حم (1) Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah) |
تَنزِيلٌ مِّنَ الرَّحْمَٰنِ الرَّحِيمِ (2) Mashoko akadzikiswa kubva kune vane tsitsi zhinji (Allah) vane ngoni |
كِتَابٌ فُصِّلَتْ آيَاتُهُ قُرْآنًا عَرَبِيًّا لِّقَوْمٍ يَعْلَمُونَ (3) Gwaro rine ndima dzakatsanangurwa zvizere, Qur’aan riri mururimi rwechiArab kuvanhu vanoziva |
بَشِيرًا وَنَذِيرًا فَأَعْرَضَ أَكْثَرُهُمْ فَهُمْ لَا يَسْمَعُونَ (4) Richipa mashoko akanaka (ekupinda kuParadhiso kweavo vanotenda muhumwechete hwaAllah uye vachivatya), uye nekuyambira (avo vasingatendi kuti kune Gehena), asi vazhinji vavo vanofuratira, naizvozvo hapana chavanonzwa |
وَقَالُوا قُلُوبُنَا فِي أَكِنَّةٍ مِّمَّا تَدْعُونَا إِلَيْهِ وَفِي آذَانِنَا وَقْرٌ وَمِن بَيْنِنَا وَبَيْنِكَ حِجَابٌ فَاعْمَلْ إِنَّنَا عَامِلُونَ (5) Uye vanoti: “Moyo yedu yakafukidzwa kubva kune izvo zvaunotikokera kwazviri, uye munzeve dzedu mune umatsi, uye pakati pedu nemi pane mudhuri, naizvozvo shanda (Panzira yako), zvirokwazvo isu tiri kushanda (panzira yedu).” |
قُلْ إِنَّمَا أَنَا بَشَرٌ مِّثْلُكُمْ يُوحَىٰ إِلَيَّ أَنَّمَا إِلَٰهُكُمْ إِلَٰهٌ وَاحِدٌ فَاسْتَقِيمُوا إِلَيْهِ وَاسْتَغْفِرُوهُ ۗ وَوَيْلٌ لِّلْمُشْرِكِينَ (6) Iti (Muhammad (SAW)): “Ini ndingori munhu semi. Zvakadzikiswa kwandiri kuti Mwari venyu ndiMwari vamwechete (Allah), naizvozvo torai nzira yakatwasuka kwavari (Islaam) movakumbira ruregerero. Uye matambudziko kumaMushrikoon (vanhu vanosanganisa Allah nezvimwe zvisikwa).” |
الَّذِينَ لَا يُؤْتُونَ الزَّكَاةَ وَهُم بِالْآخِرَةِ هُمْ كَافِرُونَ (7) “Avo vasingapi Zakaah (zvipo kuvarombo), uye havatendi muupenyu uchatevera.” |
إِنَّ الَّذِينَ آمَنُوا وَعَمِلُوا الصَّالِحَاتِ لَهُمْ أَجْرٌ غَيْرُ مَمْنُونٍ (8) “Zvirokwazvo, avo vanotenda (muhumwechete waAllah uye mumutumwa wavo Muhammad (SAW)) uye vachiita mabasa akanaka, vachave nemugove usingaperi (Paradhiso).” |
۞ قُلْ أَئِنَّكُمْ لَتَكْفُرُونَ بِالَّذِي خَلَقَ الْأَرْضَ فِي يَوْمَيْنِ وَتَجْعَلُونَ لَهُ أَندَادًا ۚ ذَٰلِكَ رَبُّ الْعَالَمِينَ (9) Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, hamutendi mavari here avo vakasika nyika nemazuva maviri? Uye munotora zvimwe zvisikwa (mukunamata) pamwechete navo (Allah)? Ava ndivo Tenzi vezvinhu zvose.” |
وَجَعَلَ فِيهَا رَوَاسِيَ مِن فَوْقِهَا وَبَارَكَ فِيهَا وَقَدَّرَ فِيهَا أَقْوَاتَهَا فِي أَرْبَعَةِ أَيَّامٍ سَوَاءً لِّلسَّائِلِينَ (10) “Vakaisa mairi (nyika) makomo pamusoro payo, uye vakaikomborera, uye vakaitarira raramo (yevagari vayo) mumazuva mana akaenzana kune avo vose vanobvunza (maererano nekusikwa kwazvo).” |
ثُمَّ اسْتَوَىٰ إِلَى السَّمَاءِ وَهِيَ دُخَانٌ فَقَالَ لَهَا وَلِلْأَرْضِ ائْتِيَا طَوْعًا أَوْ كَرْهًا قَالَتَا أَتَيْنَا طَائِعِينَ (11) Naizvozvo vakabva vatendeukira (vakakwidza) kudenga apo raiva utsi, uye vakati kwariri pamwechete nekunyika: “Uyai mose (muri vaviri) muchida kana musingadi.” Zvikati (denga nenyika): “Tinouya tichida.” |
فَقَضَاهُنَّ سَبْعَ سَمَاوَاتٍ فِي يَوْمَيْنِ وَأَوْحَىٰ فِي كُلِّ سَمَاءٍ أَمْرَهَا ۚ وَزَيَّنَّا السَّمَاءَ الدُّنْيَا بِمَصَابِيحَ وَحِفْظًا ۚ ذَٰلِكَ تَقْدِيرُ الْعَزِيزِ الْعَلِيمِ (12) Naizvozvo vakapedzisa kuzvisika (se) matenga nanomwe mumazuva maviri vakava vanoudza denga roga roga mabasa aro (nyaya dzaro). Uye takashongedza denga repedyo (nepasi) nemarambi (nyeredzi) kuti dzive shongezo pamwechete nechengetedzo (kubva kuna vana satani). Uku ndiko kutara kwaSamasimba, Muzivi hwezvose |
فَإِنْ أَعْرَضُوا فَقُلْ أَنذَرْتُكُمْ صَاعِقَةً مِّثْلَ صَاعِقَةِ عَادٍ وَثَمُودَ (13) Asi kana vakafuratira, naizvozvo iti (Muhammad (SAW)): “Ndinokuyambirai maererano neSwaaiqah (mhere inonyaudza inoparadza) inenge Swaaiqah yakaparadza maAad nemaThamood.” |
إِذْ جَاءَتْهُمُ الرُّسُلُ مِن بَيْنِ أَيْدِيهِمْ وَمِنْ خَلْفِهِمْ أَلَّا تَعْبُدُوا إِلَّا اللَّهَ ۖ قَالُوا لَوْ شَاءَ رَبُّنَا لَأَنزَلَ مَلَائِكَةً فَإِنَّا بِمَا أُرْسِلْتُم بِهِ كَافِرُونَ (14) (Rangarirai) apo vatumwa pavakauya kwavari, kubva nekumberi kwavo uye nekumashure kwavo (vachiti): “Musanamate chimwe chinhu kunze kwaAllah,” ivo vakati: “Kana Tenzi vedu vaida, vangadai vatitumira ngirozi. Naizvozvo, zvirokwazvo hatitendi mune izvo zvamatumirwa nazvo.” |
فَأَمَّا عَادٌ فَاسْتَكْبَرُوا فِي الْأَرْضِ بِغَيْرِ الْحَقِّ وَقَالُوا مَنْ أَشَدُّ مِنَّا قُوَّةً ۖ أَوَلَمْ يَرَوْا أَنَّ اللَّهَ الَّذِي خَلَقَهُمْ هُوَ أَشَدُّ مِنْهُمْ قُوَّةً ۖ وَكَانُوا بِآيَاتِنَا يَجْحَدُونَ (15) SemaAad, vaizvitutumadza panyika vasina mvumo, uye vaiti: “Ndiani ane ukuru kutidarika mumasimba?” Havaoni here kuti Allah vakavasika vane ukuru mumasimba kuvadarika. Uye vairamba zviratidzo (ndima) dzedu |
فَأَرْسَلْنَا عَلَيْهِمْ رِيحًا صَرْصَرًا فِي أَيَّامٍ نَّحِسَاتٍ لِّنُذِيقَهُمْ عَذَابَ الْخِزْيِ فِي الْحَيَاةِ الدُّنْيَا ۖ وَلَعَذَابُ الْآخِرَةِ أَخْزَىٰ ۖ وَهُمْ لَا يُنصَرُونَ (16) Saka takavatumira mhepo mumazuva emweya yakaipa (kwavari) kuti tive tinovaravidza mutongo unodzikisira muupenyu hwepano pasi. Asi zvirokwazvo mutongo weupenyu uchatevera uchanyanya kudzikisira, uye havazombobatsirwi |
وَأَمَّا ثَمُودُ فَهَدَيْنَاهُمْ فَاسْتَحَبُّوا الْعَمَىٰ عَلَى الْهُدَىٰ فَأَخَذَتْهُمْ صَاعِقَةُ الْعَذَابِ الْهُونِ بِمَا كَانُوا يَكْسِبُونَ (17) Uye kuma Thamood, takavaratidza uye tikavajekesera nzira yechokwadi (Islaam), asi vakasarudza upofu vachisiya kutungamirirwa, saka Swaaiqah (mheni, mhere inoparadza) ye mutongo unodzikisira yakavaparadza nekuda kwezvavaiita |
وَنَجَّيْنَا الَّذِينَ آمَنُوا وَكَانُوا يَتَّقُونَ (18) Uye takanunura avo vaitenda uye vachitya Allah (vachiita mabasa akanaka vachisiya mabasa akaipa) |
وَيَوْمَ يُحْشَرُ أَعْدَاءُ اللَّهِ إِلَى النَّارِ فَهُمْ يُوزَعُونَ (19) Uye (rangarirai) zuva iro vavengi vaAllah vachaunganidzwa kumoto, naizvozvo vachaperekedzwa (kumoto vachimirirana, vekutanga vachimirira vekupedzisira) |
حَتَّىٰ إِذَا مَا جَاءُوهَا شَهِدَ عَلَيْهِمْ سَمْعُهُمْ وَأَبْصَارُهُمْ وَجُلُودُهُم بِمَا كَانُوا يَعْمَلُونَ (20) Kusvikira, pavachasvika pauri (moto) nzeve dzavo, meso avo, uye makanda avo zvichapa uchapupu pane izvo zvavaiita |
وَقَالُوا لِجُلُودِهِمْ لِمَ شَهِدتُّمْ عَلَيْنَا ۖ قَالُوا أَنطَقَنَا اللَّهُ الَّذِي أَنطَقَ كُلَّ شَيْءٍ وَهُوَ خَلَقَكُمْ أَوَّلَ مَرَّةٍ وَإِلَيْهِ تُرْجَعُونَ (21) Uye vachati kumakanda avo: “Sei muri kupa uchapupu makanangana nesu?” Achati (makanda avo): “Allah vatiita kuti titaure sekuita kwavaita kuti zvinhu zvose zvitaure, uye ndivo vakakusikai panguva yekutanga, uye kwavari maitwa kuti mudzokere.” |
وَمَا كُنتُمْ تَسْتَتِرُونَ أَن يَشْهَدَ عَلَيْكُمْ سَمْعُكُمْ وَلَا أَبْصَارُكُمْ وَلَا جُلُودُكُمْ وَلَٰكِن ظَنَنتُمْ أَنَّ اللَّهَ لَا يَعْلَمُ كَثِيرًا مِّمَّا تَعْمَلُونَ (22) Uye maisavanda (panyika) musingazivi kuti nzeve dzenyu, meso enyu, nemakanda enyu zvichapa uchapupu zvakanangana nemi, asi maifunga kuti Allah havazivi zvizhinji zvezvamaiita |
وَذَٰلِكُمْ ظَنُّكُمُ الَّذِي ظَنَنتُم بِرَبِّكُمْ أَرْدَاكُمْ فَأَصْبَحْتُم مِّنَ الْخَاسِرِينَ (23) Uye mafungiro enyu amaifunga maererano naTenzi venyu, zvakuunzai mukuparadzwa, uye mava vamwe vevakarasikirwa |
فَإِن يَصْبِرُوا فَالنَّارُ مَثْوًى لَّهُمْ ۖ وَإِن يَسْتَعْتِبُوا فَمَا هُم مِّنَ الْمُعْتَبِينَ (24) Naizvozvo kana vachinge vatsungirira, moto ndiwo uchava imba kwavari, uye kana vakatsvaga kufadza Allah, havasi vamwe veavo vachapihwa mukana wekufadza Allah |
۞ وَقَيَّضْنَا لَهُمْ قُرَنَاءَ فَزَيَّنُوا لَهُم مَّا بَيْنَ أَيْدِيهِمْ وَمَا خَلْفَهُمْ وَحَقَّ عَلَيْهِمُ الْقَوْلُ فِي أُمَمٍ قَدْ خَلَتْ مِن قَبْلِهِم مِّنَ الْجِنِّ وَالْإِنسِ ۖ إِنَّهُمْ كَانُوا خَاسِرِينَ (25) Uye takavagadzirira shamwari dzepedyo (vana satani pano panyika) idzo dzakavashongedzera zvaiva pamberi pavo (mabasa erima) neizvo zvaiva mumashure mavo. Uye shoko raenzaniswa rakanangana navo sekuenzaniswa kwarakanga rakaitwa rakanangana nemadzinza akadarika kubva kumaJinn nevanhu vakadarika mushure mavo. Zvirokwazvo, vaiva vakarasikirwa |
وَقَالَ الَّذِينَ كَفَرُوا لَا تَسْمَعُوا لِهَٰذَا الْقُرْآنِ وَالْغَوْا فِيهِ لَعَلَّكُمْ تَغْلِبُونَ (26) Uye avo vasingatendi vanoti: “Musateerere Qur’aan iri, mova munoita ruzha (apo parinenge richiverengwa) kuti muve munokunda.” |
فَلَنُذِيقَنَّ الَّذِينَ كَفَرُوا عَذَابًا شَدِيدًا وَلَنَجْزِيَنَّهُمْ أَسْوَأَ الَّذِي كَانُوا يَعْمَلُونَ (27) Asi zvirokwazvo, tichaita kuti vasingatendi varavire mutongo wakaomarara, uye zvirokwazvo tichavapa muripo wakaomesesa nekuda kwezvavaiita |
ذَٰلِكَ جَزَاءُ أَعْدَاءِ اللَّهِ النَّارُ ۖ لَهُمْ فِيهَا دَارُ الْخُلْدِ ۖ جَزَاءً بِمَا كَانُوا بِآيَاتِنَا يَجْحَدُونَ (28) Uyu ndiwo muripo wevavengi vaAllah: Moto. Imomo vachagaramo zvachose, muripo nekuda kwekuti vairamba zviratidzo zvedu |
وَقَالَ الَّذِينَ كَفَرُوا رَبَّنَا أَرِنَا اللَّذَيْنِ أَضَلَّانَا مِنَ الْجِنِّ وَالْإِنسِ نَجْعَلْهُمَا تَحْتَ أَقْدَامِنَا لِيَكُونَا مِنَ الْأَسْفَلِينَ (29) Uye avo vasingatendi vachati: “Tenzi wedu! Tiratidzei avo pakati pemaJinn nevanhu vakatirasisa (kubva munzira yakatwasuka), kuti tive tinovatsikirira pasi petsoka dzedu kuti vazova vepasi pasi.” |
إِنَّ الَّذِينَ قَالُوا رَبُّنَا اللَّهُ ثُمَّ اسْتَقَامُوا تَتَنَزَّلُ عَلَيْهِمُ الْمَلَائِكَةُ أَلَّا تَخَافُوا وَلَا تَحْزَنُوا وَأَبْشِرُوا بِالْجَنَّةِ الَّتِي كُنتُمْ تُوعَدُونَ (30) Zvirokwazvo, avo vanoti: “Tenzi vedu ndiAllah (voga),” uye voramba vakatsungirira, ngirozi dzinodzika kwavari (panguva yavo yekufa dzichiti): “Musatye kana kushushikana! Asi gamuchirai mashoko akanaka eParadhiso ramakavimbiswa!” |
نَحْنُ أَوْلِيَاؤُكُمْ فِي الْحَيَاةِ الدُّنْيَا وَفِي الْآخِرَةِ ۖ وَلَكُمْ فِيهَا مَا تَشْتَهِي أَنفُسُكُمْ وَلَكُمْ فِيهَا مَا تَدَّعُونَ (31) “Taiva shamwari dzenyu paupenyu wepasi uye tiri (zvakare) muupenyu uchatevera. Ikoko muchawana zvose zvamunoshuvira, uye imomo muchawana zvose zvamunokumbira.” |
نُزُلًا مِّنْ غَفُورٍ رَّحِيمٍ (32) “Mafaro kubva kuna (Allah), muregereri, vane nyasha zhinji.” |
وَمَنْ أَحْسَنُ قَوْلًا مِّمَّن دَعَا إِلَى اللَّهِ وَعَمِلَ صَالِحًا وَقَالَ إِنَّنِي مِنَ الْمُسْلِمِينَ (33) Uye ndiani ari nani mumashoko pane uyo anodana (vanhu) kuna Allah, oita mabasa akanaka, uye oti: “Ndiri umwe wemaMuslim (vanozvipira muchitendero cheIslaam).” |
وَلَا تَسْتَوِي الْحَسَنَةُ وَلَا السَّيِّئَةُ ۚ ادْفَعْ بِالَّتِي هِيَ أَحْسَنُ فَإِذَا الَّذِي بَيْنَكَ وَبَيْنَهُ عَدَاوَةٌ كَأَنَّهُ وَلِيٌّ حَمِيمٌ (34) Basa rakanaka nebasa rakaipa hazvingamboenzani. Tsiva (zvakaipa) neizvo zviri nani, uye zvirokwazvo iye, pakati pake newe paiva neruvengo, achava sekunge aiva shamwari yepedyo |
وَمَا يُلَقَّاهَا إِلَّا الَّذِينَ صَبَرُوا وَمَا يُلَقَّاهَا إِلَّا ذُو حَظٍّ عَظِيمٍ (35) Asi hapana akapihwa (chimiro chataurwa pandima iri pamusoro) kusara kwe avo vanotsungirira, uye hapana akachipihwa kunze kwemuridzi wechidimbu chikuru (chemafaro kuParadhiso uye ane chimiro chakanaka) pano panyika |
وَإِمَّا يَنزَغَنَّكَ مِنَ الشَّيْطَانِ نَزْغٌ فَاسْتَعِذْ بِاللَّهِ ۖ إِنَّهُ هُوَ السَّمِيعُ الْعَلِيمُ (36) Uye kana kazevezeve kakaipa kanobva kuna Shaitwaan (Satani) kakada kukutendeutsa (mukuita mabasa akanaka), iva unokumbira ruchengetedzo kuna Allah. Zvirokwazvo, ndivo munzwi wezvose, muzivi wezvose |
وَمِنْ آيَاتِهِ اللَّيْلُ وَالنَّهَارُ وَالشَّمْسُ وَالْقَمَرُ ۚ لَا تَسْجُدُوا لِلشَّمْسِ وَلَا لِلْقَمَرِ وَاسْجُدُوا لِلَّهِ الَّذِي خَلَقَهُنَّ إِن كُنتُمْ إِيَّاهُ تَعْبُدُونَ (37) Uye kubva muzviratidzo zvavo pane usiku nemasikati, uye zuva nemwedzi. Musava munopfugamira (munoisa zviso zvenyu kune) zuva kana mwedzi, asi pfugamirai (isai zviso zvenyu kuna) Allah vakazvisika, kana muchivanamata (muchokwadi) |
فَإِنِ اسْتَكْبَرُوا فَالَّذِينَ عِندَ رَبِّكَ يُسَبِّحُونَ لَهُ بِاللَّيْلِ وَالنَّهَارِ وَهُمْ لَا يَسْأَمُونَ ۩ (38) Asi kana vakanyanya kuzvitutumadza (vasingadi kuita kudaro), naizvozvo pane avo vana Tenzi vako (ngirozi) vanovarumbidza usiku nemasikati, uye havamboneti |
وَمِنْ آيَاتِهِ أَنَّكَ تَرَى الْأَرْضَ خَاشِعَةً فَإِذَا أَنزَلْنَا عَلَيْهَا الْمَاءَ اهْتَزَّتْ وَرَبَتْ ۚ إِنَّ الَّذِي أَحْيَاهَا لَمُحْيِي الْمَوْتَىٰ ۚ إِنَّهُ عَلَىٰ كُلِّ شَيْءٍ قَدِيرٌ (39) Uye kubva muzviratidzo zvavo, ndezvekuti munoona nyika isina chaiinacho, asi kana tichinge tatumira mvura kwairi inodzorwa kuupenyu nekukura (kwezvinhu). Zvirokwazvo, avo vanoipa upenyu, muzvokwadi vanokwanisa kupa upenyu kune vakafa (pazuva rekutongwa). Zvirokwazvo, vanokwanisa kuita zvinhu zvose |
إِنَّ الَّذِينَ يُلْحِدُونَ فِي آيَاتِنَا لَا يَخْفَوْنَ عَلَيْنَا ۗ أَفَمَن يُلْقَىٰ فِي النَّارِ خَيْرٌ أَم مَّن يَأْتِي آمِنًا يَوْمَ الْقِيَامَةِ ۚ اعْمَلُوا مَا شِئْتُمْ ۖ إِنَّهُ بِمَا تَعْمَلُونَ بَصِيرٌ (40) Zvirokwazvo, avo vanofuratira ndima dzedu, havana kuvandika kwatiri. Ari nani here uyo anokandwa kumoto kana uyo anouya akasununguka zuva rekutongwa? Itai zvamunoda. Zvirokwazvo, vanoona (Allah) zvose zvamunoita (Ichi ityityidziro huru kune avo vasingatendi) |
إِنَّ الَّذِينَ كَفَرُوا بِالذِّكْرِ لَمَّا جَاءَهُمْ ۖ وَإِنَّهُ لَكِتَابٌ عَزِيزٌ (41) Zvirokwazvo, avo vaisatenda murangaridzo (Qur’aan) mushure mekunge yauya kwavari (vachawana mutongo). Uye zvirokwazvo iGwaro rinoremekedzwa (rine chiremera nekuti ishoko raAllah iro ravari kurichengetedza kubva mukuchinjwa) |
لَّا يَأْتِيهِ الْبَاطِلُ مِن بَيْنِ يَدَيْهِ وَلَا مِنْ خَلْفِهِ ۖ تَنزِيلٌ مِّنْ حَكِيمٍ حَمِيدٍ (42) Manyepo haakwanisi kuuya kwariri kubva kumberi kana kumashure kwaro: rakatumirwa nevane ungwaru hwose, vane kodzero yekurumbidzwa (Allah) |
مَّا يُقَالُ لَكَ إِلَّا مَا قَدْ قِيلَ لِلرُّسُلِ مِن قَبْلِكَ ۚ إِنَّ رَبَّكَ لَذُو مَغْفِرَةٍ وَذُو عِقَابٍ أَلِيمٍ (43) Hapana chinotaurwa kwauri (Muhammad (SAW)) kunze kwe izvo zvakataurwa kuvatumwa mumashure mako. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo muridzi weruregerero, uye muridzi wemutongo unorwadza |
وَلَوْ جَعَلْنَاهُ قُرْآنًا أَعْجَمِيًّا لَّقَالُوا لَوْلَا فُصِّلَتْ آيَاتُهُ ۖ أَأَعْجَمِيٌّ وَعَرَبِيٌّ ۗ قُلْ هُوَ لِلَّذِينَ آمَنُوا هُدًى وَشِفَاءٌ ۖ وَالَّذِينَ لَا يُؤْمِنُونَ فِي آذَانِهِمْ وَقْرٌ وَهُوَ عَلَيْهِمْ عَمًى ۚ أُولَٰئِكَ يُنَادَوْنَ مِن مَّكَانٍ بَعِيدٍ (44) Uye dai takatumira Qur’aan nemutauro wekunze (mutauro usiri wechiArabhu) vaiti: “Sei ndima dzaro (Qur’an) dzisina kutsanangurwa zvizere (mumutauro wedu)? Sei (Qur’aan) risiri mumutauro wechiArabhu uye (Mutumwa) iye ari muArabhu?” Iti: “Kune avo vanotenda riri nhungamiri uye rinopodza (rinorapa). Uye kune avo vasingatendi, mune urema (umatsi) munzeve dzavo, uye (Qur’aan) rinovapofumadza. Ndeavo vanodaidzwa kubva kunzvimbo iri kure (nokudaro havateereri kana kunzwisisa).” |
وَلَقَدْ آتَيْنَا مُوسَى الْكِتَابَ فَاخْتُلِفَ فِيهِ ۗ وَلَوْلَا كَلِمَةٌ سَبَقَتْ مِن رَّبِّكَ لَقُضِيَ بَيْنَهُمْ ۚ وَإِنَّهُمْ لَفِي شَكٍّ مِّنْهُ مُرِيبٍ (45) Uye zvirokwazvo takapa Musa, Gwaro (Torah), asi kupokana kwakawanikwa pariri. Uye dai kusiri kuti kwakatumirwa shoko mumashure kubva kuna Tenzi vako, (murango ingadai wakavawira uye) uye zvirokwazvo nyaya iyi ingadai yakatogadziriswa pakati pavo. Asi zvirokwazvo, vane kugunun’una nekusagutsikana kwakanyanya mariri (Qur’aan) |
مَّنْ عَمِلَ صَالِحًا فَلِنَفْسِهِ ۖ وَمَنْ أَسَاءَ فَعَلَيْهَا ۗ وَمَا رَبُّكَ بِظَلَّامٍ لِّلْعَبِيدِ (46) Ani nani (zvake) anoita basa rakanaka, nderake pachake; uye ani nani anoita chakaipa zvinenge zvakanangana naye. Uye Tenzi vako havasi mudzvinyiriri kuvaranda vavo |
۞ إِلَيْهِ يُرَدُّ عِلْمُ السَّاعَةِ ۚ وَمَا تَخْرُجُ مِن ثَمَرَاتٍ مِّنْ أَكْمَامِهَا وَمَا تَحْمِلُ مِنْ أُنثَىٰ وَلَا تَضَعُ إِلَّا بِعِلْمِهِ ۚ وَيَوْمَ يُنَادِيهِمْ أَيْنَ شُرَكَائِي قَالُوا آذَنَّاكَ مَا مِنَّا مِن شَهِيدٍ (47) Kwavari (Allah) chete ndiko kune ruzivo rwenguva. Hapana muchero unobuda kubva muchinyedza chawo, kana chikadzi kuzvitakura kana kubara kusara neruzivo rwavo. Uye pazuva iro (Allah) vachadaidzira kwavari (vachiti): “Varipi vamwe vangu (vamaindisanganisa navo)?” Ivo vachati: “Tinokutaurirai kuti hapana umwe wedu anopa uchapupu kwazviri (kuti vamwe venyu)!” |
وَضَلَّ عَنْهُم مَّا كَانُوا يَدْعُونَ مِن قَبْلُ ۖ وَظَنُّوا مَا لَهُم مِّن مَّحِيصٍ (48) Uye avo vavaidana mumashure (Panyika pano) vachanyangarika kubva kwavari, uye vachava vanoziva kuti havana nzvimbo yekutizira (kubva kumutongo waAllah) |
لَّا يَسْأَمُ الْإِنسَانُ مِن دُعَاءِ الْخَيْرِ وَإِن مَّسَّهُ الشَّرُّ فَيَئُوسٌ قَنُوطٌ (49) Munhu (asingatendi) haaneti kukumbira zvakanaka (kubva kuna Allah). Asi chakaipa kana chichinge chamubata, anoshaya tarisiro uye orasikirwa |
وَلَئِنْ أَذَقْنَاهُ رَحْمَةً مِّنَّا مِن بَعْدِ ضَرَّاءَ مَسَّتْهُ لَيَقُولَنَّ هَٰذَا لِي وَمَا أَظُنُّ السَّاعَةَ قَائِمَةً وَلَئِن رُّجِعْتُ إِلَىٰ رَبِّي إِنَّ لِي عِندَهُ لَلْحُسْنَىٰ ۚ فَلَنُنَبِّئَنَّ الَّذِينَ كَفَرُوا بِمَا عَمِلُوا وَلَنُذِيقَنَّهُم مِّنْ عَذَابٍ غَلِيظٍ (50) Uye muzvokwadi, kana tichinge tamuravidza netsitsi kubva kwatiri, mushure mekunge chakaipa (urombo hwakanyanya kana urwere) chamubata, anotaura muzvokwadi achiti: “Izvi zvaitika nokuda (kwekugona) kwangu, handifungi kuti nguva ichava inosvika. Asi kana ndichinge ndadzoswa kuna Tenzi vangu, chokwadi pachange paine zvakanaka zvangu (upfumi) navo.” Pedzezvo, zvirokwazvo, tichava tinoratidza vasingatendi izvo zvavaiita, uye tichavaita kuti varavire mutongo wakaomarara |
وَإِذَا أَنْعَمْنَا عَلَى الْإِنسَانِ أَعْرَضَ وَنَأَىٰ بِجَانِبِهِ وَإِذَا مَسَّهُ الشَّرُّ فَذُو دُعَاءٍ عَرِيضٍ (51) Uye kana tichinge taratidza munhu makomborero, anodzoka kumashure ofuratira; asi kana chakaipa chamubata, anoita minamato yakareba |
قُلْ أَرَأَيْتُمْ إِن كَانَ مِنْ عِندِ اللَّهِ ثُمَّ كَفَرْتُم بِهِ مَنْ أَضَلُّ مِمَّنْ هُوَ فِي شِقَاقٍ بَعِيدٍ (52) Iti: “Nditaurirei, kana (Qur’aan) richibva kuna Allah, uye hamutendi mariri? Ndeupi akanyanya kurasika kudarika uyo anopikisa zvakanyanya zviri kure (kubva kunzira yaAllah)?” |
سَنُرِيهِمْ آيَاتِنَا فِي الْآفَاقِ وَفِي أَنفُسِهِمْ حَتَّىٰ يَتَبَيَّنَ لَهُمْ أَنَّهُ الْحَقُّ ۗ أَوَلَمْ يَكْفِ بِرَبِّكَ أَنَّهُ عَلَىٰ كُلِّ شَيْءٍ شَهِيدٌ (53) Tichavaritidza zviratidzo zvedu pasi rose, uye mavari pachavo, kusvikira zvava pachena kwavari kuti izvi (zviri muQur’aan) ndezve chokwadi. Hazvina kukwana here kuti Tenzi vako mupupuri pamusoro pezvinhu zvese |
أَلَا إِنَّهُمْ فِي مِرْيَةٍ مِّن لِّقَاءِ رَبِّهِمْ ۗ أَلَا إِنَّهُ بِكُلِّ شَيْءٍ مُّحِيطٌ (54) Zvirokwazvo, havasi kugutsikana nekusangana kwavo naTenzi vavo (kumutswa kubva kuvafi nekudzokera kuna Tenzi vavo). Zvirokwazvo, ndivo (Allah) vakakomberedza zvinhu zvose |