﴿۞ وَلَكُمۡ نِصۡفُ مَا تَرَكَ أَزۡوَٰجُكُمۡ إِن لَّمۡ يَكُن لَّهُنَّ وَلَدٞۚ فَإِن كَانَ لَهُنَّ وَلَدٞ فَلَكُمُ ٱلرُّبُعُ مِمَّا تَرَكۡنَۚ مِنۢ بَعۡدِ وَصِيَّةٖ يُوصِينَ بِهَآ أَوۡ دَيۡنٖۚ وَلَهُنَّ ٱلرُّبُعُ مِمَّا تَرَكۡتُمۡ إِن لَّمۡ يَكُن لَّكُمۡ وَلَدٞۚ فَإِن كَانَ لَكُمۡ وَلَدٞ فَلَهُنَّ ٱلثُّمُنُ مِمَّا تَرَكۡتُمۚ مِّنۢ بَعۡدِ وَصِيَّةٖ تُوصُونَ بِهَآ أَوۡ دَيۡنٖۗ وَإِن كَانَ رَجُلٞ يُورَثُ كَلَٰلَةً أَوِ ٱمۡرَأَةٞ وَلَهُۥٓ أَخٌ أَوۡ أُخۡتٞ فَلِكُلِّ وَٰحِدٖ مِّنۡهُمَا ٱلسُّدُسُۚ فَإِن كَانُوٓاْ أَكۡثَرَ مِن ذَٰلِكَ فَهُمۡ شُرَكَآءُ فِي ٱلثُّلُثِۚ مِنۢ بَعۡدِ وَصِيَّةٖ يُوصَىٰ بِهَآ أَوۡ دَيۡنٍ غَيۡرَ مُضَآرّٖۚ وَصِيَّةٗ مِّنَ ٱللَّهِۗ وَٱللَّهُ عَلِيمٌ حَلِيمٞ ﴾
[النِّسَاء: 12]
Uye kune izvo zvinenge zvasiiwa nemadzimai enyu, munowana chidimbu chepakati (1/2) chenhaka kana vanga vasina mwana; asi vakasiya mwana, munowana (varume) chidimbu kubva kuzvina (¼) kune izvo zvavanenge vasiya mushure mekubhadhara Wiri yavanenge vaita kana zvikwereti. Uye kune izvo zvamunenge masiya, chidimbu chavo (vakadzi venyu) chidimbu kubva kuzvina (¼) kana musina mwana; asi mukasiya mwana, vanowana chidimbu kubva kuzvisere (1/8) yeizvo zvamunenge masiya mushure mekubhadhara Wiri yamunenge maita kana zvikwereti. Uye kana murume kana mukadzi nhaka yake irikugohwa asina vabereki kana vana, asi ane mukoma kana hanzvadzi, mumwe nemumwe wavo anowana chidimbu kubva kuzvitanhatu (1/6); asi kana vachidarika vaviri vanogovana chidimbu kubva kuzvitatu (1/3) mushure mekubhadhara Wiri yaanenge aita kana zvikwereti, kuitira kuti pasave nekurasikirwa kana kusanzwisisana (pakati penyu). Uyu ndiwo murairo kubva kuna Allah, uye Allah ndivo vane ruzivo rwese, vane moyo murefu
ترجمة: ولكم نصف ما ترك أزواجكم إن لم يكن لهن ولد فإن كان, باللغة الشونا
﴿ولكم نصف ما ترك أزواجكم إن لم يكن لهن ولد فإن كان﴾ [النِّسَاء: 12]