﴿قَالَ ءَامَنتُمۡ لَهُۥ قَبۡلَ أَنۡ ءَاذَنَ لَكُمۡۖ إِنَّهُۥ لَكَبِيرُكُمُ ٱلَّذِي عَلَّمَكُمُ ٱلسِّحۡرَۖ فَلَأُقَطِّعَنَّ أَيۡدِيَكُمۡ وَأَرۡجُلَكُم مِّنۡ خِلَٰفٖ وَلَأُصَلِّبَنَّكُمۡ فِي جُذُوعِ ٱلنَّخۡلِ وَلَتَعۡلَمُنَّ أَيُّنَآ أَشَدُّ عَذَابٗا وَأَبۡقَىٰ ﴾
[طه: 71]
(Farawo) ndokuti: “Matenda maari ndisati ndakubvumidzai? Zvirokwazvo, mukuru wenyu akakudzidzisai mashiripiti (kuita mapipi). Naizvozvo, ndichacheka-cheka maoko enyu zvekare nemakumbo enyu kubva kumativi akapesana (gumbo rerudyi neruoko rwekuruboshwe kana kuti mamwe mativi), zvekare ndichakukomererai pamahunde emadheti (Nakheel – michero yakada kungofanana neshumha asi kuti ihuru uye inotapira zvikuru), uye muchanyatsoziva kuti ndiani pakati pedu akaoma pamurango uye aneraramo isingaperi (pakati pangu ini Farawo naTenzi vaMusa - Allah).”
ترجمة: قال آمنتم له قبل أن آذن لكم إنه لكبيركم الذي علمكم السحر, باللغة الشونا
﴿قال آمنتم له قبل أن آذن لكم إنه لكبيركم الذي علمكم السحر﴾ [طه: 71]