| وَالْمُرْسَلَاتِ عُرْفًا (1) (Ndinopika) Ne (mhepo kana ngirozi, kana nhumwa dzaAllah) dzakatumwa imwe mushure meimwe
 | 
| فَالْعَاصِفَاتِ عَصْفًا (2) Uye nemhepo dzinovhuvhuta zvine simba
 | 
| وَالنَّاشِرَاتِ نَشْرًا (3) Uye nemhepo inopararidza makore nemvura
 | 
| فَالْفَارِقَاتِ فَرْقًا (4) Uye ne (ndima dzemuQur’aan) dzinosiyanisa (zvakanaka nezvakaipa)
 | 
| فَالْمُلْقِيَاتِ ذِكْرًا (5) Uye ne (ngirozi) dzinounza zvidzikiswa (kunhumwa)
 | 
| عُذْرًا أَوْ نُذْرًا (6) Kunobvisa zvose zvimhingamupini kana kuyambira
 | 
| إِنَّمَا تُوعَدُونَ لَوَاقِعٌ (7) Zvirokwazvo, zvawakavimbiswa zvichadarika
 | 
| فَإِذَا النُّجُومُ طُمِسَتْ (8) Apo nyenyedzi dzichadzima chiedza chadzo
 | 
| وَإِذَا السَّمَاءُ فُرِجَتْ (9) Uye denga richatsemuka
 | 
| وَإِذَا الْجِبَالُ نُسِفَتْ (10) Uye nemakomo paachafuridzwa kure
 | 
| وَإِذَا الرُّسُلُ أُقِّتَتْ (11) Uye nenhumwa padzichaunganidzwa panguva yakatarwa
 | 
| لِأَيِّ يَوْمٍ أُجِّلَتْ (12) Zuva ripi (zviratidzo izvi) zvirikunonotserwa
 | 
| لِيَوْمِ الْفَصْلِ (13) Zuva resarudzo (avo veParadhiso kubva kune avo vekuGehena)
 | 
| وَمَا أَدْرَاكَ مَا يَوْمُ الْفَصْلِ (14) Uye uchaziva sei kuti zuva resarudzo chii
 | 
| وَيْلٌ يَوْمَئِذٍ لِّلْمُكَذِّبِينَ (15) Matambudziko pazuva iri kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
 | 
| أَلَمْ نُهْلِكِ الْأَوَّلِينَ (16) Hatina here kuparadza avo vange vari kumberi kwenyu
 | 
| ثُمَّ نُتْبِعُهُمُ الْآخِرِينَ (17) Uye tichaita vari mumashure mavo vave vanovatevera
 | 
| كَذَٰلِكَ نَفْعَلُ بِالْمُجْرِمِينَ (18) Nenzira iyi tinoshanda nevapari vemhosva (vasingatendi nevatadzi)
 | 
| وَيْلٌ يَوْمَئِذٍ لِّلْمُكَذِّبِينَ (19) Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
 | 
| أَلَمْ نَخْلُقكُّم مِّن مَّاءٍ مَّهِينٍ (20) Hatina kukusikai kubva kumvura inoshorwa
 | 
| فَجَعَلْنَاهُ فِي قَرَارٍ مَّكِينٍ (21) Uye tikaigadzika munzvimbo yakachengetedzeka (munhumbu)
 | 
| إِلَىٰ قَدَرٍ مَّعْلُومٍ (22) Kwenguva inozivikanwa (yemwana kuti aberekwe)
 | 
| فَقَدَرْنَا فَنِعْمَ الْقَادِرُونَ (23) Saka takaera, uye tisu nyanzvi dzekuera (zvinhu)
 | 
| وَيْلٌ يَوْمَئِذٍ لِّلْمُكَذِّبِينَ (24) Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
 | 
| أَلَمْ نَجْعَلِ الْأَرْضَ كِفَاتًا (25) Hatina here kugadzira pasi senzvimbo yokugara
 | 
| أَحْيَاءً وَأَمْوَاتًا (26) Kune vapenyu nevakafa
 | 
| وَجَعَلْنَا فِيهَا رَوَاسِيَ شَامِخَاتٍ وَأَسْقَيْنَاكُم مَّاءً فُرَاتًا (27) Uye tikagadzika imomo makomo akasimba nekureba, uye tikakupai mvura yekunwa inonaka
 | 
| وَيْلٌ يَوْمَئِذٍ لِّلْمُكَذِّبِينَ (28) Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
 | 
| انطَلِقُوا إِلَىٰ مَا كُنتُم بِهِ تُكَذِّبُونَ (29) (Zvichanzi kune vasingatendi): “Gundumukai kubva kune izvo zvamairamba!”
 | 
| انطَلِقُوا إِلَىٰ ظِلٍّ ذِي ثَلَاثِ شُعَبٍ (30) “Gundumukai kumumvuri (wemoto weGehena hutsi huchikwidza) muzvikwata zvitatu.”
 | 
| لَّا ظَلِيلٍ وَلَا يُغْنِي مِنَ اللَّهَبِ (31) “Pasina mumvuri, kana kubatsira chimwe chinhu kubva murimi remoto.”
 | 
| إِنَّهَا تَرْمِي بِشَرَرٍ كَالْقَصْرِ (32) Zvirokwazvo, iro (Gehena) richakanda zvingaimi seAl-Qasr (zidanda rechitsiga)
 | 
| كَأَنَّهُ جِمَالَتٌ صُفْرٌ (33) Sekunge ingamera dzeruvara rwegoride kana tsapo retambo
 | 
| وَيْلٌ يَوْمَئِذٍ لِّلْمُكَذِّبِينَ (34) Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
 | 
| هَٰذَا يَوْمُ لَا يَنطِقُونَ (35) Iri ndiro zuva ravasingatauri (padzimwe nguva dzaro)
 | 
| وَلَا يُؤْذَنُ لَهُمْ فَيَعْتَذِرُونَ (36) Uye havabvumidzwe kupa zvikonzero
 | 
| وَيْلٌ يَوْمَئِذٍ لِّلْمُكَذِّبِينَ (37) Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
 | 
| هَٰذَا يَوْمُ الْفَصْلِ ۖ جَمَعْنَاكُمْ وَالْأَوَّلِينَ (38) Iri izuva resarudzo (remutongo). Takuunzai imi nevanhu vekutanga pamwechete
 | 
| فَإِن كَانَ لَكُمْ كَيْدٌ فَكِيدُونِ (39) Saka kana pane zvamakaronga, shandisirai ini (Allah)
 | 
| وَيْلٌ يَوْمَئِذٍ لِّلْمُكَذِّبِينَ (40) Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
 | 
| إِنَّ الْمُتَّقِينَ فِي ظِلَالٍ وَعُيُونٍ (41) Zvirokwazvo, vanotya Allah vachave pakati pemimvuri nezvitubu
 | 
| وَفَوَاكِهَ مِمَّا يَشْتَهُونَ (42) Uye nemichero iyo vachada
 | 
| كُلُوا وَاشْرَبُوا هَنِيئًا بِمَا كُنتُمْ تَعْمَلُونَ (43) “Idyai nekunwa makasununguka nekuda kwezvamaiita.”
 | 
| إِنَّا كَذَٰلِكَ نَجْزِي الْمُحْسِنِينَ (44) Zvirokwazvo, kudaro tinopa mubairo kuvanhu vezvakanaka
 | 
| وَيْلٌ يَوْمَئِذٍ لِّلْمُكَذِّبِينَ (45) Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
 | 
| كُلُوا وَتَمَتَّعُوا قَلِيلًا إِنَّكُم مُّجْرِمُونَ (46) (Imi	vasingatendi)! Idyai	nekufara (muhupenyu	hwepano pasi) kwechinguva	chidiki. Zvirokwazvo, muri vaiti vezvakaipa
 | 
| وَيْلٌ يَوْمَئِذٍ لِّلْمُكَذِّبِينَ (47) Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
 | 
| وَإِذَا قِيلَ لَهُمُ ارْكَعُوا لَا يَرْكَعُونَ (48) Kana zvikanzi kwavari: “Kotamai (mumunamato)! Havakotami (havaite minamato yavo)
 | 
| وَيْلٌ يَوْمَئِذٍ لِّلْمُكَذِّبِينَ (49) Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
 | 
| فَبِأَيِّ حَدِيثٍ بَعْدَهُ يُؤْمِنُونَ (50) Saka munhaurwa ipi mushure meiri (Qur’aan) vachatenda
 |