القرآن باللغة الشونا - سورة الفاتحة مترجمة إلى اللغة الشونا، Surah Fatiha in Shona. نوفر ترجمة دقيقة سورة الفاتحة باللغة الشونا - Shona, الآيات 7 - رقم السورة 1 - الصفحة 1.
بِسْمِ اللَّهِ الرَّحْمَٰنِ الرَّحِيمِ (1) Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni |
الْحَمْدُ لِلَّهِ رَبِّ الْعَالَمِينَ (2) Kurumbidzwa nekutendwa kwese ngakuve kuna Allah, Tenzi venyika dzese (zvisikwa zvese: vanhu, maJinn nezvese zviripo) |
الرَّحْمَٰنِ الرَّحِيمِ (3) Vane Tsitsi zhinji, neNgoni zhinji |
مَالِكِ يَوْمِ الدِّينِ (4) Muridzi (Mutongi) wezuva rekutongwa (zuva rekumutswa kwevakafa) |
إِيَّاكَ نَعْبُدُ وَإِيَّاكَ نَسْتَعِينُ (5) Imi moga ndimi vatinonamata, uye imi mega ndimi vatinokumbira rubatsiro (rwazvose) |
اهْدِنَا الصِّرَاطَ الْمُسْتَقِيمَ (6) Titungamirirei munzira yakatwasuka |
صِرَاطَ الَّذِينَ أَنْعَمْتَ عَلَيْهِمْ غَيْرِ الْمَغْضُوبِ عَلَيْهِمْ وَلَا الضَّالِّينَ (7) Nzira yeavo vamakapa makomborero (vatumwa, maporofita, nevaiti vezvakanaka), kwete nzira yeavo vamakatsamwira, kana yeavo vakarasika |