﴿وَمَا جَعَلۡنَآ أَصۡحَٰبَ ٱلنَّارِ إِلَّا مَلَٰٓئِكَةٗۖ وَمَا جَعَلۡنَا عِدَّتَهُمۡ إِلَّا فِتۡنَةٗ لِّلَّذِينَ كَفَرُواْ لِيَسۡتَيۡقِنَ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡكِتَٰبَ وَيَزۡدَادَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِيمَٰنٗا وَلَا يَرۡتَابَ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡكِتَٰبَ وَٱلۡمُؤۡمِنُونَ وَلِيَقُولَ ٱلَّذِينَ فِي قُلُوبِهِم مَّرَضٞ وَٱلۡكَٰفِرُونَ مَاذَآ أَرَادَ ٱللَّهُ بِهَٰذَا مَثَلٗاۚ كَذَٰلِكَ يُضِلُّ ٱللَّهُ مَن يَشَآءُ وَيَهۡدِي مَن يَشَآءُۚ وَمَا يَعۡلَمُ جُنُودَ رَبِّكَ إِلَّا هُوَۚ وَمَا هِيَ إِلَّا ذِكۡرَىٰ لِلۡبَشَرِ ﴾
[المُدثر: 31]
Uye hatina kuisa vamwe sevachengetedzi veJahannam kunze kwengirozi. Uye takave tinotara huwandu hwadzo (19) semuyedzo kune (avo) vasingatendi, nechinangwa chokuti avo vakapuhwa Bhuku (Gwaro) (maJudha nemaKristu) vave nechokwadi nazvo (kuti Qur’aan irori ndere chokwadi uyezve rine chokwadi chose nekuwirirana neMabhuku (Taurah, Injeel) panyaya dzouwandu wengirozi dziri pamusoro peJahannam (19)), uye kuti vatendi vave vanowedzera kutenda (Iymaan) kwavo, zvekare vanhu veBhuku pamwe nevatendi kuti vasave nokusagutsikana, uye kuti avo vane chirwere (chehunyengedzi) mumoyo yavo pamwe neavo vasingatendi vataure kuti: “Ko Allah vanodeiko kuburikidza nemuenzaniso uyu?” Saizvozvo Allah vanorasisa uyo wavanoda pamwe nekutungamirira wavanoda (mugwara rakaswatuka). Uye hakuna anoziva mauto aTenzi vako (Allah) kunze kwavo chete. Zvekare (Gehena iri) hapana zvariri kunze kwekuti (iyambiro) iyeuchidzo kune vanhu
ترجمة: وما جعلنا أصحاب النار إلا ملائكة وما جعلنا عدتهم إلا فتنة للذين, باللغة الشونا
﴿وما جعلنا أصحاب النار إلا ملائكة وما جعلنا عدتهم إلا فتنة للذين﴾ [المُدثر: 31]