×

Uye itai zvakanaka [zviito zveHajj neUmrah semaitiro aiitwa namutumwa Muhammad (SAW)) Hajj 2:196 Shona translation

Quran infoShonaSurah Al-Baqarah ⮕ (2:196) ayat 196 in Shona

2:196 Surah Al-Baqarah ayat 196 in Shona (الشونا)

Quran with Shona translation - Surah Al-Baqarah ayat 196 - البَقَرَة - Page - Juz 2

﴿وَأَتِمُّواْ ٱلۡحَجَّ وَٱلۡعُمۡرَةَ لِلَّهِۚ فَإِنۡ أُحۡصِرۡتُمۡ فَمَا ٱسۡتَيۡسَرَ مِنَ ٱلۡهَدۡيِۖ وَلَا تَحۡلِقُواْ رُءُوسَكُمۡ حَتَّىٰ يَبۡلُغَ ٱلۡهَدۡيُ مَحِلَّهُۥۚ فَمَن كَانَ مِنكُم مَّرِيضًا أَوۡ بِهِۦٓ أَذٗى مِّن رَّأۡسِهِۦ فَفِدۡيَةٞ مِّن صِيَامٍ أَوۡ صَدَقَةٍ أَوۡ نُسُكٖۚ فَإِذَآ أَمِنتُمۡ فَمَن تَمَتَّعَ بِٱلۡعُمۡرَةِ إِلَى ٱلۡحَجِّ فَمَا ٱسۡتَيۡسَرَ مِنَ ٱلۡهَدۡيِۚ فَمَن لَّمۡ يَجِدۡ فَصِيَامُ ثَلَٰثَةِ أَيَّامٖ فِي ٱلۡحَجِّ وَسَبۡعَةٍ إِذَا رَجَعۡتُمۡۗ تِلۡكَ عَشَرَةٞ كَامِلَةٞۗ ذَٰلِكَ لِمَن لَّمۡ يَكُنۡ أَهۡلُهُۥ حَاضِرِي ٱلۡمَسۡجِدِ ٱلۡحَرَامِۚ وَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَٱعۡلَمُوٓاْ أَنَّ ٱللَّهَ شَدِيدُ ٱلۡعِقَابِ ﴾
[البَقَرَة: 196]

Uye itai zvakanaka [zviito zveHajj neUmrah semaitiro aiitwa namutumwa Muhammad (SAW)) Hajj neUmrah (kushanya kuMakkah) muchizviitira Allah. Asi kana marambidzwa (kupedzisa mabasa eHajj nokudaro), urayai sechipiro (mhuka: ngamera, mombe kana hwai) yamunokwanisa. Uye masave munogera misoro yenyu kusvika mhuka yasvika panzvimbo yokupira. Uye ani nani wenyu arikurwara kana ane maronda mumusoro make (anoda kuti agere musoro wake), anofanira kubhadhara Fidyah (muripo) wekutsanya (mazuva matatu), kana kupa Sadaqah (chipo) [kupa chokudya kuvanhu vatanhatu], kana kupira nokuuraya (hwai imwe chete). Asi kana mave pakachengetedzeka uye ani nani anoita Umrah mumwedzi weHajj asati aita Hajj (Hajj-al- Tamattu’ ne Al-Qiraan), anofanira kupira Hady (mhuka) iyo yaanokwanisa, asi kana asingakwanisi, anofanira kutsanya mazuva matatu munguva yeHajj nemazuva manomwe kana adzokera (kumba kwake), kuita mazuva gumi ose. Izvi ndezveuyo ane mhuri yake isiri munharaunda ye Al-Masjid Al-Haraam (asiri mugari muMakkah). Uye ityai Allah zvikuru, uye zivai kuti Allah vane mutongo wakaomarara

❮ Previous Next ❯

ترجمة: وأتموا الحج والعمرة لله فإن أحصرتم فما استيسر من الهدي ولا تحلقوا, باللغة الشونا

﴿وأتموا الحج والعمرة لله فإن أحصرتم فما استيسر من الهدي ولا تحلقوا﴾ [البَقَرَة: 196]

❮ Previous Next ❯

Verse in more languages

Transliteration Bangla Bosnian German English Persian French Hindi Indonesian Kazakh Dutch Russian Spanish Turkish Urdu Uzbek