طه (1) Twaa – Haa. (Aya mavara ndemamwe ezvishamiso zveQur’aan, uye hakuna kana ani zvake anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah) |
مَا أَنزَلْنَا عَلَيْكَ الْقُرْآنَ لِتَشْقَىٰ (2) Hatina kuburutsa Qur’aan (iri) kwauri (Muhammad (SAW)) kuti tikupe matambudziko (tikushungurudze) |
إِلَّا تَذْكِرَةً لِّمَن يَخْشَىٰ (3) Asi kuti seyeuchidzo kune avo vanotya (Allah) |
تَنزِيلًا مِّمَّنْ خَلَقَ الْأَرْضَ وَالسَّمَاوَاتِ الْعُلَى (4) Iburutso kubva kune vakasika nyika nematenga kumusoro-soro |
الرَّحْمَٰنُ عَلَى الْعَرْشِ اسْتَوَىٰ (5) (Allah) vane Ngoni vakakwira pamusoro peArsh (Chigaro Choumambo chinoenderana noukuru hwavo usingaperi, uye vakakwira nenzira inoenderana neumambo wavo) |
لَهُ مَا فِي السَّمَاوَاتِ وَمَا فِي الْأَرْضِ وَمَا بَيْنَهُمَا وَمَا تَحْتَ الثَّرَىٰ (6) Zvose zviri mumatenga nemunyika, nezviri pakati pazvo nezviri pasi pevhu ndezvavo (Allah) |
وَإِن تَجْهَرْ بِالْقَوْلِ فَإِنَّهُ يَعْلَمُ السِّرَّ وَأَخْفَى (7) Uye (iwe Muhammad (SAW)) ukave unotaura zvinonzwika, zvirokwazvo, (Allah) vanoziva zvakavanda nezvakanyanya kuvanda |
اللَّهُ لَا إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ ۖ لَهُ الْأَسْمَاءُ الْحُسْنَىٰ (8) Allah! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna umwe anofanirwa kunamatwa kunze kwavo (Allah))! Mazita ose akanaka ndeavo (Allah) |
وَهَلْ أَتَاكَ حَدِيثُ مُوسَىٰ (9) Uye nyaya yaMusa yati yambouya here kwauri |
إِذْ رَأَىٰ نَارًا فَقَالَ لِأَهْلِهِ امْكُثُوا إِنِّي آنَسْتُ نَارًا لَّعَلِّي آتِيكُم مِّنْهَا بِقَبَسٍ أَوْ أَجِدُ عَلَى النَّارِ هُدًى (10) Apo paakaona moto ndokuti kune mhuri yake: “Mirai! Zvirokwazvo, ndaona moto, dzimweni dzenguva ndingangokuvigirai rasha (rine moto) kubva kwauri (moto iwowo), kana kuti ndowana nhungamiririro kune moto (iwowo).” |
فَلَمَّا أَتَاهَا نُودِيَ يَا مُوسَىٰ (11) Uye paakasvika kwauri (moto uya) akave anoshevedzwa (nezita kuti): “Iwe Musa!” |
إِنِّي أَنَا رَبُّكَ فَاخْلَعْ نَعْلَيْكَ ۖ إِنَّكَ بِالْوَادِ الْمُقَدَّسِ طُوًى (12) “Zvirokwazvo, ndini Tenzi vako (Allah)! Naizvozvo kurura shangu dzako, zvirokwazvo, uri mumupata unoyera weTuwa.” |
وَأَنَا اخْتَرْتُكَ فَاسْتَمِعْ لِمَا يُوحَىٰ (13) “Uye ndave ndinokusarudza. Naizvozvo chinzwa zvichaburutswa (kwauri).” |
إِنَّنِي أَنَا اللَّهُ لَا إِلَٰهَ إِلَّا أَنَا فَاعْبُدْنِي وَأَقِمِ الصَّلَاةَ لِذِكْرِي (14) “Zvirokwazvo, ndini Allah! Laa ilaaha illaa Ana (Hakuna mumwe mwari anofanirwa kunamatwa kunze kwangu), naizvozvo iva unondinamata, uye uve unoita Swalaah (Munamato) senzira yekundiyeuka.” |
إِنَّ السَّاعَةَ آتِيَةٌ أَكَادُ أُخْفِيهَا لِتُجْزَىٰ كُلُّ نَفْسٍ بِمَا تَسْعَىٰ (15) “Zvirokwazvo, Nguva (Zuva rekutongwa) irikuuya, uye ndiri pedo pedo nekuiviga, nokuda kwekuti munhu wese ave anotuswa (anopuhwa mubairo wake) mune izvo zvaakashingirira kuita.” |
فَلَا يَصُدَّنَّكَ عَنْهَا مَن لَّا يُؤْمِنُ بِهَا وَاتَّبَعَ هَوَاهُ فَتَرْدَىٰ (16) “Naizvozvo uyo asingatendi mairi (Nguva) asi achitevedzera zvido zvemoyo wake, ngaasave anokutadzisa (kutenda mairi nguva iyi) kuda ungangoparara.” |
وَمَا تِلْكَ بِيَمِينِكَ يَا مُوسَىٰ (17) “Uyezve chiicho chiri muruoko rwako rwerudyi, nhai Musa?” |
قَالَ هِيَ عَصَايَ أَتَوَكَّأُ عَلَيْهَا وَأَهُشُّ بِهَا عَلَىٰ غَنَمِي وَلِيَ فِيهَا مَآرِبُ أُخْرَىٰ (18) (Musa) akati: “Iyi itsvimbo yangu, ndinoizendamira, uye ndinoikoshomoresa mashizha anozodyiwa nehwai dzangu, uye ndinowanawo zvimwe zvishando mairi.” |
قَالَ أَلْقِهَا يَا مُوسَىٰ (19) (Allah) ndokuti: “Naizvozvo ikande pasi, iwe Musa!” |
فَأَلْقَاهَا فَإِذَا هِيَ حَيَّةٌ تَسْعَىٰ (20) Naizvozvo akaikanda pasi, chiriporipotyo yakanga yava nyoka, yaizvonyongoka nekukurumidza |
قَالَ خُذْهَا وَلَا تَخَفْ ۖ سَنُعِيدُهَا سِيرَتَهَا الْأُولَىٰ (21) (Allah) ndokuti: “Itore hako uyezve usatye, tichave tinoidzosera kuchimiro chayo chokutanga.” |
وَاضْمُمْ يَدَكَ إِلَىٰ جَنَاحِكَ تَخْرُجْ بَيْضَاءَ مِنْ غَيْرِ سُوءٍ آيَةً أُخْرَىٰ (22) “Uyezve dzvanyidzira ruoko rwako (rworudyi) murutivi rwako (rweruboshwe), rwuchabuda rwuchipenya rwusina kana chirwere sechimwe chiratidzo.” |
لِنُرِيَكَ مِنْ آيَاتِنَا الْكُبْرَى (23) “Nokuda kwekuti tikuratidze (zvimwe) zvezviratidzo zvedu zvikuru.” |
اذْهَبْ إِلَىٰ فِرْعَوْنَ إِنَّهُ طَغَىٰ (24) “Chienda kuna Fir’aun (Farawo)! Zvirokwazvo, ava anozvitutumadza (anoita mabasa asakarurama).” |
قَالَ رَبِّ اشْرَحْ لِي صَدْرِي (25) (Musa) ndokuti: “Tenzi vangu! Ndivhurireiwo chipfuva changu (Ndipeiwo chivimbisiko – chokwadi, chekaniso nekugutsikana kuti ndichave ndinokunda).” |
وَيَسِّرْ لِي أَمْرِي (26) “Uyezve ivai munondirerutsira chisungo changu (basa rangu).” |
وَاحْلُلْ عُقْدَةً مِّن لِّسَانِي (27) “Uyezve sunungurai chifundo kubva parurimi rwangu (bvisai kutadza nekukanganisa kwangu mukutaura).” (Izvi zvokutadza kutaura zvakanaka – kukama kwaMusa kwakauya nokuda kwerasha raiva nemoto raakaisa mukanwa achiri mwana mudiki) |
يَفْقَهُوا قَوْلِي (28) “Kuti vanzwisise mashoko angu.” |
وَاجْعَل لِّي وَزِيرًا مِّنْ أَهْلِي (29) “Uyezve muve munondisarudzirawo mubatsiri wangu kubva mumhuri yangu.” |
هَارُونَ أَخِي (30) “Haaroon (Aroni), mukoma wangu.” |
اشْدُدْ بِهِ أَزْرِي (31) “Ivai munowedzera simba rangu kuburikidza naye.” |
وَأَشْرِكْهُ فِي أَمْرِي (32) “Uyezve mubatanidzei neni pamushando wangu (wekusvitsa mashoko aAllah uye neuporofita).” |
كَيْ نُسَبِّحَكَ كَثِيرًا (33) “Kuti tive tinokurumbidzai kazhinji.” |
وَنَذْكُرَكَ كَثِيرًا (34) “Uye kuti tive tinokurangarirai kazhinji.” |
إِنَّكَ كُنتَ بِنَا بَصِيرًا (35) “Zvirokwazvo, imi ndimi munenge makangotirinda.” |
قَالَ قَدْ أُوتِيتَ سُؤْلَكَ يَا مُوسَىٰ (36) (Allah) vakati: “Wave unopihwa zvawakumbira, iwe Musa!” |
وَلَقَدْ مَنَنَّا عَلَيْكَ مَرَّةً أُخْرَىٰ (37) “Uye zvirokwazvo tave tinoita mutsa kwauri zvekare.” |
إِذْ أَوْحَيْنَا إِلَىٰ أُمِّكَ مَا يُوحَىٰ (38) “Apo patakaburutsa kuna amai vako izvo zvatakaburutsa.” |
أَنِ اقْذِفِيهِ فِي التَّابُوتِ فَاقْذِفِيهِ فِي الْيَمِّ فَلْيُلْقِهِ الْيَمُّ بِالسَّاحِلِ يَأْخُذْهُ عَدُوٌّ لِّي وَعَدُوٌّ لَّهُ ۚ وَأَلْقَيْتُ عَلَيْكَ مَحَبَّةً مِّنِّي وَلِتُصْنَعَ عَلَىٰ عَيْنِي (39) “(Patakati): ‘Mugadzikei (mwana wenyu) muTaboot (Bhokisi kana kuti Mukwembe kana kuti Chityu), uye mogadzika (bhokisi racho) murwizi (rweNile), pedzezvo rwizi rwuchakanda (bhokisi iroro) kumahombekombe (kwerwizi). Muvengi wangu nemuvengi wake (Farawo) achave anomutora (kubvapo). Uyezve ndakave ndinogadzika (kanda) rudo rwangu (ini Allah) pauri, kuti ukure uri pasi peziso rangu (ndichikuchengeta).’” |
إِذْ تَمْشِي أُخْتُكَ فَتَقُولُ هَلْ أَدُلُّكُمْ عَلَىٰ مَن يَكْفُلُهُ ۖ فَرَجَعْنَاكَ إِلَىٰ أُمِّكَ كَيْ تَقَرَّ عَيْنُهَا وَلَا تَحْزَنَ ۚ وَقَتَلْتَ نَفْسًا فَنَجَّيْنَاكَ مِنَ الْغَمِّ وَفَتَنَّاكَ فُتُونًا ۚ فَلَبِثْتَ سِنِينَ فِي أَهْلِ مَدْيَنَ ثُمَّ جِئْتَ عَلَىٰ قَدَرٍ يَا مُوسَىٰ (40) “Apo hanzvadzi yako payaifamba ndokubva yati: ‘Ndingakutungamirirei here kune anokwanisa kumuriritira?’ Naizvozvo takakudzosera kuna amai vako, kuti maziso avo ave anotonhorerwa uye kuti (amai vako) vasashushikane. Uyezve wakauraya munhu, asi takakubatsira kubva mumatambudziko, uye zvekare tikave tinokuedza (ne)miedzo (mikuru). Naizvozvo, wakave unogara kwemakore akati kuti nevagari vekuMadyan (Midian). Pedzezvo wauya kuno nenguva yandakakutarira, iwe Musa!” |
وَاصْطَنَعْتُكَ لِنَفْسِي (41) “Zvekare ndave ndinozvisarudzira iwe kuti uve wangu.” |
اذْهَبْ أَنتَ وَأَخُوكَ بِآيَاتِي وَلَا تَنِيَا فِي ذِكْرِي (42) “Chienda iwewe nemukoma wako nezviratidzo zvedu, zvekare musave munotemberenuka mukundirangarira.” |
اذْهَبَا إِلَىٰ فِرْعَوْنَ إِنَّهُ طَغَىٰ (43) “Chiendai (muri vaviri) kuna Farawo, zvirokwazvo, (Farawo) ave anopfurikidza mwero.” |
فَقُولَا لَهُ قَوْلًا لَّيِّنًا لَّعَلَّهُ يَتَذَكَّرُ أَوْ يَخْشَىٰ (44) “Uye motaura naye zvinyoro-nyoro, dzimweni dzenguva achatambira yeuchidzo kana kuti achatya.” |
قَالَا رَبَّنَا إِنَّنَا نَخَافُ أَن يَفْرُطَ عَلَيْنَا أَوْ أَن يَطْغَىٰ (45) Vakataura (Musa naHaaroon (Aroni)) vakati: “Tenzi vedu! Zvirokwazvo, tinotya kuti (Farawo) anganokurumidza kuti ranga kana kuti angangoita zvisakarurama kwatiri.” |
قَالَ لَا تَخَافَا ۖ إِنَّنِي مَعَكُمَا أَسْمَعُ وَأَرَىٰ (46) (Allah) vakabva vati: “Musave munotya. Zvirokwazvo, ndinenge ndinemi (muruzivo rwangu) ndichinzwa nekuona (zvese).” |
فَأْتِيَاهُ فَقُولَا إِنَّا رَسُولَا رَبِّكَ فَأَرْسِلْ مَعَنَا بَنِي إِسْرَائِيلَ وَلَا تُعَذِّبْهُمْ ۖ قَدْ جِئْنَاكَ بِآيَةٍ مِّن رَّبِّكَ ۖ وَالسَّلَامُ عَلَىٰ مَنِ اتَّبَعَ الْهُدَىٰ (47) “Saka chiendai kwaari muri vaviri mobva mati: ‘Zvirokwazvo, tiri vatumwa vaTenzi vako (iwewe Farawo). Saka titume (tiende) nevana veIzirairi uyezve usave unovaranga. Zvirokwazvo, tauya nehumboo kubva kuna Tenzi vako (Allah). Uye runyararo ruchave pane uyo achatevedzera gwara rakaswatuka (kutenda muna Allah)!’” |
إِنَّا قَدْ أُوحِيَ إِلَيْنَا أَنَّ الْعَذَابَ عَلَىٰ مَن كَذَّبَ وَتَوَلَّىٰ (48) “Zvirokwazvo zvave zvinoburutswa kwatiri kuti chokwadi mutongo uchave pane uyo acharamba (kutenda muhumwechete hwaAllah nemuvatumwa vake), uye (uchave uri pane uyo) achashozhonoka (achafutarita chokwadi).” |
قَالَ فَمَن رَّبُّكُمَا يَا مُوسَىٰ (49) (Farawo) ndokuti: “Saka ndianiko Tenzi venyu muri vaviri, nhai iwe Musa?” |
قَالَ رَبُّنَا الَّذِي أَعْطَىٰ كُلَّ شَيْءٍ خَلْقَهُ ثُمَّ هَدَىٰ (50) (Musa akapindura) akati: “Tenzi vedu ndeavo vakapa chinhu chose chimiro chachona, pedzezvo ndokuchitungamira.” |
قَالَ فَمَا بَالُ الْقُرُونِ الْأُولَىٰ (51) (Farawo) ndokuti: “Naizvozvo munotiiko nezvezvizvarwa zvokutanga (zvakare)?” |
قَالَ عِلْمُهَا عِندَ رَبِّي فِي كِتَابٍ ۖ لَّا يَضِلُّ رَبِّي وَلَا يَنسَى (52) (Musa) ndokupindura achiti: “Ruzivo (irworwo) pamusoro pavo rwuna Tenzi vangu mubhuku. Tenzi vangu havakanganise kana kukanganwa.” |
الَّذِي جَعَلَ لَكُمُ الْأَرْضَ مَهْدًا وَسَلَكَ لَكُمْ فِيهَا سُبُلًا وَأَنزَلَ مِنَ السَّمَاءِ مَاءً فَأَخْرَجْنَا بِهِ أَزْوَاجًا مِّن نَّبَاتٍ شَتَّىٰ (53) (Tenzi vangu) ndeavo vakaita kuti nyika kwamuri ive semubhedha (wakangowaridzwa), zvekare (ndiTenzi vangu) vakakuvhurirai nzira mairi, uye vakaburutsa mvura kubva kumatenga. Uye (isu Allah) takaburitsa mhando dzakasiyana siyana (ndudzi) dzezvirimwa kuburikidza nayo (mvura) |
كُلُوا وَارْعَوْا أَنْعَامَكُمْ ۗ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَآيَاتٍ لِّأُولِي النُّهَىٰ (54) Idyai uye muve munofudza zvipfuyo zvenyu! Zvirokwazvo, imomo mune maAayaat (zviratidzo) kune vanhu vanonzwisisa |
۞ مِنْهَا خَلَقْنَاكُمْ وَفِيهَا نُعِيدُكُمْ وَمِنْهَا نُخْرِجُكُمْ تَارَةً أُخْرَىٰ (55) Kubva mairi (nyika) takakusikai, uyezve imomo (mudumbu menyika/ivhu) tichakudzoserai, uye zvekare kubvamo (mudumbu menyika/muvhu) tichakuburitsai neimwe nguva |
وَلَقَدْ أَرَيْنَاهُ آيَاتِنَا كُلَّهَا فَكَذَّبَ وَأَبَىٰ (56) Zvirokwazvo, (Farawo) takamuratidza maAayaat edu (zviratidzo zvedu), asi akaramba uye akapokana nazvo |
قَالَ أَجِئْتَنَا لِتُخْرِجَنَا مِنْ أَرْضِنَا بِسِحْرِكَ يَا مُوسَىٰ (57) (Iye Farawo) akati: “Asi wauya kuzotiburitsa munyika medu (kuti pamba) kuburikidza nehuroyi hwako (mapipi ako), nhai iwe Musa?” |
فَلَنَأْتِيَنَّكَ بِسِحْرٍ مِّثْلِهِ فَاجْعَلْ بَيْنَنَا وَبَيْنَكَ مَوْعِدًا لَّا نُخْلِفُهُ نَحْنُ وَلَا أَنتَ مَكَانًا سُوًى (58) “Uye zvirokwazvo tinokwanisa kukuvigira mapipi akafanana neaya. Naizvozvo gadzira chibvumirano (chokusangana) pakati pedu newe, icho hatizombochityori isu kana iwe zvekare, panzvimbo iri pachena iyo yatichakwanisa kuita zvakaenzana (uye vaoni vachinyatsoona makwikwi nekupupura).” |
قَالَ مَوْعِدُكُمْ يَوْمُ الزِّينَةِ وَأَن يُحْشَرَ النَّاسُ ضُحًى (59) (Musa) ndokuti: “Nguva yekusangana pachibvumirano chenyu izuva remabiko, uye vanhu ngavaunganidzwe mangwanani (zuva rabuda).” |
فَتَوَلَّىٰ فِرْعَوْنُ فَجَمَعَ كَيْدَهُ ثُمَّ أَتَىٰ (60) Naizvozvo (Farawo) akashozhonoka (akatendeuka), ndokuunganidza zvipandwa zvake (mapangano ake), pedzezvo ndokuuya (ndokudzoka) |
قَالَ لَهُم مُّوسَىٰ وَيْلَكُمْ لَا تَفْتَرُوا عَلَى اللَّهِ كَذِبًا فَيُسْحِتَكُم بِعَذَابٍ ۖ وَقَدْ خَابَ مَنِ افْتَرَىٰ (61) Musa akati kwavari: “Marwadzo kwamuri (Chenjerai)! Musave munovambira Allah manyepo, vangangokuparadzai nemurango. Uye muvambi wemanyepo (pamusoro paAllah), achave anokundikana zvikuru.” |
فَتَنَازَعُوا أَمْرَهُم بَيْنَهُمْ وَأَسَرُّوا النَّجْوَىٰ (62) Naizvozvo vakave vanoita mapisha-pisha (mapokano) pachisungo chavo pakati pavo, zvekare vakachengetedza chivere-vere (chavo) |
قَالُوا إِنْ هَٰذَانِ لَسَاحِرَانِ يُرِيدَانِ أَن يُخْرِجَاكُم مِّنْ أَرْضِكُم بِسِحْرِهِمَا وَيَذْهَبَا بِطَرِيقَتِكُمُ الْمُثْلَىٰ (63) Vakati: “Zvirokwazvo, vaviri ava ndivo varoyi. Varikuda kukuburitsai (kukupambai) kubva munyika yenyu kuburikidza nemashiripiti avo, pamwe nokuenda nenzira yenyu yepamusoro-soro (kukutorerai vokanda kure nzira yenyu).” |
فَأَجْمِعُوا كَيْدَكُمْ ثُمَّ ائْتُوا صَفًّا ۚ وَقَدْ أَفْلَحَ الْيَوْمَ مَنِ اسْتَعْلَىٰ (64) “Naizvozvo unganidzai zvipandwa zvenyu (mapangano enyu), pedzezvo mouya moita mutsetse. Zvekare uyo achakunda muzuva ranhasi achabudirira.” |
قَالُوا يَا مُوسَىٰ إِمَّا أَن تُلْقِيَ وَإِمَّا أَن نَّكُونَ أَوَّلَ مَنْ أَلْقَىٰ (65) Vakati: “Iwe Musa! (Zviri paviri) wotanga kukanda kana kuti isu tova vokutanga kukanda?” |
قَالَ بَلْ أَلْقُوا ۖ فَإِذَا حِبَالُهُمْ وَعِصِيُّهُمْ يُخَيَّلُ إِلَيْهِ مِن سِحْرِهِمْ أَنَّهَا تَسْعَىٰ (66) (Musa) ndokuti: “Asi kandai zvenyu (kwekutanga)!” Chiriporipotyo, tambo dzavo netsvimbo dzavo nemapipi avo dzakasutsa kwaari sokunge dzaizvongonyoka nekukurumidza |
فَأَوْجَسَ فِي نَفْسِهِ خِيفَةً مُّوسَىٰ (67) Saka Musa akave nekutya muhana make |
قُلْنَا لَا تَخَفْ إِنَّكَ أَنتَ الْأَعْلَىٰ (68) Isu (Allah) takabva tati: “Usave unotya! Zvirokwazvo, iwewe uchave pamusoro (uchakunda).” |
وَأَلْقِ مَا فِي يَمِينِكَ تَلْقَفْ مَا صَنَعُوا ۖ إِنَّمَا صَنَعُوا كَيْدُ سَاحِرٍ ۖ وَلَا يُفْلِحُ السَّاحِرُ حَيْثُ أَتَىٰ (69) “Uye kanda pasi chiri muruoko rwako rwekurudyi! Chichamedza (zvose) zvavagadzira. Zvirokwazvo, vagadzira pangano (chipandwa) rehuroyi, zvekare munhu wemashiripiti haabudirire kose kwaanouya nako (nehunyanzvi wake).” |
فَأُلْقِيَ السَّحَرَةُ سُجَّدًا قَالُوا آمَنَّا بِرَبِّ هَارُونَ وَمُوسَىٰ (70) Naizvozvo vaiti vemapipi vose vakadonhera pasi vakagwadaira ndokuti: “Tinotenda munaTenzi vaHaaroon (Aroni) naMusa.” |
قَالَ آمَنتُمْ لَهُ قَبْلَ أَنْ آذَنَ لَكُمْ ۖ إِنَّهُ لَكَبِيرُكُمُ الَّذِي عَلَّمَكُمُ السِّحْرَ ۖ فَلَأُقَطِّعَنَّ أَيْدِيَكُمْ وَأَرْجُلَكُم مِّنْ خِلَافٍ وَلَأُصَلِّبَنَّكُمْ فِي جُذُوعِ النَّخْلِ وَلَتَعْلَمُنَّ أَيُّنَا أَشَدُّ عَذَابًا وَأَبْقَىٰ (71) (Farawo) ndokuti: “Matenda maari ndisati ndakubvumidzai? Zvirokwazvo, mukuru wenyu akakudzidzisai mashiripiti (kuita mapipi). Naizvozvo, ndichacheka-cheka maoko enyu zvekare nemakumbo enyu kubva kumativi akapesana (gumbo rerudyi neruoko rwekuruboshwe kana kuti mamwe mativi), zvekare ndichakukomererai pamahunde emadheti (Nakheel – michero yakada kungofanana neshumha asi kuti ihuru uye inotapira zvikuru), uye muchanyatsoziva kuti ndiani pakati pedu akaoma pamurango uye aneraramo isingaperi (pakati pangu ini Farawo naTenzi vaMusa - Allah).” |
قَالُوا لَن نُّؤْثِرَكَ عَلَىٰ مَا جَاءَنَا مِنَ الْبَيِّنَاتِ وَالَّذِي فَطَرَنَا ۖ فَاقْضِ مَا أَنتَ قَاضٍ ۖ إِنَّمَا تَقْضِي هَٰذِهِ الْحَيَاةَ الدُّنْيَا (72) Vakabva vati: “Hatimbokude kupinda (pane) zvauya kwatiri kubva muzviratidzo (zviri pachena) uyezve naAllah avo vakatisika. Naizvozvo, ipa chisungo chaunoda. Zvirokwazvo, iwewe unotonga zvehupenyu uno hwepanyika.” |
إِنَّا آمَنَّا بِرَبِّنَا لِيَغْفِرَ لَنَا خَطَايَانَا وَمَا أَكْرَهْتَنَا عَلَيْهِ مِنَ السِّحْرِ ۗ وَاللَّهُ خَيْرٌ وَأَبْقَىٰ (73) “Zvirokwazvo, tave tinotenda muna Tenzi vedu nekuda kokuti vatiregerere zvitadzo zvedu, zvekare (vatiregerere) kubva mune mashiripiti hwakatimanikidzira isu. Uyezve Allah vakanaka (kupinda Farawo mumibairo) uye vane raramo isingaperi.” |
إِنَّهُ مَن يَأْتِ رَبَّهُ مُجْرِمًا فَإِنَّ لَهُ جَهَنَّمَ لَا يَمُوتُ فِيهَا وَلَا يَحْيَىٰ (74) Zvirokwazvo, uyo anouya kuna Tenzi vake ari Mujrim (mutadzi, asingatendi muhumwechete hwaAllah achiita mabasa erima), naizvozvo zvirokwazvo, Gehena ndorake umo maasingambofi kana kurarama |
وَمَن يَأْتِهِ مُؤْمِنًا قَدْ عَمِلَ الصَّالِحَاتِ فَأُولَٰئِكَ لَهُمُ الدَّرَجَاتُ الْعُلَىٰ (75) Asi uyo anouya kwavari (Tenzi vake) ari mutendi (muhumwechete hwaAllah) apo anenge akaita mabasa akasvonaka, naizvozvo ndivavo vanenge vaine ukuru hwekumusoro-soro |
جَنَّاتُ عَدْنٍ تَجْرِي مِن تَحْتِهَا الْأَنْهَارُ خَالِدِينَ فِيهَا ۚ وَذَٰلِكَ جَزَاءُ مَن تَزَكَّىٰ (76) Mapindu eAdn (Paradhiso), umo nzizi dzinoerera pasi pawo (mapindu), uye vachagaramo zvamuchose. Uye uyu ndiwo mubairo weuyo anozvichenesa (anosiya kuita zvose zvakarambwa naAllah uye oita zvavakabvumidza) |
وَلَقَدْ أَوْحَيْنَا إِلَىٰ مُوسَىٰ أَنْ أَسْرِ بِعِبَادِي فَاضْرِبْ لَهُمْ طَرِيقًا فِي الْبَحْرِ يَبَسًا لَّا تَخَافُ دَرَكًا وَلَا تَخْشَىٰ (77) Zvirokwazvo, takaburutsa kuna Musa (kuti): “Famba rwendo nevaranda vangu usiku, uyezve ovarovera nzira yakaoma mugungwa, usingatombotye kukurirwa (naFarawo) kana kutya (kunyura mugungwa).” |
فَأَتْبَعَهُمْ فِرْعَوْنُ بِجُنُودِهِ فَغَشِيَهُم مِّنَ الْيَمِّ مَا غَشِيَهُمْ (78) Naizvozvo Farawo akavatevedza (akavasona) nemauto ake, ndokubva vafugidzwa (nemvura yemugungwa) ndokunyatsofugidzwa |
وَأَضَلَّ فِرْعَوْنُ قَوْمَهُ وَمَا هَدَىٰ (79) Uye Farawo akarasisa vanhu vake, uye haana kuvatungamirira (kunzira yakatwasuka) |
يَا بَنِي إِسْرَائِيلَ قَدْ أَنجَيْنَاكُم مِّنْ عَدُوِّكُمْ وَوَاعَدْنَاكُمْ جَانِبَ الطُّورِ الْأَيْمَنَ وَنَزَّلْنَا عَلَيْكُمُ الْمَنَّ وَالسَّلْوَىٰ (80) Imi vana vaIzirairi! Takave tinokubatsirai kubva kumhandu yenyu (Farawo), uyezve tikaita chitsidzo nemi padivi pekurudyi kwegomo, zvekare tikaburutsirai Al-Manna (chikafu chinozipa) neAs-Salwaa (Zvihuta) |
كُلُوا مِن طَيِّبَاتِ مَا رَزَقْنَاكُمْ وَلَا تَطْغَوْا فِيهِ فَيَحِلَّ عَلَيْكُمْ غَضَبِي ۖ وَمَن يَحْلِلْ عَلَيْهِ غَضَبِي فَقَدْ هَوَىٰ (81) (Tikati): “Idyai mune At-Tayyibaat (zvakanaka) zvatakupai, uye musaita zvisakarurama nazvo (At-Tayyibaat). Hasha dzangu dzingangokuwirai (kukumharai). Uye uyo anenge awirwa (amharwa) nehasha dzangu, anenge aparadzwa.” |
وَإِنِّي لَغَفَّارٌ لِّمَن تَابَ وَآمَنَ وَعَمِلَ صَالِحًا ثُمَّ اهْتَدَىٰ (82) Uye zvirokwazvo, ini ndiri muregereri kune uyo anokumbira ruregerero, uye anotenda (muhumwechete hwangu, asingandisanganise nezvimwe zvinhu mukundinamata), uye achiita mabasa akasvonaka, pedzezvo anoramba ari munzira yakatwasuka (kusvikira afuga rake oga – ashaya) |
۞ وَمَا أَعْجَلَكَ عَن قَوْمِكَ يَا مُوسَىٰ (83) “Uye chii chakukurumidzisa kubva kuvanhu vako, nhai Musa?” |
قَالَ هُمْ أُولَاءِ عَلَىٰ أَثَرِي وَعَجِلْتُ إِلَيْكَ رَبِّ لِتَرْضَىٰ (84) (Musa) ndokuti: “Vari pedyo panhanho (panhano) dzangu, uye ndakurumidza kuuya kwamuri, Tenzi vangu (Allah), kuti muve munofara.” |
قَالَ فَإِنَّا قَدْ فَتَنَّا قَوْمَكَ مِن بَعْدِكَ وَأَضَلَّهُمُ السَّامِرِيُّ (85) (Allah) ndokubva vati: “Naizvozvo zvirokwazvo, tave tinoedza vanhu vako mushure mako (usipo), uye As-Saamiriyy (Saamiri) ave anovarasisa (kuvabuditsa mugwara rakaswatuka).” |
فَرَجَعَ مُوسَىٰ إِلَىٰ قَوْمِهِ غَضْبَانَ أَسِفًا ۚ قَالَ يَا قَوْمِ أَلَمْ يَعِدْكُمْ رَبُّكُمْ وَعْدًا حَسَنًا ۚ أَفَطَالَ عَلَيْكُمُ الْعَهْدُ أَمْ أَرَدتُّمْ أَن يَحِلَّ عَلَيْكُمْ غَضَبٌ مِّن رَّبِّكُمْ فَأَخْلَفْتُم مَّوْعِدِي (86) Naizvozvo Musa akadzokera kuvanhu vake aine hasha nekusuruvara ndokuti: “Imi vanhu vangu! Tenzi venyu havana kukuvimbisai chivimbiso chakanaka here? Asi chivimbiso (ichi) chave nenguva yakareba here kwamuri? Kana kuti maida kuti hasha kubva kuna Tenzi venyu dzidzike pamuri nekutyora mhiko dzenyu kwandiri (nekusatenda muna Allah nekunamata kamhuru)?” |
قَالُوا مَا أَخْلَفْنَا مَوْعِدَكَ بِمَلْكِنَا وَلَٰكِنَّا حُمِّلْنَا أَوْزَارًا مِّن زِينَةِ الْقَوْمِ فَقَذَفْنَاهَا فَكَذَٰلِكَ أَلْقَى السَّامِرِيُّ (87) Vakati: “Hatina kutyora chitsidzo chako kwauri nekuda kwedu, asi kuti takatakuriswa mitoro kubva muzvinemo zvevanhu (vaFarawo), naizvozvo, takazvikanda (mumoto), izvo ndizvo zvakaitwa naSaamiri.” |
فَأَخْرَجَ لَهُمْ عِجْلًا جَسَدًا لَّهُ خُوَارٌ فَقَالُوا هَٰذَا إِلَٰهُكُمْ وَإِلَٰهُ مُوسَىٰ فَنَسِيَ (88) Ndokubva (Samiri) avaburitsira (kubva mumoto) (chipamaso) chemhuru (chakanga) chine muviri waiburitsa murikitira wokukuma. Ndokubva vati: “Ichi ndicho (ilaah) mwari wenyu pamwe na (ilaah) mwari waMusa, asi kungoti (Musa) akanganwa (mwari wake).” |
أَفَلَا يَرَوْنَ أَلَّا يَرْجِعُ إِلَيْهِمْ قَوْلًا وَلَا يَمْلِكُ لَهُمْ ضَرًّا وَلَا نَفْعًا (89) Havana kuona kuti (mhuru iya) yakanga isingadzoseri (kana) nezwi kwavari, uye yakanga isina simba rokuvakuvadza kana kuvaitira zvakanaka |
وَلَقَدْ قَالَ لَهُمْ هَارُونُ مِن قَبْلُ يَا قَوْمِ إِنَّمَا فُتِنتُم بِهِ ۖ وَإِنَّ رَبَّكُمُ الرَّحْمَٰنُ فَاتَّبِعُونِي وَأَطِيعُوا أَمْرِي (90) Zvirokwazvo, Haaroon (Aroni) ange ataura kwavari kubva kare (akati): “Imi vanhu vangu! Zvirokwazvo, murikutoedzwa kuburikidza nayo (mhuru), uye zvirokwazvo, Tenzi venyu (ndeavo) vane nyasha zhinji, naizvozvo, nditeverei moteerera murau wangu.” |
قَالُوا لَن نَّبْرَحَ عَلَيْهِ عَاكِفِينَ حَتَّىٰ يَرْجِعَ إِلَيْنَا مُوسَىٰ (91) Vakati: “Hatizi kuzombomira kuinamata (mhuru iyi) kusvikira Musa adzoka kwatiri.” |
قَالَ يَا هَارُونُ مَا مَنَعَكَ إِذْ رَأَيْتَهُمْ ضَلُّوا (92) (Musa) ndokuti: “Iwe Haaroon (Aroni)! Chii chakakutadzisa apo pawakavaona vachirasika |
أَلَّا تَتَّبِعَنِ ۖ أَفَعَصَيْتَ أَمْرِي (93) Kunditevera? Asi wakaramba kuteerera murairo wangu?” |
قَالَ يَا ابْنَ أُمَّ لَا تَأْخُذْ بِلِحْيَتِي وَلَا بِرَأْسِي ۖ إِنِّي خَشِيتُ أَن تَقُولَ فَرَّقْتَ بَيْنَ بَنِي إِسْرَائِيلَ وَلَمْ تَرْقُبْ قَوْلِي (94) Iye Haaroon (Aroni)) ndokuti: “Iwe mwana waamai vangu! Usave unondidhonza nendebvu dzangu kana nemusoro wangu? Zvirokwazvo, ndakatya kuti uchazoti: ‘Wakaparadzanisa pakati pevana vaIzrairi, uye hauna kuremekedza (izwi) shoko rangu.’” |
قَالَ فَمَا خَطْبُكَ يَا سَامِرِيُّ (95) (Musa) ndokuti: “Ko chiiko chakunetsa, nhai iwe Samiri (wakazviitirei zvawakaita)?” |
قَالَ بَصُرْتُ بِمَا لَمْ يَبْصُرُوا بِهِ فَقَبَضْتُ قَبْضَةً مِّنْ أَثَرِ الرَّسُولِ فَنَبَذْتُهَا وَكَذَٰلِكَ سَوَّلَتْ لِي نَفْسِي (96) (Samiri) ndokuti: “Ndakaona zvavasina kuona, naizvozvo ndakanokora ruoko rumwe (rwevhu) kubva pajakanya yemutumwa (pakanga patsika bhiza remutumwa Gabriel hwanda dzaro), ndokubva ndaakanda (mumoto umo makaiswa zvinokosha zvevanhu vaFarawo). Uye saizvozvo, ndizvo zvakarongwa nemoyo (nemuviri) wangu.” |
قَالَ فَاذْهَبْ فَإِنَّ لَكَ فِي الْحَيَاةِ أَن تَقُولَ لَا مِسَاسَ ۖ وَإِنَّ لَكَ مَوْعِدًا لَّن تُخْلَفَهُ ۖ وَانظُرْ إِلَىٰ إِلَٰهِكَ الَّذِي ظَلْتَ عَلَيْهِ عَاكِفًا ۖ لَّنُحَرِّقَنَّهُ ثُمَّ لَنَنسِفَنَّهُ فِي الْيَمِّ نَسْفًا (97) (Musa) ndokuti: “Naizvozvo chienda (ibva pano)! Uye zvirokwazvo, muhupenyu hwako, (mutongo wako) ndewekuti unenge uchiti (kune vanhu): ‘Musandibate (uchagara wega uye hapana anenge achida kuva newe); uye zvirokwazvo, (muhupenyu hwako) uchava nechitsidzo chisingatyorwi. Uye chitarisa kuna Ilaah (mwari) wako uyo wawanga uchinamata (pose apa). Zvirokwazvo, tichachipisa, pedzezvo tichachimwararira mugungwa zviri zvimadota-dota tsengwerengwe semhande.’” |
إِنَّمَا إِلَٰهُكُمُ اللَّهُ الَّذِي لَا إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ ۚ وَسِعَ كُلَّ شَيْءٍ عِلْمًا (98) Zvirokwazvo, Mwari vako ndiAllah, avo Laa ilaaha illa Huwa (Hakuna chimwe chinhu chinofanirwa kunamatwa kunze kwavo (Allah)). Ruzivo (rwaAllah) rwakatambanuka pazvose (Allah vanoziva zvose) |
كَذَٰلِكَ نَقُصُّ عَلَيْكَ مِنْ أَنبَاءِ مَا قَدْ سَبَقَ ۚ وَقَدْ آتَيْنَاكَ مِن لَّدُنَّا ذِكْرًا (99) Saizvozvo, tinokurondedzera (iwe Muhammad (SAW)) nyaya dzakaitika usati wavepo. Uye zvirokwazvo, tave tinokupa yeuchidzo (Qur’aan irori) kubva kwatiri mbune |
مَّنْ أَعْرَضَ عَنْهُ فَإِنَّهُ يَحْمِلُ يَوْمَ الْقِيَامَةِ وِزْرًا (100) Uyo achave anoshozhonoka kubva kwariri (Qur’aan irori) – (uyo achave anoramba kutevedzera zvarinotaura), zvirokwazvo, achasenga mutoro unorema) wezvitadzo pazuva rekumutswa kwevafi |
خَالِدِينَ فِيهِ ۖ وَسَاءَ لَهُمْ يَوْمَ الْقِيَامَةِ حِمْلًا (101) Vachagara (vacharamba) vakadaro. Kwavari kushata ndekweizvo zvavanenge vakasenga pazuva rokumutswa |
يَوْمَ يُنفَخُ فِي الصُّورِ ۚ وَنَحْشُرُ الْمُجْرِمِينَ يَوْمَئِذٍ زُرْقًا (102) Zuva (iro) hwamanda paicharidzwa (kechipiri), pazuva iroro tichaunganidza maMujrimoon (vabati vemabasa akaipa) vakapofomara nenyota |
يَتَخَافَتُونَ بَيْنَهُمْ إِن لَّبِثْتُمْ إِلَّا عَشْرًا (103) Vachazevezerana nezwi riri pasi (vachiti): “Hamuna kurarama (kugara) kunze kwemazuva gumi.” |
نَّحْنُ أَعْلَمُ بِمَا يَقُولُونَ إِذْ يَقُولُ أَمْثَلُهُمْ طَرِيقَةً إِن لَّبِثْتُمْ إِلَّا يَوْمًا (104) Isu tinonyatsozivisisa izvo zvavachataura, apo uyo anoziva kudarika vose (uye ane hungwaru kudarika vose) (achati): “Hamuna kurarama kunze kwezuva (rimwechete)!” |
وَيَسْأَلُونَكَ عَنِ الْجِبَالِ فَقُلْ يَنسِفُهَا رَبِّي نَسْفًا (105) Uye vanokubvunza maererano nemakomo. Naizvozvo iti: “Tenzi vangu vachave vanowaparadza paradzo yechokwadi kusara angova huruva.” |
فَيَذَرُهَا قَاعًا صَفْصَفًا (106) “Pedzezvo, (Allah) vachamasiya (makomo) akati chechetere (ware-ware) akanyatsodzauka (akasandarika).” |
لَّا تَرَىٰ فِيهَا عِوَجًا وَلَا أَمْتًا (107) “Hamumboonemo kutsveyama kana kuminama.” |
يَوْمَئِذٍ يَتَّبِعُونَ الدَّاعِيَ لَا عِوَجَ لَهُ ۖ وَخَشَعَتِ الْأَصْوَاتُ لِلرَّحْمَٰنِ فَلَا تَسْمَعُ إِلَّا هَمْسًا (108) Zuva iroro (vanhu) vachanyatsotevedzera (izwi) romushauri mushevedzeri (waAllah) nerumano (zvisina kutamba mukati) zvisina kutsveyama (mukati). Mazwi (ose) achazvininipisa kune vane ngoni zhinji (Allah), naizvozvo haumbonzwe (kana chii zvacho) kunze kwemitsindo yavo |
يَوْمَئِذٍ لَّا تَنفَعُ الشَّفَاعَةُ إِلَّا مَنْ أَذِنَ لَهُ الرَّحْمَٰنُ وَرَضِيَ لَهُ قَوْلًا (109) Pazuva iroro reverero haizobatsira, kunze kwe uyo anenge abvumidzwa neavo vane ngoni zhinji (Allah) uye wavanenge vafadzwa neshoko rake |
يَعْلَمُ مَا بَيْنَ أَيْدِيهِمْ وَمَا خَلْفَهُمْ وَلَا يُحِيطُونَ بِهِ عِلْمًا (110) (Allah) vanoziva izvo zvinoitika kwavari (zvisikwa zvavo Allah) panyika pano, uye zvichazoitika kwavari (muhupenyu hwamangwana), asi ivo havatombokwanisa kutenderedza (kana chii zvacho) cheruzivo rwavo (Allah) |
۞ وَعَنَتِ الْوُجُوهُ لِلْحَيِّ الْقَيُّومِ ۖ وَقَدْ خَابَ مَنْ حَمَلَ ظُلْمًا (111) Uyezve zviso (zvose) zvichazvininipisa pamberi (paAllah) Al-Hayyul Qayyoom (Vane hupenyu husingaperi, avo vanopa raramo kuzvisikwa uyezve vanodzivirira). Uye uyo akasenga mabasa akaipa ehudzvanyiriri, achave anokundikana zvirokwazvo (pazuva iroro) |
وَمَن يَعْمَلْ مِنَ الصَّالِحَاتِ وَهُوَ مُؤْمِنٌ فَلَا يَخَافُ ظُلْمًا وَلَا هَضْمًا (112) Zvekare uyo anoita mabasa akanaka, apo ari mutendi (muMuslim anonamata Allah mumwe chete), naizvozvo, haazombotya hudzvanyiriri kana kumiswa (kwemubairo wake) |
وَكَذَٰلِكَ أَنزَلْنَاهُ قُرْآنًا عَرَبِيًّا وَصَرَّفْنَا فِيهِ مِنَ الْوَعِيدِ لَعَلَّهُمْ يَتَّقُونَ أَوْ يُحْدِثُ لَهُمْ ذِكْرًا (113) Uye saizvozvo, takariburutsa Qur’aan muchiArabhu, zvekare tikatsananguramo yambiro muhurefu kuti dzimweni dzenguva vangatye (Allah), kana kuti (Qur’aan rino rive) rinovaita kuti vayeuke |
فَتَعَالَى اللَّهُ الْمَلِكُ الْحَقُّ ۗ وَلَا تَعْجَلْ بِالْقُرْآنِ مِن قَبْلِ أَن يُقْضَىٰ إِلَيْكَ وَحْيُهُ ۖ وَقُل رَّبِّ زِدْنِي عِلْمًا (114) Naizvozvo, pamusoro-soro pezvose pana Allah, Mambo vechokwadi. Uye usave unokurumidza neQur’aan (iwe Muhammad (SAW)) burutso yaro isati yapedzwa kwauri, zvekare iva unoti: “Tenzi vangu (Allah)! Ndiwedzereiwo ruzivo.” |
وَلَقَدْ عَهِدْنَا إِلَىٰ آدَمَ مِن قَبْلُ فَنَسِيَ وَلَمْ نَجِدْ لَهُ عَزْمًا (115) Uye zvirokwazvo takave tinotsiidzirana naAdam makare, asi akakanganwa, zvekare hatina kuwana simba rokuda maari |
وَإِذْ قُلْنَا لِلْمَلَائِكَةِ اسْجُدُوا لِآدَمَ فَسَجَدُوا إِلَّا إِبْلِيسَ أَبَىٰ (116) Zvekare (rangarira) apo patakati kungirozi: “Gwadamirai Adam!” Naizvozvo (ngirozi) dzakagwadama (dzese) kunze kwaIblees (Satani) akaramba |
فَقُلْنَا يَا آدَمُ إِنَّ هَٰذَا عَدُوٌّ لَّكَ وَلِزَوْجِكَ فَلَا يُخْرِجَنَّكُمَا مِنَ الْجَنَّةِ فَتَشْقَىٰ (117) Naizvozvo takati: “Iwe Adam! Zvirokwazvo, uyu (Satani) muvengi wako uyezve kumudzimai wako. Naizvozvo ngaasave anokubuditsai muri vaviri (Adam naHawwa (Evha)) kubva muParadhiso, kuti uve unoshushikana.” |
إِنَّ لَكَ أَلَّا تَجُوعَ فِيهَا وَلَا تَعْرَىٰ (118) “Zvirokwazvo, (chitsiidzo chaTenzi venyu Allah kuti) hamuziye nenzara imomo (muParadhiso) kana kuve muhwi.” |
وَأَنَّكَ لَا تَظْمَأُ فِيهَا وَلَا تَضْحَىٰ (119) “Zvekare hamumbonzwa nyota imomo (muParadhiso) kana (kutambudzika kubva) mukupisa kwezuva.” |
فَوَسْوَسَ إِلَيْهِ الشَّيْطَانُ قَالَ يَا آدَمُ هَلْ أَدُلُّكَ عَلَىٰ شَجَرَةِ الْخُلْدِ وَمُلْكٍ لَّا يَبْلَىٰ (120) Pedzezvo Shaytaan (Satani) akazevezera kwaari achiti: “Iwe Adam! Ndingakutungamira here kune muti unopa raramo isingaperi uye kune humambo husingaperi?” |
فَأَكَلَا مِنْهَا فَبَدَتْ لَهُمَا سَوْآتُهُمَا وَطَفِقَا يَخْصِفَانِ عَلَيْهِمَا مِن وَرَقِ الْجَنَّةِ ۚ وَعَصَىٰ آدَمُ رَبَّهُ فَغَوَىٰ (121) Pedzezvo vakadya vari vaviri (Adam naHawwa (Evha)) kubvamo (mumuti), naizvozvo nhengo dzavo (dzemuviri) dzakatanga kuoneka kwavari, uye (vaviri ava) vakatanga kuzvifugidza nemashizha emuParadhiso. Saizvozvo Adam haana kuteerera Tenzi vake (Allah), ndokurasika |
ثُمَّ اجْتَبَاهُ رَبُّهُ فَتَابَ عَلَيْهِ وَهَدَىٰ (122) Pedzezvo Tenzi vake (Allah) vakamusarudza, uye vakatambira (chikumbiro) (che) ruregerero, ndokumutungamira |
قَالَ اهْبِطَا مِنْهَا جَمِيعًا ۖ بَعْضُكُمْ لِبَعْضٍ عَدُوٌّ ۖ فَإِمَّا يَأْتِيَنَّكُم مِّنِّي هُدًى فَمَنِ اتَّبَعَ هُدَايَ فَلَا يَضِلُّ وَلَا يَشْقَىٰ (123) (Allah) vakati: “Burukai (zvenyu) muri vaviri (kubva muParadhiso muchienda panyika) mose, vamwe venyu vari mhandu kune vamwe. Naizvozvo kana nhungamiriro yauya kwamuri kubva kwandiri, nokudaro uyo achatevera nhungamiriro yangu haarasike kana kushushikana.” |
وَمَنْ أَعْرَضَ عَن ذِكْرِي فَإِنَّ لَهُ مَعِيشَةً ضَنكًا وَنَحْشُرُهُ يَوْمَ الْقِيَامَةِ أَعْمَىٰ (124) “Uyezve uyo anenge ashozhonoko (afuratira) yeuchidzo yangu (acharamba kutenda kana kutevedzera Qur’aan), zvirokwazvo, achave neraramo yakaoma, uye tichamumutsa (kubva kuvafi) pazuva rokumutswa ari bofu.” |
قَالَ رَبِّ لِمَ حَشَرْتَنِي أَعْمَىٰ وَقَدْ كُنتُ بَصِيرًا (125) Achati: “Tenzi vangu (Allah)! Nemhaka yei mandimutsa (kubva kuvafi) ndiri bofu, apo ndaiwona (ndiri panyika)?” |
قَالَ كَذَٰلِكَ أَتَتْكَ آيَاتُنَا فَنَسِيتَهَا ۖ وَكَذَٰلِكَ الْيَوْمَ تُنسَىٰ (126) (Allah) vachati: “Saizvozvo, ndima (zviratidzo zvedu) dzedu dzakauya kwauri, asi ukadzikanganwa, uye saizvozvo zvirokwazvo muzuva ranhasi uchave unokanganwikwawo.” |
وَكَذَٰلِكَ نَجْزِي مَنْ أَسْرَفَ وَلَمْ يُؤْمِن بِآيَاتِ رَبِّهِ ۚ وَلَعَذَابُ الْآخِرَةِ أَشَدُّ وَأَبْقَىٰ (127) Uye saizvozvo tinotusa (tinopa mubairo) uyo anopfurikidza (miganhu, mirau yaAllah), zvekare (uyo) asingatendi mumaAayaat (zviratidzo, zvidzidziso, ndima, umboo) aTenzi vake, uye murango wekuAakhirah (hupenyu hwamangwana) hwakaoma uyezve hwurefu |
أَفَلَمْ يَهْدِ لَهُمْ كَمْ أَهْلَكْنَا قَبْلَهُم مِّنَ الْقُرُونِ يَمْشُونَ فِي مَسَاكِنِهِمْ ۗ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَآيَاتٍ لِّأُولِي النُّهَىٰ (128) Aisi tungamiriro (yakatwasuka) kwavari here kukwanisa kuziva kuti zvizvarwa zvingani zvatakaparadza ivo vasati vavepo, izvo mudzimba dzazvo varikufamba? Zvirokwazvo, mune maAayaat (zviratidzo, zvidzidzo, uchapupu, umboo) kune vanhu vanonzwisisa |
وَلَوْلَا كَلِمَةٌ سَبَقَتْ مِن رَّبِّكَ لَكَانَ لِزَامًا وَأَجَلٌ مُّسَمًّى (129) Uyezve ingadai risiri izwi rakatanga kubva kuna Tenzi vako (Allah) nenguva yakatarwa, (murango wavo) ungadai wakatouya (kuzovaranga panyika pano) |
فَاصْبِرْ عَلَىٰ مَا يَقُولُونَ وَسَبِّحْ بِحَمْدِ رَبِّكَ قَبْلَ طُلُوعِ الشَّمْسِ وَقَبْلَ غُرُوبِهَا ۖ وَمِنْ آنَاءِ اللَّيْلِ فَسَبِّحْ وَأَطْرَافَ النَّهَارِ لَعَلَّكَ تَرْضَىٰ (130) Naizvozvo iva unotsungirira (Iwe Muhammad (SAW)) pane zvose zvavanotaura, uyezve iva unorumbidza rumbidzo yaTenzi vako zuva risati rabuda uyezve risati ranyura, uyezve kubva munguva dzeusiku rumbidza, uyezve panoperera zuva (zvichireva minamato mishanu pazuva), dzimweni dzenguva ungangofadzwa (nemubairo waTenzi vako, Allah) |
وَلَا تَمُدَّنَّ عَيْنَيْكَ إِلَىٰ مَا مَتَّعْنَا بِهِ أَزْوَاجًا مِّنْهُمْ زَهْرَةَ الْحَيَاةِ الدُّنْيَا لِنَفْتِنَهُمْ فِيهِ ۚ وَرِزْقُ رَبِّكَ خَيْرٌ وَأَبْقَىٰ (131) Uyezve usave unonetsekana nekuvhurisa maziso ako nekuda kuti uone izvo zvinonakidza zvatakapa mapoka akasiyana, maruva enyika, kuti tigovayedza kuburikidza nazvo. Uye raramo yaTenzi vako (mubairo wakanaka muhupenyu hwemangwana) yakanakisisa uye haipere |
وَأْمُرْ أَهْلَكَ بِالصَّلَاةِ وَاصْطَبِرْ عَلَيْهَا ۖ لَا نَسْأَلُكَ رِزْقًا ۖ نَّحْنُ نَرْزُقُكَ ۗ وَالْعَاقِبَةُ لِلتَّقْوَىٰ (132) Uyezve iva unokomekedza Swalaah (Munamato) kumhuri yako, uye wova unotsungirira pairi. Hatikukumbire Rizq (Raramo), asi isu tisu tinotokupa (Rizq). Uye magumo akanaka ndeeavo vanotya Allah |
وَقَالُوا لَوْلَا يَأْتِينَا بِآيَةٍ مِّن رَّبِّهِ ۚ أَوَلَمْ تَأْتِهِم بَيِّنَةُ مَا فِي الصُّحُفِ الْأُولَىٰ (133) Uye vanoti: “Ko nemhaka yei asingatiunzire Aayah (Umboo, Chiratidzo) kubva kuna Tenzi vake?” Hauna kuuya here kwavari humboo uyo uri mumashizha ekutanga (Mabhuku eTorah neInjeel (Vhangeri), maererano nekuuya kwaMuhammad (SAW) |
وَلَوْ أَنَّا أَهْلَكْنَاهُم بِعَذَابٍ مِّن قَبْلِهِ لَقَالُوا رَبَّنَا لَوْلَا أَرْسَلْتَ إِلَيْنَا رَسُولًا فَنَتَّبِعَ آيَاتِكَ مِن قَبْلِ أَن نَّذِلَّ وَنَخْزَىٰ (134) Uye ingadai takavaparadza makare uyu haasati auya (Muhammad (SAW)) nemurango, zvirokwazvo vaizoti: “Tenzi vedu (Allah)! Ingadai makatitumira mutumwa, chokwadi tingadai takatevedzera maAayaat (ndima, zvidzidzo, umboo) enyu (Allah) kubva kare kare tisati tadzikisirwa nekunyadziswa.” |
قُلْ كُلٌّ مُّتَرَبِّصٌ فَتَرَبَّصُوا ۖ فَسَتَعْلَمُونَ مَنْ أَصْحَابُ الصِّرَاطِ السَّوِيِّ وَمَنِ اهْتَدَىٰ (135) Iti (iwe Muhammad (SAW)): “(Mutendi neasingatendi) mumwe nemumwe akamirira, naizvozvo miriraiwo, uye muchazoziva henyu kuti ndivanaani vari munzira yakaswatuka (Islaam) uye ndivanaani vakatungamirwa (kunzira yakatwasuka yeIslaam).” |