| وَيْلٌ لِّلْمُطَفِّفِينَ (1) Matambudziko kune Al-Mutwaffifoon (avo vanobiridzira, vanopa zvishoma pakuera nepauremu)
 | 
| الَّذِينَ إِذَا اكْتَالُوا عَلَى النَّاسِ يَسْتَوْفُونَ (2) Avo kana vachitambira mupimo kubva kuvanhu vanoda mupimo wakazara
 | 
| وَإِذَا كَالُوهُمْ أَو وَّزَنُوهُمْ يُخْسِرُونَ (3) Uye kana vachipa nemupimo kana huremu kune (vamwe) vanhu vanopa zvishoma
 | 
| أَلَا يَظُنُّ أُولَٰئِكَ أَنَّهُم مَّبْعُوثُونَ (4) Havafungi here kuti vachamutswa
 | 
| لِيَوْمٍ عَظِيمٍ (5) Pazuva guru
 | 
| يَوْمَ يَقُومُ النَّاسُ لِرَبِّ الْعَالَمِينَ (6) Zuva iro vanhu vachamira pamberi paTenzi vepasi rose
 | 
| كَلَّا إِنَّ كِتَابَ الْفُجَّارِ لَفِي سِجِّينٍ (7) Kwete! Zvirokwazvo, zvinyorwa zvemabasa evatadzi zviri muSijjeen
 | 
| وَمَا أَدْرَاكَ مَا سِجِّينٌ (8) Uye chii chinoita kuti uzive kuti Sijjeen chii
 | 
| كِتَابٌ مَّرْقُومٌ (9) Ibhuku rakanyorwa
 | 
| وَيْلٌ يَوْمَئِذٍ لِّلْمُكَذِّبِينَ (10) Matambudziko pazuva iroro kune avo vanoramba
 | 
| الَّذِينَ يُكَذِّبُونَ بِيَوْمِ الدِّينِ (11) Avo vanoramba zuva rekutongwa
 | 
| وَمَا يُكَذِّبُ بِهِ إِلَّا كُلُّ مُعْتَدٍ أَثِيمٍ (12) Uye hapana anoriramba kusara kweuyo anopfurikidza miganhu (pakusatenda, pakudzvinyirira uye pakusateerera Allah), mutadzi
 | 
| إِذَا تُتْلَىٰ عَلَيْهِ آيَاتُنَا قَالَ أَسَاطِيرُ الْأَوَّلِينَ (13) Kana ndima dzedu dzichiverengwa kwaari anoti: “Inyaya dzevanhu vakare!”
 | 
| كَلَّا ۖ بَلْ ۜ رَانَ عَلَىٰ قُلُوبِهِم مَّا كَانُوا يَكْسِبُونَ (14) Kwete! Asi pamoyo yavo pane Raan (chivharo chezvitadzo nemabasa akaipa) avaiwana
 | 
| كَلَّا إِنَّهُمْ عَن رَّبِّهِمْ يَوْمَئِذٍ لَّمَحْجُوبُونَ (15) Kwete! Zvirokwazvo, (vatadzi) vachavharidzirwa kuona Tenzi vavo pazuva iroro
 | 
| ثُمَّ إِنَّهُمْ لَصَالُو الْجَحِيمِ (16) Uye zvirokwazvo vachava vanopinda murima remoto weGehena
 | 
| ثُمَّ يُقَالُ هَٰذَا الَّذِي كُنتُم بِهِ تُكَذِّبُونَ (17) Uye zvichanzi kwavari: “Izvi ndizvo zvamairamba!”
 | 
| كَلَّا إِنَّ كِتَابَ الْأَبْرَارِ لَفِي عِلِّيِّينَ (18) Kwete! Zvirokwazvo, zvinyorwa zvemabasa evatendi zviri muIlliyyoon
 | 
| وَمَا أَدْرَاكَ مَا عِلِّيُّونَ (19) Uye chii chinoita kuti uzive kuti Illiyyoon chii
 | 
| كِتَابٌ مَّرْقُومٌ (20) Ibhuku rakanyorwa
 | 
| يَشْهَدُهُ الْمُقَرَّبُونَ (21) Iro rinoitirwa uchapupu nevaripedyo (ngirozi)
 | 
| إِنَّ الْأَبْرَارَ لَفِي نَعِيمٍ (22) Zvirokwazvo, vatendi (muIslaam) vachange vari mumafaro (Paradhiso)
 | 
| عَلَى الْأَرَائِكِ يَنظُرُونَ (23) Pazvigaro, vachitarisa (zvinhu zvose)
 | 
| تَعْرِفُ فِي وُجُوهِهِمْ نَضْرَةَ النَّعِيمِ (24) Uchaona pazviso zvavo kubwinya kwemufaro
 | 
| يُسْقَوْنَ مِن رَّحِيقٍ مَّخْتُومٍ (25) Vachapihwa waini yakavharwa kuti vamwe
 | 
| خِتَامُهُ مِسْكٌ ۚ وَفِي ذَٰلِكَ فَلْيَتَنَافَسِ الْمُتَنَافِسُونَ (26) Kwekupedzisira kwayo (waini) kuchange kuine munhuwi weMasiki (wakanaka)
 | 
| وَمِزَاجُهُ مِن تَسْنِيمٍ (27) Ichange (waini) yakasanganiswa neTasneem
 | 
| عَيْنًا يَشْرَبُ بِهَا الْمُقَرَّبُونَ (28) Chitubu, chichange chichinwirwa nevari pedyo naAllah
 | 
| إِنَّ الَّذِينَ أَجْرَمُوا كَانُوا مِنَ الَّذِينَ آمَنُوا يَضْحَكُونَ (29) Zvirokwazvo, (panyika) avo vaiita mabasa akaipa vaiseka avo vaitenda
 | 
| وَإِذَا مَرُّوا بِهِمْ يَتَغَامَزُونَ (30) Uye, pose pavaipfuura nepavari vaitsonyana
 | 
| وَإِذَا انقَلَبُوا إِلَىٰ أَهْلِهِمُ انقَلَبُوا فَكِهِينَ (31) Uye pose pavaidzokera kuvanhu vavo, vaidzoka vachiseka vachifara
 | 
| وَإِذَا رَأَوْهُمْ قَالُوا إِنَّ هَٰؤُلَاءِ لَضَالُّونَ (32) Uye pavaivaona vaiti: “Zvirokwazvo, ava ndivo vakarasika!”
 | 
| وَمَا أُرْسِلُوا عَلَيْهِمْ حَافِظِينَ (33) Asi avo (vasingatendi, vatadzi) havana kutumwa sevachengetedzi (vevanotenda)
 | 
| فَالْيَوْمَ الَّذِينَ آمَنُوا مِنَ الْكُفَّارِ يَضْحَكُونَ (34) Asi zuva ranhasi (zuva rekutongwa) avo vanotenda vachange vachiseka vasingatendi
 | 
| عَلَى الْأَرَائِكِ يَنظُرُونَ (35) Vari pazvigaro, vachitarisa (zvinhu zvose)
 | 
| هَلْ ثُوِّبَ الْكُفَّارُ مَا كَانُوا يَفْعَلُونَ (36) Ko vasingatendi havana here kupihwa mubairo wavo (zvizere) wezvavaiita
 |