الر ۚ تِلْكَ آيَاتُ الْكِتَابِ وَقُرْآنٍ مُّبِينٍ (1) Alif – Laam – Raa. (Aya mavara ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah chete). Idzi ndidzo ndima dzeGwaro uye neQur’aan riri pachena |
رُّبَمَا يَوَدُّ الَّذِينَ كَفَرُوا لَوْ كَانُوا مُسْلِمِينَ (2) Pamwe avo vasingatendi vanoshuvira kuti dai vanga vari maMuslim (avo vanozvipira kutevedzera mirawo yaAllah, Islaam) |
ذَرْهُمْ يَأْكُلُوا وَيَتَمَتَّعُوا وَيُلْهِهِمُ الْأَمَلُ ۖ فَسَوْفَ يَعْلَمُونَ (3) Vasiyei vadye pamwe nekufara, uye vasiyei vakazadzwa nechishuwo chenhema. Vachasvika pakuziva |
وَمَا أَهْلَكْنَا مِن قَرْيَةٍ إِلَّا وَلَهَا كِتَابٌ مَّعْلُومٌ (4) Hatina kuparadza musha asi wakanga une zvawakanyorerwa zvinozivikanwa |
مَّا تَسْبِقُ مِنْ أُمَّةٍ أَجَلَهَا وَمَا يَسْتَأْخِرُونَ (5) Hapana dzinza rinokwanisa kuwedzera nguva yaro (yekurarama) kana kuinonotsa |
وَقَالُوا يَا أَيُّهَا الَّذِي نُزِّلَ عَلَيْهِ الذِّكْرُ إِنَّكَ لَمَجْنُونٌ (6) Uye vanoti: “Iwe (Muhammad (SAW)) wakapihwa Dhikr (Qur’aan)! Zvirokwazvo, uri murume anopenga!” |
لَّوْ مَا تَأْتِينَا بِالْمَلَائِكَةِ إِن كُنتَ مِنَ الصَّادِقِينَ (7) “Ko sei usingauyi nengirozi kwatiri kana uri pachokwadi?” |
مَا نُنَزِّلُ الْمَلَائِكَةَ إِلَّا بِالْحَقِّ وَمَا كَانُوا إِذًا مُّنظَرِينَ (8) Hatitumire ngirozi pasi asi nechokwadi (murango), uye ipapo havambopihwi (vasingatendi) nguva yekurarama |
إِنَّا نَحْنُ نَزَّلْنَا الذِّكْرَ وَإِنَّا لَهُ لَحَافِظُونَ (9) Zvirokwazvo, tisu takadzikisa Dhikr (Qur’aan), uye zvirokwazvo, tisu ticharichengetedza (kubva mukuchinjwa) |
وَلَقَدْ أَرْسَلْنَا مِن قَبْلِكَ فِي شِيَعِ الْأَوَّلِينَ (10) Zvirokwazvo, takatumira vatumwa iwe usati wavapo (Muhammad (SAW)) kumapoka ekutanga |
وَمَا يَأْتِيهِم مِّن رَّسُولٍ إِلَّا كَانُوا بِهِ يَسْتَهْزِئُونَ (11) Uye muporofita haana kusvika kwavari asi vaiita zvedambe naye |
كَذَٰلِكَ نَسْلُكُهُ فِي قُلُوبِ الْمُجْرِمِينَ (12) Saizvozvo tinoita (kusatenda nekusanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakuvanamata) kuti zvipinde mumoyo yeavo vasingatendi |
لَا يُؤْمِنُونَ بِهِ ۖ وَقَدْ خَلَتْ سُنَّةُ الْأَوَّلِينَ (13) Havambotendi mariri (Qur’aan), uye mucherechedzo wemadzitateguru (murango wavo) wakatopfuura |
وَلَوْ فَتَحْنَا عَلَيْهِم بَابًا مِّنَ السَّمَاءِ فَظَلُّوا فِيهِ يَعْرُجُونَ (14) Kunyangwe dai takavazarurira musuwo kudenga uye voramba vachikwira (zuva rese) |
لَقَالُوا إِنَّمَا سُكِّرَتْ أَبْصَارُنَا بَلْ نَحْنُ قَوْمٌ مَّسْحُورُونَ (15) Zvirokwazvo vaizoti (manheru): “Meso edu aita kunge avhiringwa (hatina kumboona ngirozi kana denga). Pamwe tiri vanhu vakaroiwa.” |
وَلَقَدْ جَعَلْنَا فِي السَّمَاءِ بُرُوجًا وَزَيَّنَّاهَا لِلنَّاظِرِينَ (16) Zvirokwazvo, takava tinoisa nyenyedzi hombe mudenga uye tikarishongedza kune avo vanoritarisa |
وَحَفِظْنَاهَا مِن كُلِّ شَيْطَانٍ رَّجِيمٍ (17) Uye takava tinorichengetedza kubva kuna dhiyabhorosi wese akashorwa |
إِلَّا مَنِ اسْتَرَقَ السَّمْعَ فَأَتْبَعَهُ شِهَابٌ مُّبِينٌ (18) Kunze kweuyo (dhiyabhorosi) anoda kuba kuteerera mashoko, uye naizvozvo oteverwa nenyenyedzi inemoto iri pachena |
وَالْأَرْضَ مَدَدْنَاهَا وَأَلْقَيْنَا فِيهَا رَوَاسِيَ وَأَنبَتْنَا فِيهَا مِن كُلِّ شَيْءٍ مَّوْزُونٍ (19) Uye nyika takaiwaridza, uye tikadzika makomo akasimba mairi, uye tikaita kuti zvirimwa zvimere mairi nemuero wazvo |
وَجَعَلْنَا لَكُمْ فِيهَا مَعَايِشَ وَمَن لَّسْتُمْ لَهُ بِرَازِقِينَ (20) Uye takava tinokuisirai mairi nzira dzekurarama nadzo, pamwe neizvo zvamusingakwanisi kupa chikafu (zvipfuwo nemhuka dzesango) |
وَإِن مِّن شَيْءٍ إِلَّا عِندَنَا خَزَائِنُهُ وَمَا نُنَزِّلُهُ إِلَّا بِقَدَرٍ مَّعْلُومٍ (21) Uye hapana chinhu, asi kwatiri ndiko kune kwekuchengetera kwacho. Uye hatichitumiri pasi asi nechipimo chinozivikanwa chakafanira |
وَأَرْسَلْنَا الرِّيَاحَ لَوَاقِحَ فَأَنزَلْنَا مِنَ السَّمَاءِ مَاءً فَأَسْقَيْنَاكُمُوهُ وَمَا أَنتُمْ لَهُ بِخَازِنِينَ (22) Uye tinotumira mhepo ichibatanidza makore, uye toita kuti mvura inaye kubva kudenga, uye tokupai kuti mumwe, uye hamusi varidzi vepainochengeterwa (kuti muchipa mvura wamunoda uye kunyima wamunoda) |
وَإِنَّا لَنَحْنُ نُحْيِي وَنُمِيتُ وَنَحْنُ الْوَارِثُونَ (23) Uye zvirokwazvo isusu! Tisu tinopa hupenyu nekukonzeresa rufu, uye tisu vagari venhaka |
وَلَقَدْ عَلِمْنَا الْمُسْتَقْدِمِينَ مِنكُمْ وَلَقَدْ عَلِمْنَا الْمُسْتَأْخِرِينَ (24) Uye zvirokwazvo, tinoziva madzinza enyu ekutanga, uye tinoziva madzinza enyu aiyezvino, uye neavo vachauya mushure |
وَإِنَّ رَبَّكَ هُوَ يَحْشُرُهُمْ ۚ إِنَّهُ حَكِيمٌ عَلِيمٌ (25) Uye zvirokwazvo, Tenzi vako vachavaunganidza pamwechete. Zvechokwadi, ndivo vazere nehungwaru, neruzivo |
وَلَقَدْ خَلَقْنَا الْإِنسَانَ مِن صَلْصَالٍ مِّنْ حَمَإٍ مَّسْنُونٍ (26) Uye zvirokwazvo, takasika vanhu kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana |
وَالْجَانَّ خَلَقْنَاهُ مِن قَبْلُ مِن نَّارِ السَّمُومِ (27) Uye maJinn, takamasika kare kubva kumoto usina hutsi |
وَإِذْ قَالَ رَبُّكَ لِلْمَلَائِكَةِ إِنِّي خَالِقٌ بَشَرًا مِّن صَلْصَالٍ مِّنْ حَمَإٍ مَّسْنُونٍ (28) Uye (rangarira) apo Tenzi vako vakati kungirozi: “Zvirokwazvo, ndichasika munhu (Adam) kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana.” |
فَإِذَا سَوَّيْتُهُ وَنَفَخْتُ فِيهِ مِن رُّوحِي فَقَعُوا لَهُ سَاجِدِينَ (29) “Saka naizvozvo, kana ndichinge ndapedza kumushongedza uye ndafemera maari mweya wandakamusikira, ivai munomupfugamira moisa zviso zvenyu pasi.” |
فَسَجَدَ الْمَلَائِكَةُ كُلُّهُمْ أَجْمَعُونَ (30) Naizvozvo ngirozi dzakava dzinopfugama nekuisa zviso zvadzo pasi pamwe chete |
إِلَّا إِبْلِيسَ أَبَىٰ أَن يَكُونَ مَعَ السَّاجِدِينَ (31) Kusara kwa Iblees (Satani) akaramba kuva pakati peavo vanopfugama |
قَالَ يَا إِبْلِيسُ مَا لَكَ أَلَّا تَكُونَ مَعَ السَّاجِدِينَ (32) Allah vakati: “Iwe Iblees (Satani)! Chikonzero chako ndecheyi kuti usave pakati peavo vakapfugama?” |
قَالَ لَمْ أَكُن لِّأَسْجُدَ لِبَشَرٍ خَلَقْتَهُ مِن صَلْصَالٍ مِّنْ حَمَإٍ مَّسْنُونٍ (33) (Satani) akati: “Hazviite kuti ndipfugamire munhu, uyo wamakasika kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana.” |
قَالَ فَاخْرُجْ مِنْهَا فَإِنَّكَ رَجِيمٌ (34) (Allah) vakati: “Kana zvakadaro buda muno, zvirokwazvo, uri Rajeem (akashorwa).” |
وَإِنَّ عَلَيْكَ اللَّعْنَةَ إِلَىٰ يَوْمِ الدِّينِ (35) “Uye zvirokwazvo, kutsamwa (kwaAllah) kuchange kuri pauri kusvika zuva rekutongwa.” |
قَالَ رَبِّ فَأَنظِرْنِي إِلَىٰ يَوْمِ يُبْعَثُونَ (36) (Satani) akati: “Tenzi vangu! Ndipeiwo nguva kusvikira zuva rekutongwa (zuva ravachamutswa kubva kuvafi).” |
قَالَ فَإِنَّكَ مِنَ الْمُنظَرِينَ (37) (Allah) vakati: “Zvirokwazvo, uri pakati peavo vakapihwa nguva.” |
إِلَىٰ يَوْمِ الْوَقْتِ الْمَعْلُومِ (38) “Kusvika zuva renguva yakatarwa.” |
قَالَ رَبِّ بِمَا أَغْوَيْتَنِي لَأُزَيِّنَنَّ لَهُمْ فِي الْأَرْضِ وَلَأُغْوِيَنَّهُمْ أَجْمَعِينَ (39) (Satani) akati: “Tenzi vangu! Nechikonzero chekuti mandirasisa gwara, zvirokwazvo, ndichavashongedzera (vanhu) nzira dzezvakaipa panyika, uye ndichavatsaudza vose mugwara rakatwasuka.” |
إِلَّا عِبَادَكَ مِنْهُمُ الْمُخْلَصِينَ (40) “Kusara kwevaranda venyu vamakasarudza pakati pavo.” |
قَالَ هَٰذَا صِرَاطٌ عَلَيَّ مُسْتَقِيمٌ (41) (Allah) vakati: “Iyi ndiyo nzira yakatwasuka inotungamira kwandiri.” |
إِنَّ عِبَادِي لَيْسَ لَكَ عَلَيْهِمْ سُلْطَانٌ إِلَّا مَنِ اتَّبَعَكَ مِنَ الْغَاوِينَ (42) “Zvirokwazvo, hauna masimba kune varanda vangu, kusara kweavo vanokutevera vanoita zvakaipa uye vasingatendi.” |
وَإِنَّ جَهَنَّمَ لَمَوْعِدُهُمْ أَجْمَعِينَ (43) “Uye zvirokwazvo, Gehena ndiyo nzvimbo irikuvimbiswa kwavari vose (pamwe chete).” |
لَهَا سَبْعَةُ أَبْوَابٍ لِّكُلِّ بَابٍ مِّنْهُمْ جُزْءٌ مَّقْسُومٌ (44) “Rine (Gehena) misuwo minomwe, musuwo wese kubva kwavari une boka (revatadzi) rakatarwa.” |
إِنَّ الْمُتَّقِينَ فِي جَنَّاتٍ وَعُيُونٍ (45) “Zvirokwazvo! Avo vanoita mabasa akanaka (Al-Muttaqqoon), vachange vari muminda uye nezvitubu zvemvura (Paradhiso).” |
ادْخُلُوهَا بِسَلَامٍ آمِنِينَ (46) “(Zvichanzi kwavari): ‘Pindai mariri (Paradhiso) murugare uye mukudzivirirwa.’” |
وَنَزَعْنَا مَا فِي صُدُورِهِم مِّنْ غِلٍّ إِخْوَانًا عَلَىٰ سُرُرٍ مُّتَقَابِلِينَ (47) “Uye tichava tinobvisa kubva muhana dzavo shanje. Naizvozvo vachave vanotarisana semadzikoma vari pazvigaro.” |
لَا يَمَسُّهُمْ فِيهَا نَصَبٌ وَمَا هُم مِّنْهَا بِمُخْرَجِينَ (48) “Hapana marwadzo achavawira imomo kana kubuditswa imomo.” |
۞ نَبِّئْ عِبَادِي أَنِّي أَنَا الْغَفُورُ الرَّحِيمُ (49) Udza (Muhammad (SAW)) varanda vangu, kuti zvirokwazvo, inini ndiri muregereri zvikuru, ane nyasha zhinji |
وَأَنَّ عَذَابِي هُوَ الْعَذَابُ الْأَلِيمُ (50) Uye kuti zvirokwazvo marwadzo angu marwadzo akaomarara |
وَنَبِّئْهُمْ عَن ضَيْفِ إِبْرَاهِيمَ (51) Uye vaudze nezve vaenzi (ngirozi) vaAbrahamu |
إِذْ دَخَلُوا عَلَيْهِ فَقَالُوا سَلَامًا قَالَ إِنَّا مِنكُمْ وَجِلُونَ (52) Pavakapinda maakanga ari, vakati: “Salaam (Rugare)!” (Abrahamu) akati: “Zvirokwazvo! Tirikukutyai.” |
قَالُوا لَا تَوْجَلْ إِنَّا نُبَشِّرُكَ بِغُلَامٍ عَلِيمٍ (53) (Ngirozi) dzikati: “Usatye! Zvirokwazvo, tiri kukupa mashoko akanaka emwanakomana ane ruzivo nehungwaru.” |
قَالَ أَبَشَّرْتُمُونِي عَلَىٰ أَن مَّسَّنِيَ الْكِبَرُ فَبِمَ تُبَشِّرُونَ (54) (Abrahamu) akati: “Muri kundipa mashoko akanaka (emwanakomana) ini ndachembera? Saka nhau yenyu ndeyeyi?” |
قَالُوا بَشَّرْنَاكَ بِالْحَقِّ فَلَا تَكُن مِّنَ الْقَانِطِينَ (55) (Ngirozi) dzikati: “Tinokupa mashoko akanaka muchokwadi. Saka usave weavo vasina tarisiro.” |
قَالَ وَمَن يَقْنَطُ مِن رَّحْمَةِ رَبِّهِ إِلَّا الضَّالُّونَ (56) (Abrahamu) akati: “Ndiani asina tarisiro yenyasha dzaTenzi vake kusara kweavo vakarasika?” |
قَالَ فَمَا خَطْبُكُمْ أَيُّهَا الْمُرْسَلُونَ (57) (Abrahamu) akatizve: “Saka nyaya yenyu ndeipi, imi vatumwa?” |
قَالُوا إِنَّا أُرْسِلْنَا إِلَىٰ قَوْمٍ مُّجْرِمِينَ (58) (Ngirozi) dzikati: “Zvirokwazvo, tave tinotumwa kune vanhu vasingatendi (vanotadza).” |
إِلَّا آلَ لُوطٍ إِنَّا لَمُنَجُّوهُمْ أَجْمَعِينَ (59) “Kusara kwemhuri yaLut (Loti). Zvirokwazvo tichave tinovadzivirira (tinovanunura) vese (kubva mukuparadzwa).” |
إِلَّا امْرَأَتَهُ قَدَّرْنَا ۙ إِنَّهَا لَمِنَ الْغَابِرِينَ (60) “Kusara kwemukadzi wake, uyo takava tinotara zvirokwazvo kuti achave weavo vanosara mumashure (vanoparadzwa).” |
فَلَمَّا جَاءَ آلَ لُوطٍ الْمُرْسَلُونَ (61) Naizvozvo vatumwa (ngirozi) pavakauya kune mhuri yaLut (Loti) |
قَالَ إِنَّكُمْ قَوْمٌ مُّنكَرُونَ (62) (Loti) Akati: “Zvirokwazvo, muri vanhu vasingazivikanwi kwandiri.” |
قَالُوا بَلْ جِئْنَاكَ بِمَا كَانُوا فِيهِ يَمْتَرُونَ (63) (Ngirozi) Dzikati: “Asi tauya kwauri neizvo zvavaisatenda mazviri.” |
وَأَتَيْنَاكَ بِالْحَقِّ وَإِنَّا لَصَادِقُونَ (64) “Uye taunza chokwadi kwauri (nyaya yekuparadzwa kwevanhu vako), uye zvirokwazvo, tinotaura chokwadi.” |
فَأَسْرِ بِأَهْلِكَ بِقِطْعٍ مِّنَ اللَّيْلِ وَاتَّبِعْ أَدْبَارَهُمْ وَلَا يَلْتَفِتْ مِنكُمْ أَحَدٌ وَامْضُوا حَيْثُ تُؤْمَرُونَ (65) “Saka chiva unofamba muchidimbu cheusiku nemhuri yako, uye iwe wotevera kumashure kwavo, uye pakati penyu ngapasave nemunhu anocheuka kumashure, asi endai kwamakakomekedzwa.” |
وَقَضَيْنَا إِلَيْهِ ذَٰلِكَ الْأَمْرَ أَنَّ دَابِرَ هَٰؤُلَاءِ مَقْطُوعٌ مُّصْبِحِينَ (66) Uye takaita basa iri kuti rizivikamwe kwaari, kuti midzi yeavo (vatadzi) ichave inodamburwa mangwanani ngwanani |
وَجَاءَ أَهْلُ الْمَدِينَةِ يَسْتَبْشِرُونَ (67) Uye vagari vemudhorobha vakauya vachifara (nenyaya yemajaya ange auya aya) |
قَالَ إِنَّ هَٰؤُلَاءِ ضَيْفِي فَلَا تَفْضَحُونِ (68) (Loti) Akati: “Zvirokwazvo, ava vaenzi vangu, saka musandinyadzisewo.” |
وَاتَّقُوا اللَّهَ وَلَا تُخْزُونِ (69) “Uye ityai Allah uye musave munondinyadzisa.” |
قَالُوا أَوَلَمْ نَنْهَكَ عَنِ الْعَالَمِينَ (70) (Vagari vemudhorobha) vakati: “Hatina kukurambidza here kutambira (kana kudzivirira) vanhu?” |
قَالَ هَٰؤُلَاءِ بَنَاتِي إِن كُنتُمْ فَاعِلِينَ (71) (Loti) akati: “Ava vanasikana vangu (kana muchida kuroora zviri pamutemo), kana muchikwanisa kudaro.” |
لَعَمْرُكَ إِنَّهُمْ لَفِي سَكْرَتِهِمْ يَعْمَهُونَ (72) Zvirokwazvo, ndinopika nehupenyu hwako (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo varimukudhakwa vaingofamba |
فَأَخَذَتْهُمُ الصَّيْحَةُ مُشْرِقِينَ (73) Naizvozvo vakava vanoparadzwa neAs-Swaaihah (Ruzha) panguva dzemangwanani |
فَجَعَلْنَا عَالِيَهَا سَافِلَهَا وَأَمْطَرْنَا عَلَيْهِمْ حِجَارَةً مِّن سِجِّيلٍ (74) Uye takapindurudza (Sodom kuPalestine) tikaita kuti pamusoro paende pasi, uye tikave tinonaisa matombo akaumbwa nedhaka |
إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَآيَاتٍ لِّلْمُتَوَسِّمِينَ (75) Zvirokwazvo, mukati meizvi mune micherechedzo kune avo vanoona |
وَإِنَّهَا لَبِسَبِيلٍ مُّقِيمٍ (76) Uye zvirokwazvo, maguta maviri aya akanga ari munzira hombe (kubva kuMakkah kuenda kuSyria, pane gungwa reDead Sea iyezvino) |
إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَآيَةً لِّلْمُؤْمِنِينَ (77) Zvokwadi, zvirokwazvo mune izvi mune mucherechedzo kune avo vanotenda |
وَإِن كَانَ أَصْحَابُ الْأَيْكَةِ لَظَالِمِينَ (78) Uye vagari vemusango (vekuMadyan (Midian)) avo vakatumirwa Muporofita Shuaib (AS)) vakanga vari vanhu vaiita zvakaipa |
فَانتَقَمْنَا مِنْهُمْ وَإِنَّهُمَا لَبِإِمَامٍ مُّبِينٍ (79) Naizvozvo takatsiva nemutongo wakaomarara kwavari. Ari maviri ari munzira hombe iri pachena |
وَلَقَدْ كَذَّبَ أَصْحَابُ الْحِجْرِ الْمُرْسَلِينَ (80) Uye zvirokwazvo, vagari vemu Al-Hijr (Nzvimbo ine matombo) vakaramba vatumwa |
وَآتَيْنَاهُمْ آيَاتِنَا فَكَانُوا عَنْهَا مُعْرِضِينَ (81) Uye takavapa zviratidzo zvedu, asi vakazviramba |
وَكَانُوا يَنْحِتُونَ مِنَ الْجِبَالِ بُيُوتًا آمِنِينَ (82) Uye vaigadzira dzimba mumakomo, vachifunga kuti vakachengetedzeka |
فَأَخَذَتْهُمُ الصَّيْحَةُ مُصْبِحِينَ (83) Asi vakave vanoparadzwa neruzha munguva dzemangwanani (pazuva rechina kubva kumazuva vange vavimbiswa murango) |
فَمَا أَغْنَىٰ عَنْهُم مَّا كَانُوا يَكْسِبُونَ (84) Uye zvavaiwana hazvina kukwanisa kuvabatsira |
وَمَا خَلَقْنَا السَّمَاوَاتِ وَالْأَرْضَ وَمَا بَيْنَهُمَا إِلَّا بِالْحَقِّ ۗ وَإِنَّ السَّاعَةَ لَآتِيَةٌ ۖ فَاصْفَحِ الصَّفْحَ الْجَمِيلَ (85) Hatina kusika matenga nenyika nezvese zviri pakati pazvo asi muzvokwadi, uye zvirokwazvo nguva ichakwana, saka naizvozvo iva (Muhammad (SAW)) unovaregerera mune zvakanaka. (Izvi zvange zvakadaro kurwa (munzira yaAllah) kusati kwakomekedzwa |
إِنَّ رَبَّكَ هُوَ الْخَلَّاقُ الْعَلِيمُ (86) Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo musiki vanoziva zvese |
وَلَقَدْ آتَيْنَاكَ سَبْعًا مِّنَ الْمَثَانِي وَالْقُرْآنَ الْعَظِيمَ (87) Uye zvirokwazvo, takupa Al-Mathaani (ndima nomwe dzinoramba dzichidzokorodzwa, Surah Al-Faatihah), pamwe neQur’aan hombe |
لَا تَمُدَّنَّ عَيْنَيْكَ إِلَىٰ مَا مَتَّعْنَا بِهِ أَزْوَاجًا مِّنْهُمْ وَلَا تَحْزَنْ عَلَيْهِمْ وَاخْفِضْ جَنَاحَكَ لِلْمُؤْمِنِينَ (88) Usava zvirokwazvo unotarisa nemaziso ako aine ruchiva pane izvo zvatakapa mamwe mapoka avo (vasingatendi), uye usava unobatikana pamusoro pavo. Uye iva unodzikisa mapapiro ako kune avo vanotenda (kuvaremekedza) |
وَقُلْ إِنِّي أَنَا النَّذِيرُ الْمُبِينُ (89) Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, inini ndiri muyambiri ari pachena.” |
كَمَا أَنزَلْنَا عَلَى الْمُقْتَسِمِينَ (90) Sekudzikisa kwatakaita kune avo vanopatsanura (maQuraish anonamata zvidhori, kana maJudha nemaKristu) |
الَّذِينَ جَعَلُوا الْقُرْآنَ عِضِينَ (91) Avo vakapatsanura Qur’aan muzvidimbu zvidumbu (vakatenda muzvimwe uye vakaramba zvimwe) |
فَوَرَبِّكَ لَنَسْأَلَنَّهُمْ أَجْمَعِينَ (92) Saka ndinopika naTenzi vako (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo, tichava tinovabvunza vese |
عَمَّا كَانُوا يَعْمَلُونَ (93) Maererano neizvo zvavaiita |
فَاصْدَعْ بِمَا تُؤْمَرُ وَأَعْرِضْ عَنِ الْمُشْرِكِينَ (94) Naizvozvo paridza pachena zvawakakomekedzwa (Islaam), ova unosiyana neavo vasingatendi |
إِنَّا كَفَيْنَاكَ الْمُسْتَهْزِئِينَ (95) Zvirokwazvo! Tichava tinokukwanira kune avo vanokushoropodza |
الَّذِينَ يَجْعَلُونَ مَعَ اللَّهِ إِلَٰهًا آخَرَ ۚ فَسَوْفَ يَعْلَمُونَ (96) Avo vanosanganisa Allah neumwe mwari; asi vachasvika pakuziva |
وَلَقَدْ نَعْلَمُ أَنَّكَ يَضِيقُ صَدْرُكَ بِمَا يَقُولُونَ (97) Zvirokwazvo, tinoziva kuti zvavanotaura zvinokubata-bata muhana mako |
فَسَبِّحْ بِحَمْدِ رَبِّكَ وَكُن مِّنَ السَّاجِدِينَ (98) Naizvozvo rumbidza kurumbidzwa kwaTenzi vako uye ova pakati peavo vanopfugama |
وَاعْبُدْ رَبَّكَ حَتَّىٰ يَأْتِيَكَ الْيَقِينُ (99) Uye namata Tenzi vako kusvikira rufu rwauya kwauri |