×

Surah Al-Ahqaaf in Shona

Quran Shona ⮕ Surah Ahqaf

Translation of the Meanings of Surah Ahqaf in Shona - الشونا

The Quran in Shona - Surah Ahqaf translated into Shona, Surah Al-Ahqaaf in Shona. We provide accurate translation of Surah Ahqaf in Shona - الشونا, Verses 35 - Surah Number 46 - Page 502.

بسم الله الرحمن الرحيم

حم (1)
Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
تَنزِيلُ الْكِتَابِ مِنَ اللَّهِ الْعَزِيزِ الْحَكِيمِ (2)
Kudzikiswa kweBhuku (Qur’aan) kubva kuna Allah, Samasimba, Muchenjeri Mukuru
مَا خَلَقْنَا السَّمَاوَاتِ وَالْأَرْضَ وَمَا بَيْنَهُمَا إِلَّا بِالْحَقِّ وَأَجَلٍ مُّسَمًّى ۚ وَالَّذِينَ كَفَرُوا عَمَّا أُنذِرُوا مُعْرِضُونَ (3)
Hatina kusika matenga nenyika nezviri pakati pawo asi kuti muchokwadi, uye kwenguva yakatarwa. Asi avo vasingatendi vanofuratira izvo zvavanoyambirwa nazvo
قُلْ أَرَأَيْتُم مَّا تَدْعُونَ مِن دُونِ اللَّهِ أَرُونِي مَاذَا خَلَقُوا مِنَ الْأَرْضِ أَمْ لَهُمْ شِرْكٌ فِي السَّمَاوَاتِ ۖ ائْتُونِي بِكِتَابٍ مِّن قَبْلِ هَٰذَا أَوْ أَثَارَةٍ مِّنْ عِلْمٍ إِن كُنتُمْ صَادِقِينَ (4)
Iti (Muhammad (SAW)): “Munoona here zvose izvo zvamunodaidza kunze kwaAllah? Ndiratidzei. Chii chavakasika panyika? Kana kuti vane mugove here kumatenga (pakusikwa kwawo)? Ndiunzirei Bhuku (riri mumashure meiri) kana matsimba eruzivo (anotsigira zvamunotaura), kana imi muri pachokwadi!”
وَمَنْ أَضَلُّ مِمَّن يَدْعُو مِن دُونِ اللَّهِ مَن لَّا يَسْتَجِيبُ لَهُ إِلَىٰ يَوْمِ الْقِيَامَةِ وَهُمْ عَن دُعَائِهِمْ غَافِلُونَ (5)
Uye ndiani akarasika zvakanyanya kukunda uyo anodaidza (anonamata) izvo zvisiri Allah, izvo zvisingazomupinduri kusvikira pazuva rekutongwa, zvakare havana kana chavanoziva maererano neminamato yavo kwavari
وَإِذَا حُشِرَ النَّاسُ كَانُوا لَهُمْ أَعْدَاءً وَكَانُوا بِعِبَادَتِهِمْ كَافِرِينَ (6)
Uye kana vanhu vaunganidzwa (pazuva rekutongwa), (zvavainamata) zvichave mhandu kwavari uye zvicharamba kunamatwa kwavo
وَإِذَا تُتْلَىٰ عَلَيْهِمْ آيَاتُنَا بَيِّنَاتٍ قَالَ الَّذِينَ كَفَرُوا لِلْحَقِّ لَمَّا جَاءَهُمْ هَٰذَا سِحْرٌ مُّبِينٌ (7)
Uye kana humboo hwedu huri pachena hukaverengwa kwavari, avo vasingatendi vanoti kune chokwadi kana chauya kwavari: “Aya ndiwo masaramusi ari pachena!”
أَمْ يَقُولُونَ افْتَرَاهُ ۖ قُلْ إِنِ افْتَرَيْتُهُ فَلَا تَمْلِكُونَ لِي مِنَ اللَّهِ شَيْئًا ۖ هُوَ أَعْلَمُ بِمَا تُفِيضُونَ فِيهِ ۖ كَفَىٰ بِهِ شَهِيدًا بَيْنِي وَبَيْنَكُمْ ۖ وَهُوَ الْغَفُورُ الرَّحِيمُ (8)
Kana kuti vanoti: “Iye (Muhammad (SAW)) akazvigadzirira!” Iti: “Kana ndakazvigadzirira, nazvino hamuna kana simba rekundibetsera kubva kuna Allah. Ivo (Allah) vanoziva chaizvo zvamunotaura pakati penyu maererano nezvaro (Qur’aan)! Vakakwana semupupuri pakati pangu nemi! Uye ndivo vanoregerera, vane nyasha zhinji.”
قُلْ مَا كُنتُ بِدْعًا مِّنَ الرُّسُلِ وَمَا أَدْرِي مَا يُفْعَلُ بِي وَلَا بِكُمْ ۖ إِنْ أَتَّبِعُ إِلَّا مَا يُوحَىٰ إِلَيَّ وَمَا أَنَا إِلَّا نَذِيرٌ مُّبِينٌ (9)
Iti (Muhammad (SAW)): “Handisi chinhu chitsva pavatumwa (handisi ini wekutanga), uye handizivi kuti chii chichaitwa kwandiri kana kwamuri. Ndinongotevera chete izvo zvinodzikiswa kwandiri, uye ndinongori muyambiri ari pachena chete.”
قُلْ أَرَأَيْتُمْ إِن كَانَ مِنْ عِندِ اللَّهِ وَكَفَرْتُم بِهِ وَشَهِدَ شَاهِدٌ مِّن بَنِي إِسْرَائِيلَ عَلَىٰ مِثْلِهِ فَآمَنَ وَاسْتَكْبَرْتُمْ ۖ إِنَّ اللَّهَ لَا يَهْدِي الْقَوْمَ الظَّالِمِينَ (10)
Iti: “Munoona here kana iri (Qur’aan) richibva kuna Allah uye imi moriramba, uye mupupuri kubva kuvana vaIzirairi (Abdullah bin Salaam (RA)) vopupura kuti (iri Qur’aan riri kubva kuna Allah) se(Torah), uye otenda (opinda Islaam) apo imi muchizvitutumadza (musingatendi).” Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri vanhu vanotadza
وَقَالَ الَّذِينَ كَفَرُوا لِلَّذِينَ آمَنُوا لَوْ كَانَ خَيْرًا مَّا سَبَقُونَا إِلَيْهِ ۚ وَإِذْ لَمْ يَهْتَدُوا بِهِ فَسَيَقُولُونَ هَٰذَا إِفْكٌ قَدِيمٌ (11)
Uye avo vasingatendi (vane simba nehupfumi) vanoti kune avo vanotenda (varombo vasina simba): “Dai change chakanaka (chitendero che Islaam), vangadai (varombo vasina simba) vasina kutitangira kwachiri!” Uye kana vasina kutungamirwa nacho, vanoti: “Aya ndiwo manyepo ekare!”
وَمِن قَبْلِهِ كِتَابُ مُوسَىٰ إِمَامًا وَرَحْمَةً ۚ وَهَٰذَا كِتَابٌ مُّصَدِّقٌ لِّسَانًا عَرَبِيًّا لِّيُنذِرَ الَّذِينَ ظَلَمُوا وَبُشْرَىٰ لِلْمُحْسِنِينَ (12)
Uye mushure maro (Qur’aan) kwaive neGwaro raMusa richitungamira uye senyasha. Uye iri iBhuku (Qur’aan) rinopupura mururimi rwechiArabhu, richijekesa uye richiyambira avo vanoita zvakaipa, uye semashoko akanaka kune vanoita mabasa akanaka
إِنَّ الَّذِينَ قَالُوا رَبُّنَا اللَّهُ ثُمَّ اسْتَقَامُوا فَلَا خَوْفٌ عَلَيْهِمْ وَلَا هُمْ يَحْزَنُونَ (13)
Zvirokwazvo, avo vanoti: “Tenzi vedu ndiAllah,” uye vobva vashinga zvakasimba (muIslaam), hapazove nekutya kwavari kana kushushikana (kusuruwara)
أُولَٰئِكَ أَصْحَابُ الْجَنَّةِ خَالِدِينَ فِيهَا جَزَاءً بِمَا كَانُوا يَعْمَلُونَ (14)
Vanhu vakadaro vachave vagari vekuParadhiso, vachagara imomo (zvachose) semubairo wezvavakaita
وَوَصَّيْنَا الْإِنسَانَ بِوَالِدَيْهِ إِحْسَانًا ۖ حَمَلَتْهُ أُمُّهُ كُرْهًا وَوَضَعَتْهُ كُرْهًا ۖ وَحَمْلُهُ وَفِصَالُهُ ثَلَاثُونَ شَهْرًا ۚ حَتَّىٰ إِذَا بَلَغَ أَشُدَّهُ وَبَلَغَ أَرْبَعِينَ سَنَةً قَالَ رَبِّ أَوْزِعْنِي أَنْ أَشْكُرَ نِعْمَتَكَ الَّتِي أَنْعَمْتَ عَلَيَّ وَعَلَىٰ وَالِدَيَّ وَأَنْ أَعْمَلَ صَالِحًا تَرْضَاهُ وَأَصْلِحْ لِي فِي ذُرِّيَّتِي ۖ إِنِّي تُبْتُ إِلَيْكَ وَإِنِّي مِنَ الْمُسْلِمِينَ (15)
Uye takakomekedza munhu kuti abetsere vabereki vake, nekuve nemoyo munyoro kwavari. Amai vake vakamutakura mumatambudziko uye vakamubereka vachitambudzika. Uye kumutakura nekumuyamwisa kwakatora mwedzi makumi matatu, kusvikira apo paanenge anesimba rakakwana uye asvika makore makumi mana, obva ati: “Tenzi vangu! Ndipeiwo simba kuti ndikwanise kutenda makomborero amakandipa nevabereki vangu, uye kuti ndikwanise kuita mabasa akanaka ayo amunofarira, uye mhuri yangu moiita yakanaka. Chokwadi, ndatarisa kwamuri ndichikumbira ruregerero rwenyu, uye chokwadi, ndiri umwe wevatendi (maMuslim).”
أُولَٰئِكَ الَّذِينَ نَتَقَبَّلُ عَنْهُمْ أَحْسَنَ مَا عَمِلُوا وَنَتَجَاوَزُ عَن سَيِّئَاتِهِمْ فِي أَصْحَابِ الْجَنَّةِ ۖ وَعْدَ الصِّدْقِ الَّذِي كَانُوا يُوعَدُونَ (16)
Vanhu vakadaro ndeavo vatichatambira mabasa avo akanaka uye tovakanganwira mabasa avo akaipa. (Vachava) mukati mevagari vekuParadhiso, vimbiso yechokwadi, iyo yavakavimbiswa
وَالَّذِي قَالَ لِوَالِدَيْهِ أُفٍّ لَّكُمَا أَتَعِدَانِنِي أَنْ أُخْرَجَ وَقَدْ خَلَتِ الْقُرُونُ مِن قَبْلِي وَهُمَا يَسْتَغِيثَانِ اللَّهَ وَيْلَكَ آمِنْ إِنَّ وَعْدَ اللَّهِ حَقٌّ فَيَقُولُ مَا هَٰذَا إِلَّا أَسَاطِيرُ الْأَوَّلِينَ (17)
Asi uyo anotaura kuvabereki vake achiti: “Hapana zvamunotaura! Muri kundivimbisa ini kuti ndichamutswa zvakare asi kwadarika zvizvarwa kare mushure mangu (Pasina kumutswa)?” Apo (vabereki) vachikumbira Allah rubetsero (vachiyambira mwana wavo) (vachiti): “Matambudziko kwauri! Tenda! Zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeyechokwadi.” Asi iye achiti: “Hapana zviripo, asi inyaya dzekare chete.”
أُولَٰئِكَ الَّذِينَ حَقَّ عَلَيْهِمُ الْقَوْلُ فِي أُمَمٍ قَدْ خَلَتْ مِن قَبْلِهِم مِّنَ الْجِنِّ وَالْإِنسِ ۖ إِنَّهُمْ كَانُوا خَاسِرِينَ (18)
Vanhu vakadaro ndeavo shoko (rechirango) rakazadziswa kumarudzi akapfuura mushure maivo vasati vavepo maJinn nevanhu. Zvirokwazvo, vakarasikirwa
وَلِكُلٍّ دَرَجَاتٌ مِّمَّا عَمِلُوا ۖ وَلِيُوَفِّيَهُمْ أَعْمَالَهُمْ وَهُمْ لَا يُظْلَمُونَ (19)
Uye vose, kwavari kuchange kuine kukwiridzirwa zvichienderana nezvavaiita, uye (Allah) zvakare vachavapa mugove wakakwana nokuda kwemabasa avo. Uye havazombodzvanyirirwa
وَيَوْمَ يُعْرَضُ الَّذِينَ كَفَرُوا عَلَى النَّارِ أَذْهَبْتُمْ طَيِّبَاتِكُمْ فِي حَيَاتِكُمُ الدُّنْيَا وَاسْتَمْتَعْتُم بِهَا فَالْيَوْمَ تُجْزَوْنَ عَذَابَ الْهُونِ بِمَا كُنتُمْ تَسْتَكْبِرُونَ فِي الْأَرْضِ بِغَيْرِ الْحَقِّ وَبِمَا كُنتُمْ تَفْسُقُونَ (20)
Uye nezuva iro avo vasingatendi (muhumwechete waAllah) vachaendeswa kumoto (zvichataurwa zvichinzi): “Zvakanaka zvenyu makazviwana paupenyu hwenyu hwepanyika, uye mukanakidzwa mairi. Zvino zuva ranhasi muchapiwa murango unonyadzisa, nokuda kwekuti maizvitutumadza panyika zvisina mvumo, uye imi maipandukira mirairo yaAllah (maisateerera Allah).”
۞ وَاذْكُرْ أَخَا عَادٍ إِذْ أَنذَرَ قَوْمَهُ بِالْأَحْقَافِ وَقَدْ خَلَتِ النُّذُرُ مِن بَيْنِ يَدَيْهِ وَمِنْ خَلْفِهِ أَلَّا تَعْبُدُوا إِلَّا اللَّهَ إِنِّي أَخَافُ عَلَيْكُمْ عَذَابَ يَوْمٍ عَظِيمٍ (21)
Uye rangarira (Hud) mukoma wemaAad, apo akatsiura vanhu muAl-Ahqaaf (dzimba dzavaigadzira mumakomo muArabia). Uye zvirokwazvo kwange kwadarika vayambiri mushure make uye mberi kwake (vachiti): “Musanamata chimwe chinhu kunze kwaAllah; zvirokwazvo, ndinokutyirai kubva kumutongo wezuva guru (zuva rokumutswa).”
قَالُوا أَجِئْتَنَا لِتَأْفِكَنَا عَنْ آلِهَتِنَا فَأْتِنَا بِمَا تَعِدُنَا إِن كُنتَ مِنَ الصَّادِقِينَ (22)
Vakati: “Wauya here kuzotiburitsa kubva kuna vanamwari vedu? Zvino chitiunzira izvo zvauri kutityityidzira nazvo, kana iwe uri umwe weavo vanotaura chokwadi!”
قَالَ إِنَّمَا الْعِلْمُ عِندَ اللَّهِ وَأُبَلِّغُكُم مَّا أُرْسِلْتُ بِهِ وَلَٰكِنِّي أَرَاكُمْ قَوْمًا تَجْهَلُونَ (23)
Akati: “Zvirokwazvo, ruzivo rwacho (rwemurango) rwuna Allah chete. Uye ini ndinongokuudzai izvo zvandakatumwa nazvo, asi ndiri kukuonai muri vanhu vasina ruzivo!”
فَلَمَّا رَأَوْهُ عَارِضًا مُّسْتَقْبِلَ أَوْدِيَتِهِمْ قَالُوا هَٰذَا عَارِضٌ مُّمْطِرُنَا ۚ بَلْ هُوَ مَا اسْتَعْجَلْتُم بِهِ ۖ رِيحٌ فِيهَا عَذَابٌ أَلِيمٌ (24)
Zvino pavakauona (murango) segore rakanga richiuya padyo nemipata yavo, vakati: “Iri igore ririkutiunzira mvura!” Asi kwete, ndeizvo zvamaikumbira kuti zvikurumidze kuitika, mhepo ine murango unorwadza
تُدَمِّرُ كُلَّ شَيْءٍ بِأَمْرِ رَبِّهَا فَأَصْبَحُوا لَا يُرَىٰ إِلَّا مَسَاكِنُهُمْ ۚ كَذَٰلِكَ نَجْزِي الْقَوْمَ الْمُجْرِمِينَ (25)
Ichiparadza zvinhu zvose nokuda kwekuronga kwaTenzi wayo! Nokudaro vakapedzisira pasina chaioneka kusara kwepokugara pavo chete! Saizvozvo ndiwo mapiro atinoita mubairo kuvanhu vanotadza
وَلَقَدْ مَكَّنَّاهُمْ فِيمَا إِن مَّكَّنَّاكُمْ فِيهِ وَجَعَلْنَا لَهُمْ سَمْعًا وَأَبْصَارًا وَأَفْئِدَةً فَمَا أَغْنَىٰ عَنْهُمْ سَمْعُهُمْ وَلَا أَبْصَارُهُمْ وَلَا أَفْئِدَتُهُم مِّن شَيْءٍ إِذْ كَانُوا يَجْحَدُونَ بِآيَاتِ اللَّهِ وَحَاقَ بِهِم مَّا كَانُوا بِهِ يَسْتَهْزِئُونَ (26)
Uye zvirokwazvo tange takavagadzika zvakasimba neizvo zvatisina kukugadzikai imi (maQuraish)! Uyezve tikavaita kuti vave nekunzwa uye kuona uye nemoyo. Asi kunzwa kwavo, uye kuona kwavo, nemoyo yavo hazvina kuvabetsera kana nechimwechete zvacho nekuti vairamba humboo hwaAllah (maporofita aAllah nedzidziso dzavo), uye vakabva vakomberedzwa neizvo zvavaituka (zvavaiseka)
وَلَقَدْ أَهْلَكْنَا مَا حَوْلَكُم مِّنَ الْقُرَىٰ وَصَرَّفْنَا الْآيَاتِ لَعَلَّهُمْ يَرْجِعُونَ (27)
Uye zvirokwazvo takaparadza matunhu akakukomberedzai, uye tikavaratidza zvakare zviratidzo kuti pamwe vangadzoka (kuchokwadi, Islaam)
فَلَوْلَا نَصَرَهُمُ الَّذِينَ اتَّخَذُوا مِن دُونِ اللَّهِ قُرْبَانًا آلِهَةً ۖ بَلْ ضَلُّوا عَنْهُمْ ۚ وَذَٰلِكَ إِفْكُهُمْ وَمَا كَانُوا يَفْتَرُونَ (28)
Nokudaro sei avo vavakatora saanamwari vachisiya Allah vasina kuvabetsera, senzira yemasvikiro (kuna Allah)? Asi vakavarasa zvachose (pakauya murango). Uye uku ndiko kwaive kunyepa kwavo neivo zvavaiwedzerera (vasati vaparadzwa)
وَإِذْ صَرَفْنَا إِلَيْكَ نَفَرًا مِّنَ الْجِنِّ يَسْتَمِعُونَ الْقُرْآنَ فَلَمَّا حَضَرُوهُ قَالُوا أَنصِتُوا ۖ فَلَمَّا قُضِيَ وَلَّوْا إِلَىٰ قَوْمِهِم مُّنذِرِينَ (29)
Uye rangarira (Muhammad (SAW)) apo takatumira chikwata chemaJinn (vatatu kunosvika gumi) vachiteerera Qur’aan. Zvino (maJinn) pavakamira pamberi paro vakati: “Teererai!” Zvino parakapedziswa kuverengwa, vakadzokera kune vamwe vavo, sevayambiri
قَالُوا يَا قَوْمَنَا إِنَّا سَمِعْنَا كِتَابًا أُنزِلَ مِن بَعْدِ مُوسَىٰ مُصَدِّقًا لِّمَا بَيْنَ يَدَيْهِ يَهْدِي إِلَى الْحَقِّ وَإِلَىٰ طَرِيقٍ مُّسْتَقِيمٍ (30)
Vakati: “Vamwe vedu! Zvirokwazvo, tanzwa Bhuku (Qur’aan) rakadzikiswa mushure maMusa richidudzira zvakauya mushure maro. Rinotungamira kune chokwadi uye kunzira yakatwasuka (Islaam).”
يَا قَوْمَنَا أَجِيبُوا دَاعِيَ اللَّهِ وَآمِنُوا بِهِ يَغْفِرْ لَكُم مِّن ذُنُوبِكُمْ وَيُجِرْكُم مِّنْ عَذَابٍ أَلِيمٍ (31)
“Vamwe vedu! Dairai mudaidzi waAllah (Muhammad (SAW)), uye tendai kwaari (uye momutevera), Allah vachakuregererai kubva kune zvitado zvenyu, uye vachakununurai kubva kune murango unorwadza (Gehena).”
وَمَن لَّا يُجِبْ دَاعِيَ اللَّهِ فَلَيْسَ بِمُعْجِزٍ فِي الْأَرْضِ وَلَيْسَ لَهُ مِن دُونِهِ أَوْلِيَاءُ ۚ أُولَٰئِكَ فِي ضَلَالٍ مُّبِينٍ (32)
“Uye uyo asingadairi mudaidzi waAllah, haakwanisi kutiza munyika, uye hapana vabetseri vaachawana kunze kwavo (Allah). Vanhu vakadaro ndivo vakarasika zviri pachena.”
أَوَلَمْ يَرَوْا أَنَّ اللَّهَ الَّذِي خَلَقَ السَّمَاوَاتِ وَالْأَرْضَ وَلَمْ يَعْيَ بِخَلْقِهِنَّ بِقَادِرٍ عَلَىٰ أَن يُحْيِيَ الْمَوْتَىٰ ۚ بَلَىٰ إِنَّهُ عَلَىٰ كُلِّ شَيْءٍ قَدِيرٌ (33)
Havaoni here kuti Allah avo vakasika matenga nenyika, uye havana kuomerwa nekusikwa kwawo, vane simba rokupa upenyu kune vakafa? Hongu, zvirokwazvo vanokwanisa kuita zvinhu zvose
وَيَوْمَ يُعْرَضُ الَّذِينَ كَفَرُوا عَلَى النَّارِ أَلَيْسَ هَٰذَا بِالْحَقِّ ۖ قَالُوا بَلَىٰ وَرَبِّنَا ۚ قَالَ فَذُوقُوا الْعَذَابَ بِمَا كُنتُمْ تَكْفُرُونَ (34)
Uye nezuva iro avo vasingatendi vachaunzwa kumoto (zvichanzi kwavari): “Hachisi chokwadi here ichi?” Vachati: “Hongu, tinopika naTenzi vedu!” Vachati: “Zvino chiravirai murango nokuda kwekuti makanga musingatendi!”
فَاصْبِرْ كَمَا صَبَرَ أُولُو الْعَزْمِ مِنَ الرُّسُلِ وَلَا تَسْتَعْجِل لَّهُمْ ۚ كَأَنَّهُمْ يَوْمَ يَرَوْنَ مَا يُوعَدُونَ لَمْ يَلْبَثُوا إِلَّا سَاعَةً مِّن نَّهَارٍ ۚ بَلَاغٌ ۚ فَهَلْ يُهْلَكُ إِلَّا الْقَوْمُ الْفَاسِقُونَ (35)
Zvino chitsungirira (Muhammad (SAW)) sezvakaita vatumwa vakasimba (Muhammad, Nowa, Abrahamu, Musa naJesu) uye usamhanye nezvavo (vasingatendi). Nezuva ravachaona izvo zvavakavimbiswa, zvichaita sokunge havana kugara nguva imwe chete zvayo pazuva rimwechete. Mashoko ari pachena (iri Qur’aan kunokununurai kubva mukuparadzwa)! Asi pachave here nekuparadzwa kunze kwevanhu vanopandukira Allah (vasingateereri Allah)
❮ Previous Next ❯

Surahs from Quran :

1- Fatiha2- Baqarah
3- Al Imran4- Nisa
5- Maidah6- Anam
7- Araf8- Anfal
9- Tawbah10- Yunus
11- Hud12- Yusuf
13- Raad14- Ibrahim
15- Hijr16- Nahl
17- Al Isra18- Kahf
19- Maryam20- TaHa
21- Anbiya22- Hajj
23- Muminun24- An Nur
25- Furqan26- Shuara
27- Naml28- Qasas
29- Ankabut30- Rum
31- Luqman32- Sajdah
33- Ahzab34- Saba
35- Fatir36- Yasin
37- Assaaffat38- Sad
39- Zumar40- Ghafir
41- Fussilat42- shura
43- Zukhruf44- Ad Dukhaan
45- Jathiyah46- Ahqaf
47- Muhammad48- Al Fath
49- Hujurat50- Qaf
51- zariyat52- Tur
53- Najm54- Al Qamar
55- Rahman56- Waqiah
57- Hadid58- Mujadilah
59- Al Hashr60- Mumtahina
61- Saff62- Jumuah
63- Munafiqun64- Taghabun
65- Talaq66- Tahrim
67- Mulk68- Qalam
69- Al-Haqqah70- Maarij
71- Nuh72- Jinn
73- Muzammil74- Muddathir
75- Qiyamah76- Insan
77- Mursalat78- An Naba
79- Naziat80- Abasa
81- Takwir82- Infitar
83- Mutaffifin84- Inshiqaq
85- Buruj86- Tariq
87- Al Ala88- Ghashiya
89- Fajr90- Al Balad
91- Shams92- Lail
93- Duha94- Sharh
95- Tin96- Al Alaq
97- Qadr98- Bayyinah
99- Zalzalah100- Adiyat
101- Qariah102- Takathur
103- Al Asr104- Humazah
105- Al Fil106- Quraysh
107- Maun108- Kawthar
109- Kafirun110- Nasr
111- Masad112- Ikhlas
113- Falaq114- An Nas