| اقْرَأْ بِاسْمِ رَبِّكَ الَّذِي خَلَقَ (1) Verenga! Muzita raTenzi vako avo vakasika (zvinhu zvese)
 | 
| خَلَقَ الْإِنسَانَ مِنْ عَلَقٍ (2) Vakasika munhu kubva mubumbu reropa
 | 
| اقْرَأْ وَرَبُّكَ الْأَكْرَمُ (3) Verenga! Uye Tenzi vako ndivo mukomboreri mukuru
 | 
| الَّذِي عَلَّمَ بِالْقَلَمِ (4) Avo vakadzidzisa (kunyora) nechinyoreso
 | 
| عَلَّمَ الْإِنسَانَ مَا لَمْ يَعْلَمْ (5) Vakadzidzisa munhu izvo zvaakanga asingazivi
 | 
| كَلَّا إِنَّ الْإِنسَانَ لَيَطْغَىٰ (6) Asi, zvirokwazvo, munhu anodarika mirairo
 | 
| أَن رَّآهُ اسْتَغْنَىٰ (7) Nokuda kwekuti anozviona sekunge akapfuma
 | 
| إِنَّ إِلَىٰ رَبِّكَ الرُّجْعَىٰ (8) Zvirokazvo, kuna Tenzi vako ndiko kune kudzokera
 | 
| أَرَأَيْتَ الَّذِي يَنْهَىٰ (9) Wakamuona here (Muhammad (SAW)) uyo anodzivirira (anorambidza - Abu Jahl)
 | 
| عَبْدًا إِذَا صَلَّىٰ (10) Muranda (Muhammad (SAW)) kana achinamata
 | 
| أَرَأَيْتَ إِن كَانَ عَلَى الْهُدَىٰ (11) Wakamboona here kana iye (Muhammad (SAW)) ari kutungamirwa (naAllah)
 | 
| أَوْ أَمَرَ بِالتَّقْوَىٰ (12) Kana ari kukomekedza kutya (Allah)
 | 
| أَرَأَيْتَ إِن كَذَّبَ وَتَوَلَّىٰ (13) Wakamboona here kana iye (Abu Jahl) achiramba chokwadi (Qur’aan) uye achifuratira
 | 
| أَلَمْ يَعْلَم بِأَنَّ اللَّهَ يَرَىٰ (14) Haazivi here kuti Allah vanoona (zvose)
 | 
| كَلَّا لَئِن لَّمْ يَنتَهِ لَنَسْفَعًا بِالنَّاصِيَةِ (15) Asi, kana asina kusiya (Abu Jahl), tichamubata nebvudzi rekumberi
 | 
| نَاصِيَةٍ كَاذِبَةٍ خَاطِئَةٍ (16) Bvudzi repamberi (pemusoro) rinonyepa nekukanganisa
 | 
| فَلْيَدْعُ نَادِيَهُ (17) Naizvozvo chimusiyai adaidze dare rake (revabetseri)
 | 
| سَنَدْعُ الزَّبَانِيَةَ (18) Isu tichadaidza vachengeti veGehena (kuti vaone chekuita naye)
 | 
| كَلَّا لَا تُطِعْهُ وَاسْجُدْ وَاقْتَرِب ۩ (19) Kwete! (Muhammad (SAW)) usamuteerera (Abu Jahl). Pfugama uye uswedere pedyo (naAllah)
 |