| إِذَا السَّمَاءُ انفَطَرَتْ (1) Apo denga parichapatsanurwa
 | 
| وَإِذَا الْكَوَاكِبُ انتَثَرَتْ (2) Uye apo nyeredzi padzichadonha dzakamwararira (dzakafararira)
 | 
| وَإِذَا الْبِحَارُ فُجِّرَتْ (3) Uye apo nzizi padzichazarisa (padzichapfachukira)
 | 
| وَإِذَا الْقُبُورُ بُعْثِرَتْ (4) Uye apo makuva paachashandurwa (achiburitsa zvinenge zviri maari)
 | 
| عَلِمَتْ نَفْسٌ مَّا قَدَّمَتْ وَأَخَّرَتْ (5) (Ipapo) Munhu achaziva zvaakaita uye zvaakasiya (zvaasina kuita)
 | 
| يَا أَيُّهَا الْإِنسَانُ مَا غَرَّكَ بِرَبِّكَ الْكَرِيمِ (6) Iwe munhu! Chii chakuita kuti ushaye hanya nezvaTenzi vako, vanoremekedzwa
 | 
| الَّذِي خَلَقَكَ فَسَوَّاكَ فَعَدَلَكَ (7) Avo vakakusika, vakakupa chimiro chakanaka, uye vakakupa zvakaenzanirana
 | 
| فِي أَيِّ صُورَةٍ مَّا شَاءَ رَكَّبَكَ (8) Mune ipi nzira yavaida, vakakuisa (vakakuunza) pamwechete
 | 
| كَلَّا بَلْ تُكَذِّبُونَ بِالدِّينِ (9) Asi munoramba Ad-Deen (zuva rekutongwa)
 | 
| وَإِنَّ عَلَيْكُمْ لَحَافِظِينَ (10) Uye zvirokwazvo pamusoro penyu (pane ngirozi dzakasarudzwa) kuti dzikutarisei
 | 
| كِرَامًا كَاتِبِينَ (11) Kiraaman (dzinoremekedzeka) Kaatibeen dzichinyora pasi (mabasa enyu)
 | 
| يَعْلَمُونَ مَا تَفْعَلُونَ (12) Dzinoziva zvose zvamunoita
 | 
| إِنَّ الْأَبْرَارَ لَفِي نَعِيمٍ (13) Zvirokwazvo, Al-Abraar (vatendi vatsvene) vachava mumufaro (Paradhiso)
 | 
| وَإِنَّ الْفُجَّارَ لَفِي جَحِيمٍ (14) Uye zvirokwazvo, Al-Fujjaar (vatadzi) vachava mumoto unopisa
 | 
| يَصْلَوْنَهَا يَوْمَ الدِّينِ (15) Vachapindamo, voravira marimi awo (moto) anopisa pazuva rekutongwa
 | 
| وَمَا هُمْ عَنْهَا بِغَائِبِينَ (16) Uye imomo havazomboshaikwi
 | 
| وَمَا أَدْرَاكَ مَا يَوْمُ الدِّينِ (17) Uye chii chichaita kuti uzive chinonzi zuva rekutongwa
 | 
| ثُمَّ مَا أَدْرَاكَ مَا يَوْمُ الدِّينِ (18) Zvakare, chii chichaita kuti uzive zuva rekutongwa
 | 
| يَوْمَ لَا تَمْلِكُ نَفْسٌ لِّنَفْسٍ شَيْئًا ۖ وَالْأَمْرُ يَوْمَئِذٍ لِّلَّهِ (19) Zuva iro hapana munhu achange aine simba rekuiitira mumwe chii zvacho, uye mutongo, zuva iroro uchange uina Allah
 |