يس (1) Yaa – Seen. (Aya mavara mamwe ezvishamiso zveQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kusara kwaAllah) |
وَالْقُرْآنِ الْحَكِيمِ (2) Ndinopika neQur’aan rizere nehuchenjeri (Mitemo nehumboo) |
إِنَّكَ لَمِنَ الْمُرْسَلِينَ (3) Chokwadi, iwe (Muhammad (SAW)) uri mumwe wevatumwa |
عَلَىٰ صِرَاطٍ مُّسْتَقِيمٍ (4) Munzira yakatwasuka (Islaam) |
تَنزِيلَ الْعَزِيزِ الرَّحِيمِ (5) (Iyi ibvundunuro) yakatumirwa pasi naSamasimba, vane nyasha zhinji |
لِتُنذِرَ قَوْمًا مَّا أُنذِرَ آبَاؤُهُمْ فَهُمْ غَافِلُونَ (6) Kuti ukwanise kuyambira vanhu avo madzibaba avo haana kunge akayambirwa, nokudaro havateereri (havana hanya) |
لَقَدْ حَقَّ الْقَوْلُ عَلَىٰ أَكْثَرِهِمْ فَهُمْ لَا يُؤْمِنُونَ (7) Zvirokwazvo, shoko (remutongo) rabuda pachena richipokana nevazhinji vavo, saka havasi kuzombotenda |
إِنَّا جَعَلْنَا فِي أَعْنَاقِهِمْ أَغْلَالًا فَهِيَ إِلَى الْأَذْقَانِ فَهُم مُّقْمَحُونَ (8) Zvirokwazvo, tavatakudza changadzo muhuro dzavo kusvikira muzvirebvu, muzvirokwazvo kuitira kuti misoro yavo irambe yakasimudzwa mudenga |
وَجَعَلْنَا مِن بَيْنِ أَيْدِيهِمْ سَدًّا وَمِنْ خَلْفِهِمْ سَدًّا فَأَغْشَيْنَاهُمْ فَهُمْ لَا يُبْصِرُونَ (9) Uye takave tinoisa muganhu mumashure mavo uye takaisa muganhu pakati pavo, uye takavaputira kuitira kuti vasaone |
وَسَوَاءٌ عَلَيْهِمْ أَأَنذَرْتَهُمْ أَمْ لَمْ تُنذِرْهُمْ لَا يُؤْمِنُونَ (10) Zvakangofanana kwavari, kuti unovayambira kana kusayambira, havambotendi |
إِنَّمَا تُنذِرُ مَنِ اتَّبَعَ الذِّكْرَ وَخَشِيَ الرَّحْمَٰنَ بِالْغَيْبِ ۖ فَبَشِّرْهُ بِمَغْفِرَةٍ وَأَجْرٍ كَرِيمٍ (11) Unokwanisa kungoyambira uyo anotevedzera yambiro (Qur’aan), uye achitya vane nyasha zhinji (Allah) vasingaoneki. Ipa uyo nhaurwa tsvene dzerugerero uye mubairo wakanaka (Paradhiso) |
إِنَّا نَحْنُ نُحْيِي الْمَوْتَىٰ وَنَكْتُبُ مَا قَدَّمُوا وَآثَارَهُمْ ۚ وَكُلَّ شَيْءٍ أَحْصَيْنَاهُ فِي إِمَامٍ مُّبِينٍ (12) Zvirokwazvo, tinopa hupenyu kune vakafa, uye tinonyora izvo zvavanotumira kumberi (kwavo), uye nemastsimba avo, uye zvinhu zvose takazvinyora zviri mumanhamba mubhuku riri pachena |
وَاضْرِبْ لَهُم مَّثَلًا أَصْحَابَ الْقَرْيَةِ إِذْ جَاءَهَا الْمُرْسَلُونَ (13) Vataurire maererano nemuenzaniso wenyaya yevagari vedhorobha (Antioch (Antakiya)), apo pakauya vatumwa kwavari |
إِذْ أَرْسَلْنَا إِلَيْهِمُ اثْنَيْنِ فَكَذَّبُوهُمَا فَعَزَّزْنَا بِثَالِثٍ فَقَالُوا إِنَّا إِلَيْكُم مُّرْسَلُونَ (14) Patakavatumira vatumwa vaviri, vakavaramba. Saka takavasimbisa newechitatu, uye vakati: “Chokwadi, tave tinotumwa kwamuri sevatumwa.” |
قَالُوا مَا أَنتُمْ إِلَّا بَشَرٌ مِّثْلُنَا وَمَا أَنزَلَ الرَّحْمَٰنُ مِن شَيْءٍ إِنْ أَنتُمْ إِلَّا تَكْذِبُونَ (15) Ivo (vanhu vedhorobha) vakati: “Muri vanhu sesu, uye vane nyasha zhinji (Allah) hapana chavadzikisa. Muri kutaura manyepo.” |
قَالُوا رَبُّنَا يَعْلَمُ إِنَّا إِلَيْكُمْ لَمُرْسَلُونَ (16) Vatumwa vakati: “Tenzi vedu vanoziva kuti tave tinotumwa sevatumwa kwamuri.” |
وَمَا عَلَيْنَا إِلَّا الْبَلَاغُ الْمُبِينُ (17) “Uye basa redu ndere kungosvitsa shoko zviri pachena.” |
قَالُوا إِنَّا تَطَيَّرْنَا بِكُمْ ۖ لَئِن لَّمْ تَنتَهُوا لَنَرْجُمَنَّكُمْ وَلَيَمَسَّنَّكُم مِّنَّا عَذَابٌ أَلِيمٌ (18) Ivo (vanhu) vakati: “Isu tiri kuona chiitiko chakaipa (munyama) kubva kwamuri. Mukasasiya, tinoku temai-temai nematombo zvechokwadi, uye marwadzo akaomarara anokuwanai kubva kwatiri.” |
قَالُوا طَائِرُكُم مَّعَكُمْ ۚ أَئِن ذُكِّرْتُم ۚ بَلْ أَنتُمْ قَوْمٌ مُّسْرِفُونَ (19) (Ivo vatumwa) vakati: “(Munyama) Zviitiko zvenyu zvakaipa zvinemi! (Munochishevedza kuti “chiitiko chakaipa (munyama)”) nekuti murikueuchidzwa? Asi muri vanhu vanotyora mirairo yaAllah (muchiita mhando dzose dzezvitadzo zvikuru uye nekusateerera Allah).” |
وَجَاءَ مِنْ أَقْصَى الْمَدِينَةِ رَجُلٌ يَسْعَىٰ قَالَ يَا قَوْمِ اتَّبِعُوا الْمُرْسَلِينَ (20) Uye pakauya murume achimhanya kubva kunzvimbo yaiva kure yedhorobha akati: “Imi vanhu vangu! Teererai vatumwa.” |
اتَّبِعُوا مَن لَّا يَسْأَلُكُمْ أَجْرًا وَهُم مُّهْتَدُونَ (21) “Tevedzerai avo vasingambo kubvunzai maererano nemubhadharo wavo, uye vakatungamirirwa (munzira yakatwasuka).” |
وَمَا لِيَ لَا أَعْبُدُ الَّذِي فَطَرَنِي وَإِلَيْهِ تُرْجَعُونَ (22) “Uye ndingazotadza sei kunamata avo vakandisika uye kwavari muchava munodzoserwa?” |
أَأَتَّخِذُ مِن دُونِهِ آلِهَةً إِن يُرِدْنِ الرَّحْمَٰنُ بِضُرٍّ لَّا تُغْنِ عَنِّي شَفَاعَتُهُمْ شَيْئًا وَلَا يُنقِذُونِ (23) “Ndingatora here zvinamatwa kunze kwavo? Kana vane nyasha zhinji (Allah) vakandishuvira chakaipa, kumiririra kwazvo (zvinamatwa kunze kwaAllah) hakukwanisi kundibatsira, uye hazvikwanisi kundinunura?” |
إِنِّي إِذًا لَّفِي ضَلَالٍ مُّبِينٍ (24) “Zvirokwazvo, ndinenge ndiri mukurasika kuri pachena.” |
إِنِّي آمَنتُ بِرَبِّكُمْ فَاسْمَعُونِ (25) “Zvirokwazvo, ndave ndinotenda muna Tenzi venyu, naizvozvo nditeererei!” |
قِيلَ ادْخُلِ الْجَنَّةَ ۖ قَالَ يَا لَيْتَ قَوْمِي يَعْلَمُونَ (26) Zvakanzi (kwaari apo paakauraiwa nevasingatendi): “Pinda Paradhiso.” Akati: “Ndinoshuvira kuti dai vanhu vangu vaziva.” |
بِمَا غَفَرَ لِي رَبِّي وَجَعَلَنِي مِنَ الْمُكْرَمِينَ (27) “Kuti Tenzi vangu (Allah) vandiregerera, uye vakandiita umwe wevakaremekedzwa!” |
۞ وَمَا أَنزَلْنَا عَلَىٰ قَوْمِهِ مِن بَعْدِهِ مِن جُندٍ مِّنَ السَّمَاءِ وَمَا كُنَّا مُنزِلِينَ (28) Uye hatina kuva tinotumira kuvanhu vake mushure make mauto kubva kudenga, uye pange pasina chikonzero chekuti titumire |
إِن كَانَتْ إِلَّا صَيْحَةً وَاحِدَةً فَإِذَا هُمْ خَامِدُونَ (29) Kwakangova kudaidzira (Swaihah) kumwechete uye vakabva vanyaradzwa (vafa) |
يَا حَسْرَةً عَلَى الْعِبَادِ ۚ مَا يَأْتِيهِم مِّن رَّسُولٍ إِلَّا كَانُوا بِهِ يَسْتَهْزِئُونَ (30) Matambudziko kuvanhu (varanda vaAllah)! Hakuna kuva kunouya mutumwa kwavari kusara kwekuti vaimutuka (vaimutsvinyira) |
أَلَمْ يَرَوْا كَمْ أَهْلَكْنَا قَبْلَهُم مِّنَ الْقُرُونِ أَنَّهُمْ إِلَيْهِمْ لَا يَرْجِعُونَ (31) Havaoni here kuti madzinza mangani atakaparadza mushure mavo? Zvirokwazvo, havazombofa vakadzokera kwavari |
وَإِن كُلٌّ لَّمَّا جَمِيعٌ لَّدَيْنَا مُحْضَرُونَ (32) Uye zvirokwazvo, vose umwe neumwe wavo achava anounzwa kwatiri |
وَآيَةٌ لَّهُمُ الْأَرْضُ الْمَيْتَةُ أَحْيَيْنَاهَا وَأَخْرَجْنَا مِنْهَا حَبًّا فَمِنْهُ يَأْكُلُونَ (33) Uye chiratidzo kwavari, inyika inenge isina upenyu. Tinoipa upenyu, uye tinoburitsa kubva mairi zvirimwa (mbesa), kuti vave vanodya kubva madziri |
وَجَعَلْنَا فِيهَا جَنَّاتٍ مِّن نَّخِيلٍ وَأَعْنَابٍ وَفَجَّرْنَا فِيهَا مِنَ الْعُيُونِ (34) Uye tinogadzira mairi (nyika) mapindu emadheti nemagirepi, uye tinokonzera kuti zvitubu zvemvura zvive zvinobuda mairi (nyika) |
لِيَأْكُلُوا مِن ثَمَرِهِ وَمَا عَمِلَتْهُ أَيْدِيهِمْ ۖ أَفَلَا يَشْكُرُونَ (35) Kuti vave vanodya kubva kumichero yawo, uye maoko avo haasi anozvigadzira. Saka sei vasingapi kutenda |
سُبْحَانَ الَّذِي خَلَقَ الْأَزْوَاجَ كُلَّهَا مِمَّا تُنبِتُ الْأَرْضُ وَمِنْ أَنفُسِهِمْ وَمِمَّا لَا يَعْلَمُونَ (36) Kurumbidzwa ngakuve kune avo vakasika zvinhu (zvisikwa) zvose muuviri kubva kune izvo zvinoburitswa nepasi, uye kubva kwavari (vanhu, varume nevakadzi), uye kubva kune izvo zvavasingazivi |
وَآيَةٌ لَّهُمُ اللَّيْلُ نَسْلَخُ مِنْهُ النَّهَارَ فَإِذَا هُم مُّظْلِمُونَ (37) Uye chiratidzo kwavari ndecheusiku. Tinobvisa kubva mahuri (husiku) masikati, uye ngwarirai, vanenge vave murima |
وَالشَّمْسُ تَجْرِي لِمُسْتَقَرٍّ لَّهَا ۚ ذَٰلِكَ تَقْدِيرُ الْعَزِيزِ الْعَلِيمِ (38) Uye zuva rinofamba nemunzira yaro kwenguva yarakatarirwa. Uku ndiko kuronga kwaSamasimba, vane ruzivo rwose |
وَالْقَمَرَ قَدَّرْنَاهُ مَنَازِلَ حَتَّىٰ عَادَ كَالْعُرْجُونِ الْقَدِيمِ (39) Uye mwedzi takava tinoutarira nzira yawo (yekufamba nayo) kusvikira wadzoka kwatiri sedzinde rekare remaDheti rakaminama, rakaoma |
لَا الشَّمْسُ يَنبَغِي لَهَا أَن تُدْرِكَ الْقَمَرَ وَلَا اللَّيْلُ سَابِقُ النَّهَارِ ۚ وَكُلٌّ فِي فَلَكٍ يَسْبَحُونَ (40) Hazvikwanisike kuti zuva ridarikire mwedzi kana kuti usiku udarikire masikati. Zvose zvinofamba mudenga zvichitenderera |
وَآيَةٌ لَّهُمْ أَنَّا حَمَلْنَا ذُرِّيَّتَهُمْ فِي الْفُلْكِ الْمَشْحُونِ (41) Uye chiratidzo kwavari ndechekuti takatakura zvizvarwa zvavo mungarava yakatakura (yaNowa) |
وَخَلَقْنَا لَهُم مِّن مِّثْلِهِ مَا يَرْكَبُونَ (42) Uye takava tinovasikira zvakafanana nayo (ngarava) izvo zvavanotasva |
وَإِن نَّشَأْ نُغْرِقْهُمْ فَلَا صَرِيخَ لَهُمْ وَلَا هُمْ يُنقَذُونَ (43) Uye kana tichida, tichavanyudza uye pachange pasina anodeedzera (kana mununuri achanzwa kuchema kwavo), uye havazombonunurwi |
إِلَّا رَحْمَةً مِّنَّا وَمَتَاعًا إِلَىٰ حِينٍ (44) Kusara kwekuti dziri tsitsi kubva kwatiri, uye semafaro kwekanguva |
وَإِذَا قِيلَ لَهُمُ اتَّقُوا مَا بَيْنَ أَيْدِيكُمْ وَمَا خَلْفَكُمْ لَعَلَّكُمْ تُرْحَمُونَ (45) Uye zvikanzi kwavari: “Ityai izvo zviri pamberi penyu (marwadzo epanyika), uye neizvo zviri pamberi penyu zvamusingaoni (marwadzo emuhupenyu hunotevera), kuti muve munogashira tsitsi (kana mukatambira Islaam).” |
وَمَا تَأْتِيهِم مِّنْ آيَةٍ مِّنْ آيَاتِ رَبِّهِمْ إِلَّا كَانُوا عَنْهَا مُعْرِضِينَ (46) Uye hakuna chiratidzo kubva muzviratidzo zvaTenzi vavo chakauya kwavari kusara kwekuti vakachifuratira |
وَإِذَا قِيلَ لَهُمْ أَنفِقُوا مِمَّا رَزَقَكُمُ اللَّهُ قَالَ الَّذِينَ كَفَرُوا لِلَّذِينَ آمَنُوا أَنُطْعِمُ مَن لَّوْ يَشَاءُ اللَّهُ أَطْعَمَهُ إِنْ أَنتُمْ إِلَّا فِي ضَلَالٍ مُّبِينٍ (47) Uye pazvinonzi kwavari: “Ipai kubva mune izvo zvamakapihwa naAllah,” avo vasingatendi vanoti kune avo vanotenda: “Tingape kudya avo, dai Allah vaida, ivo (Allah pachezvavo) vaivapa chikafu? Zvirokwazvo, makarasika zviri pachena.” |
وَيَقُولُونَ مَتَىٰ هَٰذَا الْوَعْدُ إِن كُنتُمْ صَادِقِينَ (48) Uye vanoti: “Chitsidzo ichi (zuva rekutongwa) chichazadzikiswa rinhi kana muri muchokwadi?” |
مَا يَنظُرُونَ إِلَّا صَيْحَةً وَاحِدَةً تَأْخُذُهُمْ وَهُمْ يَخِصِّمُونَ (49) Havana kumirira kusara kweSwaihah (kudeedzera) kumwe kuchavaparadza vari pakati pekupikisana |
فَلَا يَسْتَطِيعُونَ تَوْصِيَةً وَلَا إِلَىٰ أَهْلِهِمْ يَرْجِعُونَ (50) Naizvozvo havasi kuzokwanisa kutaura zvido zvavo mushure mavo (vafa), kana kudzokera kumhuri dzavo |
وَنُفِخَ فِي الصُّورِ فَإِذَا هُم مِّنَ الْأَجْدَاثِ إِلَىٰ رَبِّهِمْ يَنسِلُونَ (51) Uye hwamanda icharidzwa (kuridzwa kwepiri), uye naizvozvo vachabuda mumarinda avo vakananga kuna Tenzi vavo nokukurumidza |
قَالُوا يَا وَيْلَنَا مَن بَعَثَنَا مِن مَّرْقَدِنَا ۜ ۗ هَٰذَا مَا وَعَدَ الرَّحْمَٰنُ وَصَدَقَ الْمُرْسَلُونَ (52) Vachati: “Matambudziko kwatiri! Ndiani atimutsa kubva munzvimbo yedu yekurara?” (Zvichanzi kwavari): “Izvi ndizvo zvakavimbiswa neavo vane tsitsi dzose (Allah), uye vatumwa vakava vanotaura chokwadi!” |
إِن كَانَتْ إِلَّا صَيْحَةً وَاحِدَةً فَإِذَا هُمْ جَمِيعٌ لَّدَيْنَا مُحْضَرُونَ (53) Kuchangove kusheedzera kumwe, naizvozvo vose vachava vanounzwa pamberi pedu |
فَالْيَوْمَ لَا تُظْلَمُ نَفْسٌ شَيْئًا وَلَا تُجْزَوْنَ إِلَّا مَا كُنتُمْ تَعْمَلُونَ (54) Zuva iri (rekutongwa) hapana achakanganisirwa pane chimwe chinhu, uye hamusi kuzopihwa chinhu kusara kweizvo zvamaiita |
إِنَّ أَصْحَابَ الْجَنَّةِ الْيَوْمَ فِي شُغُلٍ فَاكِهُونَ (55) Zvirokwazvo, vagari vemuParadhiso, muzuva iri, vanenge vari mubishi nezvinhu zvinofadza |
هُمْ وَأَزْوَاجُهُمْ فِي ظِلَالٍ عَلَى الْأَرَائِكِ مُتَّكِئُونَ (56) Ivo nevakadzi vavo vachange vari mumimvuri, vakatsamhira muzvigaro (zveumambo) |
لَهُمْ فِيهَا فَاكِهَةٌ وَلَهُم مَّا يَدَّعُونَ (57) Vachave nemichero (yendudzi dzose) imomo uye nezvose zvavanokumbira |
سَلَامٌ قَوْلًا مِّن رَّبٍّ رَّحِيمٍ (58) (Zvichanzi kwavari): “Salaam (rugare ngaruve kwamuri) – shoko kubva kuna Tenzi (Allah), vane tsitsi dzose |
وَامْتَازُوا الْيَوْمَ أَيُّهَا الْمُجْرِمُونَ (59) (Zvichanzi): “Uye Imi maMujrimoon (vatadzi)! Patsanukai muzuva ranhasi (kubva kuvatendi).” |
۞ أَلَمْ أَعْهَدْ إِلَيْكُمْ يَا بَنِي آدَمَ أَن لَّا تَعْبُدُوا الشَّيْطَانَ ۖ إِنَّهُ لَكُمْ عَدُوٌّ مُّبِينٌ (60) “Handina kukuudzai, imi vana vaAdam, kuti musave munonamata Shaitwaan (Satani). Zvirokwazvo, muvengi ari pachena kwamuri.” |
وَأَنِ اعْبُدُونِي ۚ هَٰذَا صِرَاطٌ مُّسْتَقِيمٌ (61) “Uye kuti muve munondinamata. Iri ndiro gwara rakatwasuka.” |
وَلَقَدْ أَضَلَّ مِنكُمْ جِبِلًّا كَثِيرًا ۖ أَفَلَمْ تَكُونُوا تَعْقِلُونَ (62) “Uye zvirokwazvo iye (Satani) akava anorasisa vakawanda venyu. Hamuna kunzwisisa here?” |
هَٰذِهِ جَهَنَّمُ الَّتِي كُنتُمْ تُوعَدُونَ (63) “Iri ndiro Gehena ramakava munovimbiswa!” |
اصْلَوْهَا الْيَوْمَ بِمَا كُنتُمْ تَكْفُرُونَ (64) “Itsvai mariri muzuva ranhasi, nokuda kweizvo zvamaisatenda.” |
الْيَوْمَ نَخْتِمُ عَلَىٰ أَفْوَاهِهِمْ وَتُكَلِّمُنَا أَيْدِيهِمْ وَتَشْهَدُ أَرْجُلُهُم بِمَا كَانُوا يَكْسِبُونَ (65) Nhasi, tichavhara miromo yavo, uye maoko avo achataura nesu, uye makumbo avo achapa uchapupu pamusoro peizvo zvavaiwana. (Zvinonzi chidya cheruboshwe ndicho chichatanga kupa uchapupu) |
وَلَوْ نَشَاءُ لَطَمَسْنَا عَلَىٰ أَعْيُنِهِمْ فَاسْتَبَقُوا الصِّرَاطَ فَأَنَّىٰ يُبْصِرُونَ (66) Uye dai kwaiva kuda kwedu, tingadai zvirokwazvo takadzima maziso avo, kuti vave vanotambudzika panzira. Vaizoona sei |
وَلَوْ نَشَاءُ لَمَسَخْنَاهُمْ عَلَىٰ مَكَانَتِهِمْ فَمَا اسْتَطَاعُوا مُضِيًّا وَلَا يَرْجِعُونَ (67) Uye dai kwaiva kuda kwedu, tingadai takavashandura (kuti vave mhuka kana zvimwe zvisikwa zvisingafemi) panzvimbo dzavo. Naizvozvo vaisakwanisa kuenda mberi kana kudzokera kumashure |
وَمَن نُّعَمِّرْهُ نُنَكِّسْهُ فِي الْخَلْقِ ۖ أَفَلَا يَعْقِلُونَ (68) Uye uyo watinopa hupenyu hwakareba, tinomudzosera kuhusikwa (kushaya simba mushure mokuva nesimba). Hamunzwisisi here |
وَمَا عَلَّمْنَاهُ الشِّعْرَ وَمَا يَنبَغِي لَهُ ۚ إِنْ هُوَ إِلَّا ذِكْرٌ وَقُرْآنٌ مُّبِينٌ (69) Uye hatina kumudzidzisa (Muhammad (SAW)) nhetembo, uye hadzina kukodzera kwaari. Iyi ingori yeuchidzo neQur’aan riri pachena |
لِّيُنذِرَ مَن كَانَ حَيًّا وَيَحِقَّ الْقَوْلُ عَلَى الْكَافِرِينَ (70) Kuti rive (Qur’aan) rinochenjedza uyo ari kurarama (mutendi), uye kuti rigova shoko rechokwadi kune avo vasingatendi (vakafa nekusatenda kwavo) |
أَوَلَمْ يَرَوْا أَنَّا خَلَقْنَا لَهُم مِّمَّا عَمِلَتْ أَيْدِينَا أَنْعَامًا فَهُمْ لَهَا مَالِكُونَ (71) Havaoni here kuti takavasikira mombe nemaoko edu kuti vave varidzi vadzo |
وَذَلَّلْنَاهَا لَهُمْ فَمِنْهَا رَكُوبُهُمْ وَمِنْهَا يَأْكُلُونَ (72) Uye takaita kuti dzive (mombe) pasi pavo, kuti dzimwe dzacho vave vanotatswa uye dzimwe dzacho vadye |
وَلَهُمْ فِيهَا مَنَافِعُ وَمَشَارِبُ ۖ أَفَلَا يَشْكُرُونَ (73) Uye vane zvakanaka zvavanowana kubva madziri, uye vanowana mukaka kuti vanwe. Sei vasingatendi |
وَاتَّخَذُوا مِن دُونِ اللَّهِ آلِهَةً لَّعَلَّهُمْ يُنصَرُونَ (74) Uye vakatora zvimwe zvisikwa kunze kwaAllah saanamwari vachitarisira kuti vangabatsirwa (nezvinanamwari zvavo) |
لَا يَسْتَطِيعُونَ نَصْرَهُمْ وَهُمْ لَهُمْ جُندٌ مُّحْضَرُونَ (75) Havambokwanisi kuvabatsira, asi vachazounzwa pamberi semauto vachipikisana nevaivanamata (pazuva rekutongwa) |
فَلَا يَحْزُنكَ قَوْلُهُمْ ۘ إِنَّا نَعْلَمُ مَا يُسِرُّونَ وَمَا يُعْلِنُونَ (76) Naizvozvo mashoko avo ngaasave anokusuwisa (Muhammad (SAW)). Zvirokwazvo, tinoziva zvavanoviga nezvavanobuditsa pachena |
أَوَلَمْ يَرَ الْإِنسَانُ أَنَّا خَلَقْنَاهُ مِن نُّطْفَةٍ فَإِذَا هُوَ خَصِيمٌ مُّبِينٌ (77) Munhu haaoni here kuti takamusika kubva muNutfah (Mvura yemurume nemukadzi yakasangana)? Asi zvirokwazvo anomira semupikisi ari pachena |
وَضَرَبَ لَنَا مَثَلًا وَنَسِيَ خَلْقَهُ ۖ قَالَ مَن يُحْيِي الْعِظَامَ وَهِيَ رَمِيمٌ (78) Uye anoisa muenzaniso pamusoro pedu, uye wobva akanganwa kusikwa kwake, achibva ati: “Ndiani achapa hupenyu kumapfupa mushure mekunge aora uye aita mavhu?” |
قُلْ يُحْيِيهَا الَّذِي أَنشَأَهَا أَوَّلَ مَرَّةٍ ۖ وَهُوَ بِكُلِّ خَلْقٍ عَلِيمٌ (79) Iti (Muhammad (SAW)): “Achapihwa hupenyu (mapfupa) neavo vakaasika pekutanga! Uye vane ruzivo pamusoro pezvisikwa zvose!” |
الَّذِي جَعَلَ لَكُم مِّنَ الشَّجَرِ الْأَخْضَرِ نَارًا فَإِذَا أَنتُم مِّنْهُ تُوقِدُونَ (80) “Avo vanokubuditsirai moto kubva kumuti munyoro, apo pamunenge mave kubatidza kubva kwauri.” |
أَوَلَيْسَ الَّذِي خَلَقَ السَّمَاوَاتِ وَالْأَرْضَ بِقَادِرٍ عَلَىٰ أَن يَخْلُقَ مِثْلَهُم ۚ بَلَىٰ وَهُوَ الْخَلَّاقُ الْعَلِيمُ (81) Avo vakasika matenga nenyika havana here simba rekusika zvimwe zvakafanana naizvozvo? Hongu, zvirokwazvo ndivo musiki mukuru vane ruzivo |
إِنَّمَا أَمْرُهُ إِذَا أَرَادَ شَيْئًا أَن يَقُولَ لَهُ كُن فَيَكُونُ (82) Zvirokwazvo, mutemo wavo kana vada chinhu vanongoti: “Ivapo!” – chobva chavapo |
فَسُبْحَانَ الَّذِي بِيَدِهِ مَلَكُوتُ كُلِّ شَيْءٍ وَإِلَيْهِ تُرْجَعُونَ (83) Naizvozvo kurumbidzwa ngakuve kwavari, avo muruoko rwavo mune humambo hwezvinhu zvose, uye kwavari muchadzoserwa |