لَمْ يَكُنِ الَّذِينَ كَفَرُوا مِنْ أَهْلِ الْكِتَابِ وَالْمُشْرِكِينَ مُنفَكِّينَ حَتَّىٰ تَأْتِيَهُمُ الْبَيِّنَةُ (1) Avo vasingatendi kubva kuvanhu veBhuku (maJudha nemaKristu) nemaMushrikoon (avo vanonamata zvidori, kana kuti Allah vachivasanganisa nezvimwe zvinhu), vakanga vasingazosiyi (kusatenda) kusvikira humboo huri pachena hwauya kwavari |
رَسُولٌ مِّنَ اللَّهِ يَتْلُو صُحُفًا مُّطَهَّرَةً (2) Mutumwa (Muhammad (SAW)) kubva kuna Allah, achiverenga bhuku rakachenurwa (Qur’aan rakachenurwa kubva kumanyepo) |
فِيهَا كُتُبٌ قَيِّمَةٌ (3) Mariri mune mitemo yakatwasuka (kubva kuna Allah) |
وَمَا تَفَرَّقَ الَّذِينَ أُوتُوا الْكِتَابَ إِلَّا مِن بَعْدِ مَا جَاءَتْهُمُ الْبَيِّنَةُ (4) Uye vanhu veBhuku (maJudha nemaKristu) havana kusiyana asi mushure mokunge humboo hwakajeka hwauya kwavari |
وَمَا أُمِرُوا إِلَّا لِيَعْبُدُوا اللَّهَ مُخْلِصِينَ لَهُ الدِّينَ حُنَفَاءَ وَيُقِيمُوا الصَّلَاةَ وَيُؤْتُوا الزَّكَاةَ ۚ وَذَٰلِكَ دِينُ الْقَيِّمَةِ (5) Uye havana kukomekedzwa asi kunamata Allah, uye kunamata Allah chete voga, uye kuita Swalaah (Munamato), uye kupa Zvipo (Zakaah), uye ichi ndicho chitendero chakatwasuka |
إِنَّ الَّذِينَ كَفَرُوا مِنْ أَهْلِ الْكِتَابِ وَالْمُشْرِكِينَ فِي نَارِ جَهَنَّمَ خَالِدِينَ فِيهَا ۚ أُولَٰئِكَ هُمْ شَرُّ الْبَرِيَّةِ (6) Zvirokwazvo, avo vasingatendi kubva muvanhu veBhuku (maJudha nemaKristu) nemaMushrikoon (avo vanonamata zvidori, kana kuti Allah vachivasanganisa nezvimwe zvinhu) vachange vari mumoto weGehena vachigara imomo. Vanhu vakadaro ndivo zvisikwa zvakashata |
إِنَّ الَّذِينَ آمَنُوا وَعَمِلُوا الصَّالِحَاتِ أُولَٰئِكَ هُمْ خَيْرُ الْبَرِيَّةِ (7) Zvirokwazvo, avo vanotenda (muIslaam), uye vachiita mabasa akanaka, vanhu vakadaro ndivo zvisikwa zvakanaka |
جَزَاؤُهُمْ عِندَ رَبِّهِمْ جَنَّاتُ عَدْنٍ تَجْرِي مِن تَحْتِهَا الْأَنْهَارُ خَالِدِينَ فِيهَا أَبَدًا ۖ رَّضِيَ اللَّهُ عَنْهُمْ وَرَضُوا عَنْهُ ۚ ذَٰلِكَ لِمَنْ خَشِيَ رَبَّهُ (8) Mubairo wavo unaTenzi vavo, Paradhiso rine nzizi dzinoerera pasi paro.Vachagara imomo zvachose. Allah vachafadzwa navo uye ivo vachafadzwa navo (Allah). Izvi ndezve uyo anotya Tenzi vake |