| وَالذَّارِيَاتِ ذَرْوًا (1) (Ndinopika) nemhepo inopfumbura huruva
 | 
| فَالْحَامِلَاتِ وِقْرًا (2) Uye (nemakore) anotakura mvura inorema
 | 
| فَالْجَارِيَاتِ يُسْرًا (3) Uye neizvo zvinofamba pamusoro pemvura (ngarava) zviri nyore uye zvakadzikama
 | 
| فَالْمُقَسِّمَاتِ أَمْرًا (4) Uye neizvo (ngirozi) zvinopa (chikafu, mvura, nemamwe makomborero) nokuda kwaAllah
 | 
| إِنَّمَا تُوعَدُونَ لَصَادِقٌ (5) Zvirokwazvo, izvo zvamunovimbiswa (kumutswa kubva kuvafi) ichokwadi
 | 
| وَإِنَّ الدِّينَ لَوَاقِعٌ (6) Uye zvirokwazvo kupa mubairo kuchaiitika
 | 
| وَالسَّمَاءِ ذَاتِ الْحُبُكِ (7) Ndinopika nedenga iro rakazara nenzira
 | 
| إِنَّكُمْ لَفِي قَوْلٍ مُّخْتَلِفٍ (8) Zvirokwazvo, mune maonero akasiyana (maererano naMuhammad (SAW) neQur’aan
 | 
| يُؤْفَكُ عَنْهُ مَنْ أُفِكَ (9) Akapfuratira kubva kwariri (Qur’aan) ndeuyo anopfuratidzwa (neurongwa waAllah)
 | 
| قُتِلَ الْخَرَّاصُونَ (10) Kushorwa ngakuve kune vanonyepa
 | 
| الَّذِينَ هُمْ فِي غَمْرَةٍ سَاهُونَ (11) Avo vasina hanya nezvezuva rokutongwa
 | 
| يَسْأَلُونَ أَيَّانَ يَوْمُ الدِّينِ (12) Vanobvunza: “Zuva rekutongwa ririko rinhi?”
 | 
| يَوْمَ هُمْ عَلَى النَّارِ يُفْتَنُونَ (13) (Richava) zuva ravacharangwa nemoto
 | 
| ذُوقُوا فِتْنَتَكُمْ هَٰذَا الَّذِي كُنتُم بِهِ تَسْتَعْجِلُونَ (14) “Ravirai murango wenyu (kutswa nemoto)! Izvi ndizvo zvamaikumbira kuti zvikurumidze kuitwa!”
 | 
| إِنَّ الْمُتَّقِينَ فِي جَنَّاتٍ وَعُيُونٍ (15) Zvirokwazvo, vanotya (Allah) vachange vari mumapindu uye nezvitubu (muParadhiso)
 | 
| آخِذِينَ مَا آتَاهُمْ رَبُّهُمْ ۚ إِنَّهُمْ كَانُوا قَبْلَ ذَٰلِكَ مُحْسِنِينَ (16) Vachinakirwa nezvinhu zvavanenge vapiwa naTenzi vavo. Zvirokwazvo, vakanga vari vaiti vemabasa akanaka mushure
 | 
| كَانُوا قَلِيلًا مِّنَ اللَّيْلِ مَا يَهْجَعُونَ (17) Vairara nguva shoma usiku (vachinamata)
 | 
| وَبِالْأَسْحَارِ هُمْ يَسْتَغْفِرُونَ (18) Uye vaikumbira ruregerero mangwanani kusati kwachena
 | 
| وَفِي أَمْوَالِهِمْ حَقٌّ لِّلسَّائِلِ وَالْمَحْرُومِ (19) Uye paupfumi hwavo pakanga paine kodzero dzeavo vanokumbira neavo vanotambura asi vasingakumbiri
 | 
| وَفِي الْأَرْضِ آيَاتٌ لِّلْمُوقِنِينَ (20) Uye panyika kune zviratidzo kune avo vanotenda uye vari pachokwadi
 | 
| وَفِي أَنفُسِكُمْ ۚ أَفَلَا تُبْصِرُونَ (21) Uye mukati menyu. Hamuoni here
 | 
| وَفِي السَّمَاءِ رِزْقُكُمْ وَمَا تُوعَدُونَ (22) Uye kumatenga ndiko kune raramo yenyu, uye izvo zvamakavimbiswa
 | 
| فَوَرَبِّ السَّمَاءِ وَالْأَرْضِ إِنَّهُ لَحَقٌّ مِّثْلَ مَا أَنَّكُمْ تَنطِقُونَ (23) Naizvozvo ndinopika naTenzi vematenga nenyika, zvirokwazvo ichokwadi (zvamakavimbiswa) sokunge huchokwadi wekuti munotaura
 | 
| هَلْ أَتَاكَ حَدِيثُ ضَيْفِ إِبْرَاهِيمَ الْمُكْرَمِينَ (24) Ko haina here kusvika kwamuri nyaya yevaenzi vaAbrahamu vanoremekedzeka (Gabriel nedzimwe ngirozi mbiri)
 | 
| إِذْ دَخَلُوا عَلَيْهِ فَقَالُوا سَلَامًا ۖ قَالَ سَلَامٌ قَوْمٌ مُّنكَرُونَ (25) Apo vakapinda kwaari vakati: “Rugare!” Iye akati: “Rugare!” Akati: “Muri vanhu vandisingazivi.”
 | 
| فَرَاغَ إِلَىٰ أَهْلِهِ فَجَاءَ بِعِجْلٍ سَمِينٍ (26) Naizvozvo akaenda kumhuri yake, uye ndokubva auya nekamhuru kakakangiwa (hupfumi waAbrahamu wakawanda wange uri wemombe)
 | 
| فَقَرَّبَهُ إِلَيْهِمْ قَالَ أَلَا تَأْكُلُونَ (27) Akabva akaisa pamberi pavo (achiti): “Hamungadyi here?”
 | 
| فَأَوْجَسَ مِنْهُمْ خِيفَةً ۖ قَالُوا لَا تَخَفْ ۖ وَبَشَّرُوهُ بِغُلَامٍ عَلِيمٍ (28) Naizvozvo akataridza kuvatya (apo pavasina kudya). Vakati: “Usatya.” Ndokubva vamupa mashoko akanaka emwanakomana ane ruzivo (rweIslaam)
 | 
| فَأَقْبَلَتِ امْرَأَتُهُ فِي صَرَّةٍ فَصَكَّتْ وَجْهَهَا وَقَالَتْ عَجُوزٌ عَقِيمٌ (29) Zvino mukadzi wake akauya padyo neizwi riri pamusoro, akazvirova kumeso kwake ndokubva ati: “Mukadzi mukuru asingabereki!”
 | 
| قَالُوا كَذَٰلِكِ قَالَ رَبُّكِ ۖ إِنَّهُ هُوَ الْحَكِيمُ الْعَلِيمُ (30) Ivo ndokuti: “Ndizvo zvataurwa naTenzi vako. Zvirokwazvo, vane hungwaru hwese, vanoziva zvese.”
 | 
| ۞ قَالَ فَمَا خَطْبُكُمْ أَيُّهَا الْمُرْسَلُونَ (31) (Abrahamu) akati: “Saka mavingei nhai vatumwa?”
 | 
| قَالُوا إِنَّا أُرْسِلْنَا إِلَىٰ قَوْمٍ مُّجْرِمِينَ (32) Vakati: “Zvirokwazvo, tiri vatumwa kune avo vanhu vanotadza.”
 | 
| لِنُرْسِلَ عَلَيْهِمْ حِجَارَةً مِّن طِينٍ (33) “Kuti titumire kwavari matombo evhu rakatsva.”
 | 
| مُّسَوَّمَةً عِندَ رَبِّكَ لِلْمُسْرِفِينَ (34) “Akatarwa naTenzi vako kune avo vatadzi.”
 | 
| فَأَخْرَجْنَا مَن كَانَ فِيهَا مِنَ الْمُؤْمِنِينَ (35) Naizvozvo takaburitsa vatendi mairi
 | 
| فَمَا وَجَدْنَا فِيهَا غَيْرَ بَيْتٍ مِّنَ الْمُسْلِمِينَ (36) Nokudaro hatina kuwana imba yemutendi (Muslim) imomo kunze kweimwechete (Loti nevanasikana vake vaviri)
 | 
| وَتَرَكْنَا فِيهَا آيَةً لِّلَّذِينَ يَخَافُونَ الْعَذَابَ الْأَلِيمَ (37) Uye takasiya chiratidzo imomo (Dead Sea ku Palestine) kune avo vanotya murango unorwadza
 | 
| وَفِي مُوسَىٰ إِذْ أَرْسَلْنَاهُ إِلَىٰ فِرْعَوْنَ بِسُلْطَانٍ مُّبِينٍ (38) Uye muna Musa zvakare (mune chiratidzo), apo takamutuma kuna Farawo nehumboo uri pachena
 | 
| فَتَوَلَّىٰ بِرُكْنِهِ وَقَالَ سَاحِرٌ أَوْ مَجْنُونٌ (39) Asi (Farawo) pamwe nevatsigiri vake vakafuratira, uye akati: “Munhu anoita masaramusi kana kuti anopenga.”
 | 
| فَأَخَذْنَاهُ وَجُنُودَهُ فَنَبَذْنَاهُمْ فِي الْيَمِّ وَهُوَ مُلِيمٌ (40) Naizvozvo takamutora iye nemauto ake, uye tikavanyudza mugungwa, nokuda kwekuti ndiye akanga aine mhosva
 | 
| وَفِي عَادٍ إِذْ أَرْسَلْنَا عَلَيْهِمُ الرِّيحَ الْعَقِيمَ (41) Uye kumaAad (kune chiratidzo), apo takatumira kwavari mhepo inoparadza
 | 
| مَا تَذَرُ مِن شَيْءٍ أَتَتْ عَلَيْهِ إِلَّا جَعَلَتْهُ كَالرَّمِيمِ (42) Haina kusiya kana chii zvacho chayakasvikira, asi kuti yakasiya yaita marara
 | 
| وَفِي ثَمُودَ إِذْ قِيلَ لَهُمْ تَمَتَّعُوا حَتَّىٰ حِينٍ (43) Uye kuma Thamood (kune chiratidzo), apo zvakanzi kwavari: “Nakirwai kwekanguvana!”
 | 
| فَعَتَوْا عَنْ أَمْرِ رَبِّهِمْ فَأَخَذَتْهُمُ الصَّاعِقَةُ وَهُمْ يَنظُرُونَ (44) Asi havana kuteerera mirairo yaTenzi vavo vakazvikudza, ndokubva varohwa nemheni apo vakatarisa
 | 
| فَمَا اسْتَطَاعُوا مِن قِيَامٍ وَمَا كَانُوا مُنتَصِرِينَ (45) Zvino vakanga vasingachakwanisi kusimuka, kana kukwanisa kuzvibetsera
 | 
| وَقَوْمَ نُوحٍ مِّن قَبْلُ ۖ إِنَّهُمْ كَانُوا قَوْمًا فَاسِقِينَ (46) Uye vanhu vaNowa mushure. Zvirokwazvo, vaive vanhu vasinganzwisisi (vasingateereri Allah)
 | 
| وَالسَّمَاءَ بَنَيْنَاهَا بِأَيْدٍ وَإِنَّا لَمُوسِعُونَ (47) Uye matenga takaagadzira nesimba. Uye zvirokwazvo tinokwanisa kuwawedzera
 | 
| وَالْأَرْضَ فَرَشْنَاهَا فَنِعْمَ الْمَاهِدُونَ (48) Uye nyika takaiparadzira, (uye) tiri nyanzvi dzakadii pakuparadzira zvakanaka
 | 
| وَمِن كُلِّ شَيْءٍ خَلَقْنَا زَوْجَيْنِ لَعَلَّكُمْ تَذَكَّرُونَ (49) Uye pazvinhu zvose takasika zviviri zviviri kuitira kuti mugorangarira (makomborero aAllah)
 | 
| فَفِرُّوا إِلَى اللَّهِ ۖ إِنِّي لَكُم مِّنْهُ نَذِيرٌ مُّبِينٌ (50) Naizvozvo chimhanyirai kuna Allah (Islaam). Zvirokwazvo, ini (Muhammad (SAW)) ndiri muyambiri ari pachena kwamuri kubva kwavari
 | 
| وَلَا تَجْعَلُوا مَعَ اللَّهِ إِلَٰهًا آخَرَ ۖ إِنِّي لَكُم مِّنْهُ نَذِيرٌ مُّبِينٌ (51) Uye musatora chimwe chinamatwa pamwechete naAllah. Zvirokwazvo, ini (Muhammad (SAW)) ndiri muyambiri ari pachena kwamuri kubva kwavari
 | 
| كَذَٰلِكَ مَا أَتَى الَّذِينَ مِن قَبْلِهِم مِّن رَّسُولٍ إِلَّا قَالُوا سَاحِرٌ أَوْ مَجْنُونٌ (52) Saizvozvo, hakuna mutumwa akauya kune avo mushure mavo kunze kwekuti vakati: “In’anga kana kuti anopenga!”
 | 
| أَتَوَاصَوْا بِهِ ۚ بَلْ هُمْ قَوْمٌ طَاغُونَ (53) (Vanhu vekare) Vakavasiira here mashoko aya (maQuraish)? Kana kuti ivo vanhu vanotsaudzira mirairo
 | 
| فَتَوَلَّ عَنْهُمْ فَمَا أَنتَ بِمَلُومٍ (54) Zvino enda (Muhammad (SAW)) kure navo (vasingatendi), naizvozvo iwe hauna mhaka (nokuti wasvitsa shoko raAllah)
 | 
| وَذَكِّرْ فَإِنَّ الذِّكْرَىٰ تَنفَعُ الْمُؤْمِنِينَ (55) Uye chiyeuchidza (Muhammad (SAW)), nokuti zvirokwazvo yeuchidzo inobetsera vanotenda
 | 
| وَمَا خَلَقْتُ الْجِنَّ وَالْإِنسَ إِلَّا لِيَعْبُدُونِ (56) Uye handina (ini Allah) kusika maJinn nevanhu asi kuti vandinamate
 | 
| مَا أُرِيدُ مِنْهُم مِّن رِّزْقٍ وَمَا أُرِيدُ أَن يُطْعِمُونِ (57) Handidi raramo kubva kwavari, uye handidi kana kuti vandipe chikafu
 | 
| إِنَّ اللَّهَ هُوَ الرَّزَّاقُ ذُو الْقُوَّةِ الْمَتِينُ (58) Zvirokwazvo, Allah ndivo muridzi wechengeto, muridzi wemasimba, vakasimba chaizvo
 | 
| فَإِنَّ لِلَّذِينَ ظَلَمُوا ذَنُوبًا مِّثْلَ ذَنُوبِ أَصْحَابِهِمْ فَلَا يَسْتَعْجِلُونِ (59) Naizvozvo, zvirokwazvo kune avo vatadzi pane chidimbu chemurango wakafanana newevamwe vavo (mushure). Zvino ngavarege kundimhanyira mberi
 | 
| فَوَيْلٌ لِّلَّذِينَ كَفَرُوا مِن يَوْمِهِمُ الَّذِي يُوعَدُونَ (60) Naizvozvo, matambudziko kune avo vasingatendi (muhumwechete hwaAllah) kubva pazuva ravo ravakavimbiswa
 |