القرآن باللغة الشونا - سورة الزلزلة مترجمة إلى اللغة الشونا، Surah Zalzalah in Shona. نوفر ترجمة دقيقة سورة الزلزلة باللغة الشونا - Shona, الآيات 8 - رقم السورة 99 - الصفحة 599.

| إِذَا زُلْزِلَتِ الْأَرْضُ زِلْزَالَهَا (1) Kana nyika yodengenyetswa nekudengenyeka kwayo | 
| وَأَخْرَجَتِ الْأَرْضُ أَثْقَالَهَا (2) Uye kana nyika yoburitsa misengwa yayo (zvayakaviga) | 
| وَقَالَ الْإِنسَانُ مَا لَهَا (3) Uye munhu achati: “Chii chiri kunetsa pairi?” | 
| يَوْمَئِذٍ تُحَدِّثُ أَخْبَارَهَا (4) Nezuva iroro ichataura mashoko ayo (zvaiitika pamusoro payo zvakanaka nezvakaipa) | 
| بِأَنَّ رَبَّكَ أَوْحَىٰ لَهَا (5) Nokuda kwekuti Tenzi vako vanenge vaiudza izvozvo | 
| يَوْمَئِذٍ يَصْدُرُ النَّاسُ أَشْتَاتًا لِّيُرَوْا أَعْمَالَهُمْ (6) Nezuva iroro vanhu vachaenda muzvikwata kuitira kuti vagotaridzwa mabasa avo | 
| فَمَن يَعْمَلْ مِثْقَالَ ذَرَّةٍ خَيْرًا يَرَهُ (7) Naizvozvo uyo anenge aita chakanaka chakafanana nehuremu hwekasvosve kamwechete achachiona | 
| وَمَن يَعْمَلْ مِثْقَالَ ذَرَّةٍ شَرًّا يَرَهُ (8) Uye uyo anenge aita chakaipa chakafanana nehuremu hwekasvosve kamwechete achachiona |