمْ وَلَٰكِن لِّيَبْلُوَ بَعْضَكُم بِبَعْضٍ ۗ وَالَّذِينَ قُتِلُوا فِي سَبِيلِ اللَّهِ فَلَن يُضِلَّ أَعْمَالَهُمْ (4)
Zvino kana masangana neavo vasingatendi (kurwa navo), varovei mitsipa yavo kusvikira mavauraya uye makuvadza vakawanda vavo, uye movasunga zvakasimba (movatora senhapwa). Mushure mezvo vaitirei tsitsi (movasungura zvisina mubhadharo), kana kuti motora mubhadharo (zvamunoona zvichibatsira Islaam), kusvikira hondo yanyarara. Naizvozvo dai Allah vaida, zvirokwazvo dai vakavaranga pachavo, asi (kurwa) vakakuitira kuedza vamwe venyu kuburikidza nevamwe. Uye avo vanouraiwa munzira yaAllah, havasi kuzosiya mabasa avo achitambisika (pasina mugove)
سَيَهْدِيهِمْ وَيُصْلِحُ بَالَهُمْ (5)
Vachavatungamira uye vomisa zvakanaka hunhu hwavo
وَيُدْخِلُهُمُ الْجَنَّةَ عَرَّفَهَا لَهُمْ (6)
Uye vachavaendesa kuParadhiso iro ravakaita kuti rizivikanwe kwavari (Vachaziva nzwimbo dzavo muParadhiso kukunda maziviro avaiita dzimba dzavo panyika)
يَا أَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا إِن تَنصُرُوا اللَّهَ يَنصُرْكُمْ وَيُثَبِّتْ أَقْدَامَكُمْ (7)
Imi vanotenda! Kana mukabetsera (munzira ya) Allah, ivo vachakubetseraiwo, uye vachaita kuti makumbo enyu agwinye
وَالَّذِينَ كَفَرُوا فَتَعْسًا لَّهُمْ وَأَضَلَّ أَعْمَالَهُمْ (8)
Asi avo vasingatendi (muhumwechete waAllah), kwavari kuchave nekuparadzwa, uye vachaita (Allah) kuti mabasa avo ave asina maturo
ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمْ كَرِهُوا مَا أَنزَلَ اللَّهُ فَأَحْبَطَ أَعْمَالَهُمْ (9)
Nokuda kwekuti vanovenga izvo zvakatumirwa naAllah (iri Qur’aan nemitemo yechi Islaam), naizvozvo vaita kuti mabasa avo ashaye maturo
۞ أَفَلَمْ يَسِيرُوا فِي الْأَرْضِ فَيَنظُرُوا كَيْفَ كَانَ عَاقِبَةُ الَّذِينَ مِن قَبْلِهِمْ ۚ دَمَّرَ اللَّهُ عَلَيْهِمْ ۖ وَلِلْكَافِرِينَ أَمْثَالُهَا (10)
Havana here kufamba munyika vakaona mhedzisiro yeavo vakange vari mumashure mavo? Allah vakavaparadza zvachose, uye zvimwechetezvo zvakamirira vasingatendi
ذَٰلِكَ بِأَنَّ اللَّهَ مَوْلَى الَّذِينَ آمَنُوا وَأَنَّ الْكَافِرِينَ لَا مَوْلَىٰ لَهُمْ (11)
Nokuda kwekuti zvirokwazvo Allah ndivo mubetseri (mambo nemudziviriri) weavo vanotenda, uye vasingatendi havana mubetseri
إِنَّ اللَّهَ يُدْخِلُ الَّذِينَ آمَنُوا وَعَمِلُوا الصَّالِحَاتِ جَنَّاتٍ تَجْرِي مِن تَحْتِهَا الْأَنْهَارُ ۖ وَالَّذِينَ كَفَرُوا يَتَمَتَّعُونَ وَيَأْكُلُونَ كَمَا تَأْكُلُ الْأَنْعَامُ وَالنَّارُ مَثْوًى لَّهُمْ (12)
Zvirokwazvo, Allah vachaendesa avo vanotenda (muhumwechete wavo) uye vachiita mabasa akanaka kuParadhiso rine nzizi dzinoerera pasi paro; uye apo avo vasingatendi vachinakirwa nekudya sokudya kunoita mombe; uye moto uchava nzvimbo yavo yokugara
وَكَأَيِّن مِّن قَرْيَةٍ هِيَ أَشَدُّ قُوَّةً مِّن قَرْيَتِكَ الَّتِي أَخْرَجَتْكَ أَهْلَكْنَاهُمْ فَلَا نَاصِرَ لَهُمْ (13)
Uye maguta mangani akanga aiine simba kukunda guta rako (Makkah) rakakudzinga, avo atakaparadza. Uye pakanga pasina kana mubetseri kwavari
أَفَمَن كَانَ عَلَىٰ بَيِّنَةٍ مِّن رَّبِّهِ كَمَن زُيِّنَ لَهُ سُوءُ عَمَلِهِ وَاتَّبَعُوا أَهْوَاءَهُم (14)
Akafanana here uyo ari muchiedza kubva kuna Tenzi vake neavo zvitadzo zvavo zvinoitwa sezvakanaka kwavari, apo vachitevera zvido zvavo (zvakaipa)
مَّثَلُ الْجَنَّةِ الَّتِي وُعِدَ الْمُتَّقُونَ ۖ فِيهَا أَنْهَارٌ مِّن مَّاءٍ غَيْرِ آسِنٍ وَأَنْهَارٌ مِّن لَّبَنٍ لَّمْ يَتَغَيَّرْ طَعْمُهُ وَأَنْهَارٌ مِّنْ خَمْرٍ لَّذَّةٍ لِّلشَّارِبِينَ وَأَنْهَارٌ مِّنْ عَسَلٍ مُّصَفًّى ۖ وَلَهُمْ فِيهَا مِن كُلِّ الثَّمَرَاتِ وَمَغْفِرَةٌ مِّن رَّبِّهِمْ ۖ كَمَنْ هُوَ خَالِدٌ فِي النَّارِ وَسُقُوا مَاءً حَمِيمًا فَقَطَّعَ أَمْعَاءَهُمْ (15)
Muenzaniso weParadhiso iro rakavimbiswa vatsvene (ndewekuti) mariri mune nzizi dzemvura idzo maraviriro nemweya wacho haushanduki, uye nzizi dzemukaka usingashanduki, uye nzizi dzewaini inonaka kune avo vanoinwa, uye nzizi dzeuchi hwakachenurwa, uye imomo vachange vaine ndudzi dzose dzemichero, uye nekuregererwa naTenzi vavo. Vakafanana here neavo vachagara mumoto zvachose vachipiwa mvura inokwata ichipisa iyo ichadambura matumbu avo
وَمِنْهُم مَّن يَسْتَمِعُ إِلَيْكَ حَتَّىٰ إِذَا خَرَجُوا مِنْ عِندِكَ قَالُوا لِلَّذِينَ أُوتُوا الْعِلْمَ مَاذَا قَالَ آنِفًا ۚ أُولَٰئِكَ الَّذِينَ طَبَعَ اللَّهُ عَلَىٰ قُلُوبِهِمْ وَاتَّبَعُوا أَهْوَاءَهُمْ (16)
Uyezve mukati mavo mune vanokuteerera (Muhammad (SAW)) kusvikira vabva kwauri, vanoti kune avo vakagamuchira ruzivo: “Chii chaarikutaura zvino?” Vanhu vakadaro ndivo vakavharwa moyo yavo naAllah, uyezve vanotevera zvido zvavo (zvakaipa)
وَالَّذِينَ اهْتَدَوْا زَادَهُمْ هُدًى وَآتَاهُمْ تَقْوَاهُمْ (17)
Uye avo vakatungamirwa, vanovawedzera kutungamirwa kwavo uye vanovapa Taqwa (Kutya Allah vovaita vatsvene)
فَهَلْ يَنظُرُونَ إِلَّا السَّاعَةَ أَن تَأْتِيَهُم بَغْتَةً ۖ فَقَدْ جَاءَ أَشْرَاطُهَا ۚ فَأَنَّىٰ لَهُمْ إِذَا جَاءَتْهُمْ ذِكْرَاهُمْ (18)
Vakamirira here chimwe chinhu kunze kwenguva kuti iuye ivo vakavarairwa? Asi mviro mviro dzacho dzakatouya; zvino kana yave pavari, vachabetserekana sei nekurangarira kwavo
فَاعْلَمْ أَنَّهُ لَا إِلَٰهَ إِلَّا اللَّهُ وَاسْتَغْفِرْ لِذَنبِكَ وَلِلْمُؤْمِنِينَ وَالْمُؤْمِنَاتِ ۗ وَاللَّهُ يَعْلَمُ مُتَقَلَّبَكُمْ وَمَثْوَاكُمْ (19)
Naizvozvo chiziva (Muhammad (SAW)) kuti, Laa ilaaha illallaah (Hakuna mumwe mwari akafanira kunamatwa kunze kwaAllah), uye kumbira ruregerero pazvitadzo zvako uye nezvevatendi varume nevakadzi. Uye Allah vanoziva kufamba kwenyu, uye nenzvimbo dzenyu dzekuzororera
وَيَقُولُ الَّذِينَ آمَنُوا لَوْلَا نُزِّلَتْ سُورَةٌ ۖ فَإِذَا أُنزِلَتْ سُورَةٌ مُّحْكَمَةٌ وَذُكِرَ فِيهَا الْقِتَالُ ۙ رَأَيْتَ الَّذِينَ فِي قُلُوبِهِم مَّرَضٌ يَنظُرُونَ إِلَيْكَ نَظَرَ الْمَغْشِيِّ عَلَيْهِ مِنَ الْمَوْتِ ۖ فَأَوْلَىٰ لَهُمْ (20)
Uye avo vanotenda vanoti: “Ko sei chikamu (cheQur’aan) chisingadzikiswi?” Asi kana chikamu chadzikiswa chichitsanangura (zvinhu), uye nekurwa kuchitaurwa machiri, uchaona avo vane chirwere mumoyo yavo (cheunyengedzi) vachitarisa kwauri matarisiro euyo ave kukomoka zvokufa. Asi zvakanga zviri nani kwavari (kuti vateerere)
طَاعَةٌ وَقَوْلٌ مَّعْرُوفٌ ۚ فَإِذَا عَزَمَ الْأَمْرُ فَلَوْ صَدَقُوا اللَّهَ لَكَانَ خَيْرًا لَّهُمْ (21)
Kuteerera (Allah) uye mashoko akanaka (akavanakira). Naizvozvo kana hurongwa (weJihaad) hwatarwa, zvino dai vange vari pachokwadi kuna Allah, zvingadai zvakavanakira
فَهَلْ عَسَيْتُمْ إِن تَوَلَّيْتُمْ أَن تُفْسِدُوا فِي الْأَرْضِ وَتُقَطِّعُوا أَرْحَامَكُمْ (22)
Mukapiwa simba, maizoita zvakashata here panyika uye kugura hukama hwenyu
أُولَٰئِكَ الَّذِينَ لَعَنَهُمُ اللَّهُ فَأَصَمَّهُمْ وَأَعْمَىٰ أَبْصَارَهُمْ (23)
Vanhu vakadaro ndeavo vakashorwa naAllah. Naizvozvo vakavaita kuti vasanzwe uyezve vakavaita kuti vasaone
أَفَلَا يَتَدَبَّرُونَ الْقُرْآنَ أَمْ عَلَىٰ قُلُوبٍ أَقْفَالُهَا (24)
Ko havafungi here zvakadzama nezveQur’aan kana kuti moyo yavo yakavharwa (kuti isarinzwisise)
إِنَّ الَّذِينَ ارْتَدُّوا عَلَىٰ أَدْبَارِهِم مِّن بَعْدِ مَا تَبَيَّنَ لَهُمُ الْهُدَى ۙ الشَّيْطَانُ سَوَّلَ لَهُمْ وَأَمْلَىٰ لَهُمْ (25)
Zvirokwazvo, vakadzokera shure (kubuda muIslaam) mushure mokunge kutungamirwa kwajekeswa kwavari, satani akaita kuti zvive zvakanaka kwavari, uye (Allah) ndokurebesa nguva yavo
ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمْ قَالُوا لِلَّذِينَ كَرِهُوا مَا نَزَّلَ اللَّهُ سَنُطِيعُكُمْ فِي بَعْضِ الْأَمْرِ ۖ وَاللَّهُ يَعْلَمُ إِسْرَارَهُمْ (26)
Nokuda kwekuti vakati kune avo vanovenga izvo zvakatumirwa naAllah: “Tichakuteererai pane zvimwe.” Asi Allah vanoziva zvakavanzika zvavo
فَكَيْفَ إِذَا تَوَفَّتْهُمُ الْمَلَائِكَةُ يَضْرِبُونَ وُجُوهَهُمْ وَأَدْبَارَهُمْ (27)
Zvino zvichange zvakaita sei apo ngirozi dzichatora hupenyu hwavo pakufa, dzichirova zviso zvavo uye nekumashure kwavo
ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمُ اتَّبَعُوا مَا أَسْخَطَ اللَّهَ وَكَرِهُوا رِضْوَانَهُ فَأَحْبَطَ أَعْمَالَهُمْ (28)
Nokuda kwekuti vakatevera izvo zvakatsamwisa Allah uye vakavenga izvo zvaivafadza. Nokudaro vakaita kuti mabasa avo ave asina maturo
أَمْ حَسِبَ الَّذِينَ فِي قُلُوبِهِم مَّرَضٌ أَن لَّن يُخْرِجَ اللَّهُ أَضْغَانَهُمْ (29)
Kana kuti avo vanechirwere mumoyo yavo (cheunyengedzi), vanofunga kuti Allah havasi kuzoburitsa pachena zvido zvakaipa zvavo zvakavanzika
وَلَوْ نَشَاءُ لَأَرَيْنَاكَهُمْ فَلَعَرَفْتَهُم بِسِيمَاهُمْ ۚ وَلَتَعْرِفَنَّهُمْ فِي لَحْنِ الْقَوْلِ ۚ وَاللَّهُ يَعْلَمُ أَعْمَالَكُمْ (30)
Dai taida, tingadai takavaratidza kwamuri, uye dai hwakavaziva nezviratidzo zvavo; asi chokwadi uchavaziva nokuda kwemataurirwo avo! Uye Allah vanoziva mabasa avo ose
وَلَنَبْلُوَنَّكُمْ حَتَّىٰ نَعْلَمَ الْمُجَاهِدِينَ مِنكُمْ وَالصَّابِرِينَ وَنَبْلُوَ أَخْبَارَكُمْ (31)
Uye chokwadi tichakuedzai kusvikira taziva avo vanoshinga munzira yaAllah uye vane tariro, uye tichaedza humboo hwenyu (ari kunyepa uye ari pachokwadi)
إِنَّ الَّذِينَ كَفَرُوا وَصَدُّوا عَن سَبِيلِ اللَّهِ وَشَاقُّوا الرَّسُولَ مِن بَعْدِ مَا تَبَيَّنَ لَهُمُ الْهُدَىٰ لَن يَضُرُّوا اللَّهَ شَيْئًا وَسَيُحْبِطُ أَعْمَالَهُمْ (32)
Zvirokwazvo, avo vasingatendi, uye vanorambidza vanhu nzira yaAllah (Islaam), uye vanopikisa mutumwa (Muhammad (SAW)) mushure mokunge kutungamirwa kwauya pachena kwavari, havasi kana kurwadzisa Allah, uye vachaita (Allah) mabasa avo ave asina maturo
۞ يَا أَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا أَطِيعُوا اللَّهَ وَأَطِيعُوا الرَّسُولَ وَلَا تُبْطِلُوا أَعْمَالَكُمْ (33)
Imi vanotenda! Teererai Allah, uye moteerera mutumwa (Muhammad (SAW)), uye musaite mabasa enyu ave asina maturo
إِنَّ الَّذِينَ كَفَرُوا وَصَدُّوا عَن سَبِيلِ اللَّهِ ثُمَّ مَاتُوا وَهُمْ كُفَّارٌ فَلَن يَغْفِرَ اللَّهُ لَهُمْ (34)
Zvirokwazvo, avo vasingatendi, uye vanorambidza vanhu nzira yaAllah (Islaam); uye vobva vafa vasingatendi, Allah havasi kuzovaregerera
فَلَا تَهِنُوا وَتَدْعُوا إِلَى السَّلْمِ وَأَنتُمُ الْأَعْلَوْنَ وَاللَّهُ مَعَكُمْ وَلَن يَتِرَكُمْ أَعْمَالَكُمْ (35)
Naizvozvo musanete kana kudaidzira runyararo imi muine mukana wepamusoro. Allah vanemi, uye havambodzikisa mugove wemabasa enyu
إِنَّمَا الْحَيَاةُ الدُّنْيَا لَعِبٌ وَلَهْوٌ ۚ وَإِن تُؤْمِنُوا وَتَتَّقُوا يُؤْتِكُمْ أُجُورَكُمْ وَلَا يَسْأَلْكُمْ أَمْوَالَكُمْ (36)
Zvirokwazvo, hupenyu hwenyika ino kutamba chete nekufambisa nguva. Asi kana imi mukatenda (muhumwechete waAllah) nekuvatya nekusiya zvakaipa, vachakupai mugove wenyu, uye havambokukumbirai upfumi hwenyu
إِن يَسْأَلْكُمُوهَا فَيُحْفِكُمْ تَبْخَلُوا وَيُخْرِجْ أَضْغَانَكُمْ (37)
Dai vakakumbirai, vobva vaomesa, maizoomera. Uye vachaburitsa pachena zvido zvenyu zvakashata
هَا أَنتُمْ هَٰؤُلَاءِ تُدْعَوْنَ لِتُنفِقُوا فِي سَبِيلِ اللَّهِ فَمِنكُم مَّن يَبْخَلُ ۖ وَمَن يَبْخَلْ فَإِنَّمَا يَبْخَلُ عَن نَّفْسِهِ ۚ وَاللَّهُ الْغَنِيُّ وَأَنتُمُ الْفُقَرَاءُ ۚ وَإِن تَتَوَلَّوْا يَسْتَبْدِلْ قَوْمًا غَيْرَكُمْ ثُمَّ لَا يَكُونُوا أَمْثَالَكُم (38)
Tarisai! Ndimi avo vari kudaidzwa kuti mushandise (hupfumi) hwenyu munzira yaAllah, asi mukati menyu mune vamwe vakaomera. Uye uyo akaomera, zvirokwazvo akaomera iye pachake. Asi Allah mupfumi, uye imi muri varombo. Uye kana mukafuratira (Islaam nekuteerera Allah), vachakutsivai nevamwe vanhu vasiri imi, uye havazoiti semi
❮ Previous Next ❯

Surahs from Quran :

1- Fatiha2- Baqarah
3- Al Imran4- Nisa
5- Maidah6- Anam
7- Araf8- Anfal
9- Tawbah10- Yunus
11- Hud12- Yusuf
13- Raad14- Ibrahim
15- Hijr16- Nahl
17- Al Isra18- Kahf
19- Maryam20- TaHa
21- Anbiya22- Hajj
23- Muminun24- An Nur
25- Furqan26- Shuara
27- Naml28- Qasas
29- Ankabut30- Rum
31- Luqman32- Sajdah
33- Ahzab34- Saba
35- Fatir36- Yasin
37- Assaaffat38- Sad
39- Zumar40- Ghafir
41- Fussilat42- shura
43- Zukhruf44- Ad Dukhaan
45- Jathiyah46- Ahqaf
47- Muhammad48- Al Fath
49- Hujurat50- Qaf
51- zariyat52- Tur
53- Najm54- Al Qamar
55- Rahman56- Waqiah
57- Hadid58- Mujadilah
59- Al Hashr60- Mumtahina
61- Saff62- Jumuah
63- Munafiqun64- Taghabun
65- Talaq66- Tahrim
67- Mulk68- Qalam
69- Al-Haqqah70- Maarij
71- Nuh72- Jinn
73- Muzammil74- Muddathir
75- Qiyamah76- Insan
77- Mursalat78- An Naba
79- Naziat80- Abasa
81- Takwir82- Infitar
83- Mutaffifin84- Inshiqaq
85- Buruj86- Tariq
87- Al Ala88- Ghashiya
89- Fajr90- Al Balad
91- Shams92- Lail
93- Duha94- Sharh
95- Tin96- Al Alaq
97- Qadr98- Bayyinah
99- Zalzalah100- Adiyat
101- Qariah102- Takathur
103- Al Asr104- Humazah
105- Al Fil106- Quraysh
107- Maun108- Kawthar
109- Kafirun110- Nasr
111- Masad112- Ikhlas
113- Falaq114- An Nas