﴿إِنَّ ٱلۡمُسۡلِمِينَ وَٱلۡمُسۡلِمَٰتِ وَٱلۡمُؤۡمِنِينَ وَٱلۡمُؤۡمِنَٰتِ وَٱلۡقَٰنِتِينَ وَٱلۡقَٰنِتَٰتِ وَٱلصَّٰدِقِينَ وَٱلصَّٰدِقَٰتِ وَٱلصَّٰبِرِينَ وَٱلصَّٰبِرَٰتِ وَٱلۡخَٰشِعِينَ وَٱلۡخَٰشِعَٰتِ وَٱلۡمُتَصَدِّقِينَ وَٱلۡمُتَصَدِّقَٰتِ وَٱلصَّٰٓئِمِينَ وَٱلصَّٰٓئِمَٰتِ وَٱلۡحَٰفِظِينَ فُرُوجَهُمۡ وَٱلۡحَٰفِظَٰتِ وَٱلذَّٰكِرِينَ ٱللَّهَ كَثِيرٗا وَٱلذَّٰكِرَٰتِ أَعَدَّ ٱللَّهُ لَهُم مَّغۡفِرَةٗ وَأَجۡرًا عَظِيمٗا ﴾
[الأحزَاب: 35]
Zvirokwazvo, varume nemadzimai echiMuslim (vanozvipira kuna Allah), varume nemadzimai vanotenda muIslaam, varume nemadzimai vanoteerera (Allah), varume nemadzimai vari pachokwadi, varume nemadzimai vanotsungirira, varume nemadzimai vanozvidzikisira (pamberi paTenzi vavo Allah), varume nemadzimai vanopa zvipo, varume nemadzimai vanotsanya (muRamadhaan nedzimwe nguva apo kutsanya kunenge kusingamanikidzirwi), varume nemadzimai vanochengetedza nhengo dzavo dzakavandika (kubva kuhupombwe), uye varume nemadzimai vanorangarira Allah zvakanyanya (kuburikidza nemuhana dzavo nezvavanotaura), Allah vavagadzirira ruregerero uye mubairo mukuru (Paradhiso)
ترجمة: إن المسلمين والمسلمات والمؤمنين والمؤمنات والقانتين والقانتات والصادقين والصادقات والصابرين والصابرات والخاشعين, باللغة الشونا
﴿إن المسلمين والمسلمات والمؤمنين والمؤمنات والقانتين والقانتات والصادقين والصادقات والصابرين والصابرات والخاشعين﴾ [الأحزَاب: 35]