سَبَّحَ لِلَّهِ مَا فِي السَّمَاوَاتِ وَمَا فِي الْأَرْضِ ۖ وَهُوَ الْعَزِيزُ الْحَكِيمُ (1) Zvose zviri kumatenga nepanyika zvinorumbidza Allah. Uye ndivo mukuru, vane huchenjeri hwese |
يَا أَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا لِمَ تَقُولُونَ مَا لَا تَفْعَلُونَ (2) Imi vanotenda! Sei muchitaura izvo zvamusingaiti |
كَبُرَ مَقْتًا عِندَ اللَّهِ أَن تَقُولُوا مَا لَا تَفْعَلُونَ (3) Zvakanyanya kuvengwa pamberi paAllah ndezvekutaura izvo zvamusingaiti |
إِنَّ اللَّهَ يُحِبُّ الَّذِينَ يُقَاتِلُونَ فِي سَبِيلِهِ صَفًّا كَأَنَّهُم بُنْيَانٌ مَّرْصُوصٌ (4) Zvirokwazvo, Allah vanoda avo vanorwa munzira yavo vari pamitsara sokunge mudhuri wakasimba |
وَإِذْ قَالَ مُوسَىٰ لِقَوْمِهِ يَا قَوْمِ لِمَ تُؤْذُونَنِي وَقَد تَّعْلَمُونَ أَنِّي رَسُولُ اللَّهِ إِلَيْكُمْ ۖ فَلَمَّا زَاغُوا أَزَاغَ اللَّهُ قُلُوبَهُمْ ۚ وَاللَّهُ لَا يَهْدِي الْقَوْمَ الْفَاسِقِينَ (5) Uye rangarirai apo Musa akati kuvanhu vake: “Imi vanhu vangu! Nemhaka yei imi muchindirwadzisa asi imi muchiziva muchokwadi kuti ini ndiri mutumwa waAllah kwamuri?” Saka pavakafuratira, Allah vakaita kuti moyo yavo ifuratire (nzira yakanaka). Uye Allah havatungamiri vanhu vasingateereri |
وَإِذْ قَالَ عِيسَى ابْنُ مَرْيَمَ يَا بَنِي إِسْرَائِيلَ إِنِّي رَسُولُ اللَّهِ إِلَيْكُم مُّصَدِّقًا لِّمَا بَيْنَ يَدَيَّ مِنَ التَّوْرَاةِ وَمُبَشِّرًا بِرَسُولٍ يَأْتِي مِن بَعْدِي اسْمُهُ أَحْمَدُ ۖ فَلَمَّا جَاءَهُم بِالْبَيِّنَاتِ قَالُوا هَٰذَا سِحْرٌ مُّبِينٌ (6) Uye rangarirai apo Isa (Jesu) mwana wa Mariya akati: “Imi vana vaIzrairi! Ini ndiri mutumwa waAllah kwamuri, kuzodudzira izvo zvakauya pamberi pangu zviri muTorah, uye kupa mashoko akanaka emutumwa achauya mushure mangu, zita rake anonzi Ahmad (zita rimwe raMuhammad (SAW)).” Asi paakauya (Ahmad (SAW)) kwavari nehumboo huri pachena, vakati: “Aya masaramusi ari pachena.” |
وَمَنْ أَظْلَمُ مِمَّنِ افْتَرَىٰ عَلَى اللَّهِ الْكَذِبَ وَهُوَ يُدْعَىٰ إِلَى الْإِسْلَامِ ۚ وَاللَّهُ لَا يَهْدِي الْقَوْمَ الظَّالِمِينَ (7) Uye ndiani anotadza zvikuru kudarika uyo anonyepera Allah, asi iye achidaidzirwa kuIslaam? Uye Allah havatungamiriri vanhu vanotadza |
يُرِيدُونَ لِيُطْفِئُوا نُورَ اللَّهِ بِأَفْوَاهِهِمْ وَاللَّهُ مُتِمُّ نُورِهِ وَلَوْ كَرِهَ الْكَافِرُونَ (8) Vanoshuvira kudzima mwenje waAllah (Islaam) nemiromo yavo, asi Allah vachadzadzikisa mwenje wavo kunyangwe zvazvo vasingatendi vachizvivenga |
هُوَ الَّذِي أَرْسَلَ رَسُولَهُ بِالْهُدَىٰ وَدِينِ الْحَقِّ لِيُظْهِرَهُ عَلَى الدِّينِ كُلِّهِ وَلَوْ كَرِهَ الْمُشْرِكُونَ (9) Ndivo vakatuma mutumwa wavo (Muhammad (SAW)) nenungamiro uye chitendero chechokwadi (Islaam) kuti chigokunda zvitendero zvose kunyangwe zvazvo maMushrikoon (Vasingatendi nevanonamata vana mwari vakawanda) vachizvivenga |
يَا أَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا هَلْ أَدُلُّكُمْ عَلَىٰ تِجَارَةٍ تُنجِيكُم مِّنْ عَذَابٍ أَلِيمٍ (10) Imi vanotenda! Ndingakutungamirai here kune bhizimusi richakununurai kubva kumurango unorwadza |
تُؤْمِنُونَ بِاللَّهِ وَرَسُولِهِ وَتُجَاهِدُونَ فِي سَبِيلِ اللَّهِ بِأَمْوَالِكُمْ وَأَنفُسِكُمْ ۚ ذَٰلِكُمْ خَيْرٌ لَّكُمْ إِن كُنتُمْ تَعْلَمُونَ (11) Kuti imi mutende kuna Allah uye mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye moshinga nekurwa munzira yaAllah nehupfumi hwenyu uye nehupenyu hwenyu. Izvozvo ndizvo zvakanaka kwamuri kana muchiziva |
يَغْفِرْ لَكُمْ ذُنُوبَكُمْ وَيُدْخِلْكُمْ جَنَّاتٍ تَجْرِي مِن تَحْتِهَا الْأَنْهَارُ وَمَسَاكِنَ طَيِّبَةً فِي جَنَّاتِ عَدْنٍ ۚ ذَٰلِكَ الْفَوْزُ الْعَظِيمُ (12) (Allah) vachakuregererai zvitadzo zvenyu, uye vachakupinzai muParadhiso iro pasi paro panoerera nzizi, uyedzimba dzakanaka muEden, Paradhiso. Zvirokwazvo, ikoko ndiko kubudirira kukuru |
وَأُخْرَىٰ تُحِبُّونَهَا ۖ نَصْرٌ مِّنَ اللَّهِ وَفَتْحٌ قَرِيبٌ ۗ وَبَشِّرِ الْمُؤْمِنِينَ (13) Nezvimwe zvamunoda kubva kuna Allah (vachakupai), rubatsiro kubva kuna Allah nekukunda kuri pedyo. Uye ipa mashoko akanaka (Muhammad (SAW)) kune vatendi |
يَا أَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا كُونُوا أَنصَارَ اللَّهِ كَمَا قَالَ عِيسَى ابْنُ مَرْيَمَ لِلْحَوَارِيِّينَ مَنْ أَنصَارِي إِلَى اللَّهِ ۖ قَالَ الْحَوَارِيُّونَ نَحْنُ أَنصَارُ اللَّهِ ۖ فَآمَنَت طَّائِفَةٌ مِّن بَنِي إِسْرَائِيلَ وَكَفَرَت طَّائِفَةٌ ۖ فَأَيَّدْنَا الَّذِينَ آمَنُوا عَلَىٰ عَدُوِّهِمْ فَأَصْبَحُوا ظَاهِرِينَ (14) Imi vanotenda! Ivai vabetseri vaAllah sokutaura kwakaita Isa (Jesu) mwana waMariya kuvadzidzi vake (achiti): “Ndivanaani vachandibetsera kuna Allah?” Vadzidzi vakataura kuti: “Isu tiri vabetseri vaAllah!” Naizvozvo chikwata chevana veIzrairi chakatenda uye chikwata chimwe hachina kutenda. Naizvozvo takapa simba kune avo vakatenda pamusoro pemhandu dzavo, uye vakabva vakunda |